20.09.2016 Views

JOHN K

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

CHITSAUKO 1

1.1 ZVINOREHWA NECHITA

Chita cheMwoyo musande kwazvo waYesu Chita chinobatanidza vatenderi vaKatorike kuti

vaparidzire uMambo hwaMwari pasi rose. Vatenderi vanoita izvi neminamato yavo yamazuva

ose, namabasa, nemifaro nemumatambudziko vachisimbaradzwa neMwoyo Musande Kwazvo

waYesu. Zviri pachena kuti kunamata uku kunamata kuna Yesu Kristo pauzima nokuti Mwoyo

wake neropa zvaakaduruka zvinoratidza chido. Mwoyo Musande Kwazvo waYesu chiratidzo

chechido chisina mwero kwatiri.

1.2 VANOKODZERA KUVA NHENGO DZECHITA

1.2(a) Chita cheMwoyo musande Kwazvo waYesu Chita chemuKatirike wese uye Chita

chemhuri nokudaro baba namai nevana vanokwanisa kupinda muChita ichi.

(b) Chirikadzi, tsvimborume kana mudzimai akambochinyirwa aine mugariro unofadza

Mwari akapiwa chiregerero nababa vezvomweya kana nomuBishop achigamuchira

masakaramende anekodzero yokupinda muChita ichi.

(c) Mwanakomana kana mwasikana ane makore guminamaviri okuberekwa zvichienda

mberi akapapatiswa achigamuchira masakamende

(d) Murume akaroora kana mudzimai akaroorwa achigara nemukadzi kana murume wake

vanofanira kunge vaine muchato unobvumidzwa neKirike Katorike vachigamuchira

masakaramende kuti vagamuchirwe muChita.

(e) Mwana mudiki anemakore gumi namaviri asati ava kugamuchira masakaramende,

chirikadzi, tsvimborume, vakaroorana vasina muchato vasina kusunungurwa vasinga gamuchiri

masakaramende vanoita vateveri kusvika vasunungurwa.

(f) Munhu anozvisandisa neminamato nemabasa akanaka (Eph 5:8-11)

(g) Anonamata nemhuri yake minamato yemangwanani nemanheru.

(h) Anobatsira Kirike nekubhadhara mari pamwedzi woga woga uye kuriritira muPrieste

nemuBishop wake.

(i) Anorera vana mukutya Mwari.

1.3 NHOROONDO YECHITA CHEMWOYO MUSANDE KWAZVO WAYESU

Chita cheMwoyo Musande waYesu chakatangwa naivo Mambo Yesu Kristo pachavo mushure

mekuzviratidza kune vapikiri vakasiyana siyana vanosanganisira St. Lutgarde (1182-1246)

kuBelgium, St Getrude the great (1256-1301) kuGermany, St Mechtilda (1240-1298)

kuGermany, St Cathrine (1347-1380) kuSiena naSt Margret Mary Alacoque (1647-1690)

kuFrance. Vapikiri ava vose vaigaronamata nekupfugamira Sakaramende Sande kwenguva refu,

inova ndiyo nguva yaizviratidza Mambo Yesu Kristo kwavari. Asi Mambo Yesu Kristo

vakazopa basa guru rokuvamba Chita kuna sister Margret Mary Alacoque. Sister ava basa ravo

1

aiva rokunamata nekuripira matadzo avo naavamwe. Vamwe vasande vakabatsira

pakusimudzira Chita panguva iyoyo ndiSt John Eudes, muzvare Jane De Chantal naBishop

Francis de Sales. Vanhu vazhinji vakange vapindwa neMweya werunamato, vakaumba boka

rekunamata vachizvidaidza kuti Vapositori vekunamata (Apostleship of Prayer)

Boka iri raitungamirirwa naBishop Francis de Sales vari ivo Spiritual Adviser, St John Eudes ari

iye Chief Promoter, muzvare Jane de Chantal vari Samunyori. Musande John Eudes aishanda

saChief Promoter ndicho chikonzero neyi boka reChita cheMwoyo Musande riine neChigaro

chaChief Promoter. St John Eudes akazvarwa muna 1601 akava Baba vezveMweya kuma

Oratory Fathers vekuFrance muna 1625. Ndiye nyakunyora Hofisi yeMwoyo Musande kwazvo

waYesu. (Devotion to the Sacred Heart) mubhuku rake rinonzi The Life and Royalty of Jesus’s

Christian Soul iro rakawana Doctrinal ne Episicopal approval muna 1668. Papa Pius IX vakati

John Eudes acharangarirwa sababa, chiremba (Doctor) uye mupositori werunamato rweMwoyo

Musande Kwazvo waYesu nerwaMaria Musande. Akazofa muna 1680 akaitwa musande muna

1925.

