04.02.2021 Views

ISSUE #1

MOSI OA TUNYA LITERARY REVIEW The first multi-lingual, pan-African, online literary magazine from Zimbabwe

MOSI OA TUNYA LITERARY REVIEW
The first multi-lingual, pan-African, online literary magazine from Zimbabwe

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

40

aibayira vana vevavakadzani semupiro kune zvimwari zvake. Mabhuku aya akapiwha Fata

Seamus Kennolly, weChechi yeRoma, uyo akaraira kuti apiswe.

NezvaRoulet asati auya munyika muno, hatina zvakawanda, asi anonzi akauya mugore

ra1905, achibva Berijiyamu. Matsamba andarava anoratidza kuti Roulet aishorwa

nevavakidzani vake vechirungu, asi aityiwa chose nevatema vemudunhu iri. Izvi zvakange

zvisiri hazvo zvega; ruzhinji rwevarungu vakabvaBhuriteni vaitarisira pasi nekuzvidza vamwe

vachena vakange vabva kunedzimwe nyika. Vakawanda vechiGiriki, Arimeniya nemamwe

marudzi aionekwa naanamudzviti nevamwe veHurumende sevanhu venhando. Pane imwe

memorandamu yemapurisa, yemuna 1936, Roulet anonzi aita “mafambidziro nevatema asina

kufanira.” Ndatsvaga, asi handina kuwana umbowo ungaratidze kuti Roulet akadanana

nemukadzi wechitema.

Ndingati, zvakare, magwaro andarava anonyenyeredza chainyanyoshorwa pamusoro

paRoulet uyu, zvekuti chokwadi chaicho hapana anoziva. Asi, pane mhinduro kubva

kunaBhishopu weChechi YeRoma, achiraira Fata Kennolly, kuti vanopa Roulet mukana

wekuramba zvachose “mabhuku ake nezvidzidziso zviri makare.” Zvimwe, Roulet akange

ahedhuka, ndokusiyana neChechi YeRoma. Asi, ndawana zvakare tsamba yaVaJefferson

Wilbury, veYunaitedhi, vachinyorera vakuru vavo kuAmerika, vachiti vakange vaona vega

“mabasa” aRoulet.

Hapana zvimwe zvinonyorwa pamusoro paVaRoulet, kunze kwebvunzurudzo nemapurisa

yemuna 1937, apo akasungwa nemhosva yekutapa vana vemuvakidzani wake, Robert

Grierson. Mapurisa aive nefungidziro yekuti Roulet aive nechekuita nezvekutsakatika kwevana

vakawanda mudunhu iri, kubvira gore ra1909. Mukufeya-feya kwavo, vakange vanyorerwa

tsamba nemumwe mabharani wehurumende yekuBerijiyamu achiti iye Roulet aive nhererera,

uye akazvarwa kuFuransi. Zvedzinza rake, hapana aiziva zvakawanda. Asi, faira redzinza

rekwaRoulet kuFuransi raive nenyaya yaJacques Roulet, uyo akamiswa pamberi pedare

muna1598 achipomerwa mhosva yekuzvipindutsa kuva chikara chiya chinonzi nevarungu

Werewolf. Zvinonzi vamwe varume vakachifamba musango vakaona mutumbi wemukomana,

wairatidza kunge uchangobva kuurawa, uye makava maviri akaonekwa achitiza. Varume vaya

vakaadzingirira, ndokuwana mumwe mukomana ainzi Jacques Roulet. Maoko ake nemuromo

wake zvakange zvakanuna neropa, uye munzwara dzake maive nenyama yemunhu. Kuti

Jacques Roulet uyu angave tateguru raÉmilien, uye yaive mhuri yaibata zveuroyi nezvemweya

yetsvina?

Zvisinei, Muneneri weMhosva akatadza kugutsa dare neumbowo, Roulet ndokusungurwa

zvake. Asi, pakatsakatika Jane Mickens, mwanasikana wemumwe wevavakidzani vake, Roulet

akadzingwa mudunhu iri nevanhu vakapaka zvombo, imba yake ndokupazwa. Kwaakaenda,

hapana anoziva, asi, muna1958, kwakauya tsamba kubva kumapurisa emuJohanesibhegi

kuSasafurika, vachibvunza maererano nemumwe murume ainzi ‘Rulley’. Rugwaro

rwekupedzisira rwenhoroondo yaRoulet rwunocherechedza rufu rwake muna1967, mushure

mekugara kwemakore akawanda muchipatara chevanorwa pfungwa.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!