07.06.2013 Views

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

pfungwa dzake dzinogoverwa kuboka rose neshamwari yake. Kuita vaviri vaviri

kunotendera nhaurirano yakadzama inotaurwa nemunhu wese padingindira

rakapihwa. Kana boka rasanganazve, nyaya dzakakosha chete dzinobuda

panhaurirano yeveviri-vaviri ndizvo zvinoda kugoverwa.

Appendikisi B

Mibvunzo neMhinduro: Nzira yakanyanyokosha yekudzidzisa inzira yekubvunza

mibvunzo yekupa gwara kuhurukuro. Nzira iyi inodaidzwa kuti mubvunzo

nemhinduro. Basa remudzidzisi kubvunza mibvunzo ine mhinduro dzakawanda kuti

nhaurirano ikure. Mibvunzo inosvitsa kumhinduro pfupi kana iri nyore

hainyanyoshanda. Mudzidzisi haafaniri kubvunza mibvunzo yaanonzwa kuti ine

mhinduro imwe yakanaka. Harisi basa rake kudzidzisa umboo hwakanaka, asi kurega

vadzidzi mumusangano vaite nhaurirano uye kuti vabudise mhedziso dzavowo.

Kubata mazwi: Kugonesa kufamba kwezvirongwa zvewekishopo vatori vehickamu

vanogona kukumbirwa kuti vaunze kumusangano mazwi anokodzera kubva kuvanhu

vanozivikanwa, mabhuku, nziyo, mabhuku ezvinamato, zvinyorwa zvemitemo kana

kubva kumwewo kuti boka rikurukure.

Zvikwata: Kupwanya boka remusangano kuriita zvikwata zvidiki zvinogonesa

nhengo kuti dzitore chikamu zvizere muzviitwa nenhaurirano. Kuva vashoma

muchikwata kunokonzera kuwanikwa kwemikana yekutora chikamu yakawanda.

Pane nzira dzakawanda dzekuputsa boka kuva zvikwata. Mufambisi anogona kufunga

kufanosarudza nhengo dzechikwata kuitira kugoveranisa mazera akasiyana-siyana

kuti amiririrwe, mabasa, kujairirana nedingindira riri kutaurwa kana zvimwewo.

• Kungounganidza vanhu muzvikwata zvisina tsarukano: Nzira inonyanya

kuzivikanwa yokuronga zvikwata kungokanyanisa. Mushure mokunge mufambisi

aronga kuti pangadiwa zvikwata zvingani, vadzidzi vanogona kuzoverenga

uwandu hwacho. Semuenzaniso, wezvikwata zvishanu, vadzidzi vanotora nhamba

vachiverenga kubva pakutanga kusvika pashanu zvine urongwa. Manhamba

ekutanga sese anoenda muchikwata chimwe, mhanhamba epiri sese anoenda

muboka ravo vega, zvichingodaro.

˛ ˇ — ˛ ˇ — ˛˛˛˛

ˇ = Zvikwata ˇˇˇˇ

˛ — ˇ ˛ ———

• Kuisa mumapoka zvichitevedza urongwa hwemabhii: Ita kuti vatori

vechikamu vaite mutsetse kana denderedzwa zvichienderana neurongwa

hwemabhii emazita avo akapiwa, vachitanga nebhii rekutanga zvino chipatsanura

vadzidzi maringe neuwandu hwemapoka hunodiwa.

• Kuronga mapoka nemazuva ekuzvarwa: Itai kuti vatori vechikamu vaite

mutsetse kana denderedzwa vachitevera urongwa hwekuzvarwa kwavo,

vachitanga nandira vachipedzisa na31 Zvita. Zvino chipatsanura vatori vechikamu

maringe neuwandu hwemapoka anodiwa.

149

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!