Pope Pius IX ndivo vakazopa kuti kuzvipira uku kuve kwesangano rose uye kuti sokutaura

kwaKristo ripembererwe neChishanu mushure mesvondo rekupemberera muviri neropa raKristo

(5 days after Corpus Christi) Pope Leo XIII ndivo vakazoteketera kuzvipira uku kusangano rose

muna 1899.

Mugore ra1647 Sr Magaret Mary Alacoque akashanyirwa naYesu Kristo achinamata. Yesu

ndokuti kwaari

- Paridzira kuti vanhu vandinzwe uye vave nerudo

- Varipire mhosva dzavo nedzavamwe nedzeavo vari mupurigatoriyo.

- Paridzira kuna vose kuti vaponeswe.

Yesu Kristo vachizviratidza kuna Sr Magaret Mary kazhinji imwe nguva vakati

“KUTAMBUDZIKA KOSE KWANDAKAITIRA VANHU, IVO VANHU

HAVASIKUMBOZVIONA, NDINGADE ZVIKURU KUDZOKA KUZOTAMBUDZIKA

KUPINDA ZVANDAKAITA PAKUTANGA, DAI VANHU VAGONA KUDZORERA

RUDO KUNE RUDO”. Izvi zvichireva kuti isu vanhu tinofanira kudzorera rudo kune rudo

zvakaperera, kuratidza kuti tinomuda kupinda zvose nokuti vanodanana havasiyani.

Sr Magaret Mary vachibatsirwa nemukomborerwi Claude de la Colombiere, akakumbirwa

naYesu kukurudzira vanhu kuti vanamate kuMwoyo wake Musande sechiratidzo chechido

kwaari. Kwakapera makore mazana maviri zuva reMwoyo Musande Kwazvo waYesu risati

rambochengetwa. Chikonzero chaiva chekuti sangano rainge richiri kuongorora zvaionekwa

nokutaurwa naSr Magaret Mary. Chita cheMwoyo Musande kwazvo waYesu

chakazonyatsopfumbira mugore ra1843 pazuva raFrancis Xavier muguta diki reFrance, ndipo

pachakazotanga kupararira kwose kwose pasi rose, vakazobvisa Hofisi yavo kuFrance voisa

kuRome, uko Chita chakanga chatoveko kare. Chichizivikanwa nezita rekuti Roman Arch

Sodality of the Sacred Heart. Ndiko kune muzinda wacho nanhasi.

2

1.4 ZVINANGWA ZVECHITA

1) Kupa rukudzo nerutendo kuna Yesu kana tichinamata kuMwoyo wake Musande.

2) Kuyedza kudzorera rudo kune rudo rwatakaratidzwa naYesu Kristo zvaakatifira pachipiyaniso

Mwoyo wake ukabaiwa nepfumo.

3) Kuita chinamato chemangwanani Yesu nekune Mwoyo usina mhaka waMaria.

4) Kunzwa Misa Sande nekutambira Komione sande yokuripira chishanu chechiposhi

chomwedzi woga woga.

5) Kuzvipira zuva roga roga kuratidza kukumbira kwedu kuna Mai Maria Musande.

1.5 MITEMO YECHITA

1) Kuva mutenderi muKatorike akachata ane muraramiro unofadza Mwari.

2) Mutenderi anozvipira kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu achinamata minamato yake

yamazuva ose, anoenda kuSvondo nekugamuchira masakaramende nguva dzose.

3) Munhu anoenda kumisangano svondo roga roga anozvisandisa namabasa neminamato

(Eph 5:8-11).

4) Anobatsira Kirike nekubhadhara mugove mwedzi woga woga.

5) Kunamata minamato yamangwanani neyemanheru zuva nezuva nekuita rusariro.

6) Munhu anoteerera baba vezvoMweya nevatungamiriri veboka rake (Titus 3:1-2).

7) Munhu asingapiri mudzimu namashavi, asingaendi kunobvunzira, asingarovi makuva,

anovimba naKristo chete muupenyu hwake.

8) Munhu asingaburitsi mhosva dzinenge dzatongwa kana kutaurwa mumusangano.

NB Kudarika mitemo iyi kunoita kuti munhu atorerwe hanzu naBaba vezvomweya kana

atadza kudzoreka. Asiwo tingabva paMwoyo waYesu tichienda kupi kuno darika Mwoyo

Musande Kwazvo waYesu.

1.6 NZIRA DZEKUZADZISA NADZO ZVINANGWA ZVECHITA.

1) Kuremekedza (veneration) Mwoyo Musande waYesu nguva dzose kuburikidza

nekuturika mufananidzo weMwoyo waYesu mudzimba dzedu sechiratidzo cherudo rwaYesu

kuvanhu vose.

2) Kunzwa Misa Sande nokutambira Communion Sande nguva nenguva, zvikuru Misa

yokuripira paChishanu chechiposhi chemwedzi woga woga.

3) Kuzvipira zuva roga roga kuna Yesu nokuita chinamato chamangwanani Yesu nekune

Mwoyo usina mhaka waMaria.

3

4) Kuzvipira zuva roga roga kuna Maria Musande kuratidza kuva remekedza nekuita

Rusariro.

5) Kukurudzira vamwe kuti vanamate kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu

6) Kuita runyararo mushure memazuva makuru ose.

- Mumwaka weRendi tichigadzirira Easter

- Tichigadzirira zuvaguru reMwoyo Musande Kwazvo waYesu.

- Tichigadzirira zuva raKristo ari Mambo.

7) Kuita pfugamiro (Holy Hour) tichiripira matadzo edu neevamwe pa Chishanu

chechiposhi chomwedzi

8) Kucherechedza mazuva makuru eChita anoti

- Zuva reMwoyo Musande Kwazvo waYesu

- Zuva raMagaret Mary Alocoque (16 October)

- Zuva raKristo ari Mambo (November)

9) Kuparidzira Chita kwachisiri

10) Kuita reururo nekukurudzira vamwe kuita reururo (confession) nguva nenguva.

1.7 MABASA

1) Kubatsira baba vezvemweya neParish mukukurudzira chitendero.

2) Kushanyira varwere nokunamata pamwe navo.

3) Kubatana nevamwe vatenderi parufu nekuviga vafi nokuita minamato.

4) Kubatsira nherera, vakaremara nechirikadzi dzinoshaya.

5) Kubatana navamwe vatenderi pazvirongwa zvekunamata.

6) Kushanyira nokukurudzira vatenderi vadzokera shure mukunamata.

7) Kuenda kuzvifundiso zveChita pamazuva akabvumiranwa neChita.

8) Kuenda kuzvifundiso zveChita pamazuva akabvumiranwa.

9) Kuita runyararo tichigadzirira mazuva makuru.

10) Kubatsirana mune zvekunamata nezvekurarama (empowerment)

4

1.8 ZVIPO ZVINOWANIKWA MUKUZVIPIRA KUMWOYO MUSANDE KWAZVO

WAYESU

1.8,1 (a) Mambo anoti “Mazita avanhu vanobatsira chiito ichi chokuMwoyo Musande Kwazvo

waYesu achanyorwa mumoyo mangu haachazodzimwi”.

(b) Unogona kuwana zviregerero zvizere zuva roga roga kana uchipira kuna Mwari

mabasa ako amaoko nepfungwa mangwanani oga oga nekuita chinamato Yesu nekune Mwoyo

usina mhaka waMaria.

(c) Unogona zvakare kuwana chiregerero chizere

(i) Musi wauno gamuchirwa muChita

(ii) Chishanu chechiposhi chomwedzi woga woga (1 st Friday) nemugovera wechiposhi

chemwedzi woga woga. (1 st Saturday) kana waita zvinodiwa pazuva iroro.

(iii) Musi wokufa kwako.

(iv) Musi unopirwa mhuri yose kuMwoyo Musande.

1.9 ZVITSIDZO

(Sekupiwa kwazvakaitwa kuna Margaret Mary kubva mugore 1673 kusvika 1675)

1) Ndichavapa magirasiya ose avanoshaya mumagariro avo.

2) Ndichavapa kugarika nemhuri dzavo.

3) Ndichavanyaradza kana vachisuruvara.

4) Ndichavachengeta vari vapenyu asi zvikuru kana vava kufa.

5) Zvose zvavachaita ndichavabatsira nezvikomborero zvizhinji.

6) Vatadzi vachaona mumwoyo mangu tsime remvura huru yengoni

7) Mweya yakatonhora ichazotsvira kuitira Mwari.

8) Mweya yakanaka ichakurumidza kuwanzodisa Mwari.

9) Ndichakomborera dzimba munochengetwa nokuimbirwa chifananidzo cheMwoyo

wangu.

10) Ndichapa vaPrieste simba rokupindura mwoyo mikukutu kwazvo.

11) Mazita avanhu vose vanobatsira chikumbiro ichi achanyorwa mumwoyo mangu.

12) Mwoyo wangu uchanyanya kuita tsitsi. Ndinopika kuti vose vanogamuchira Komione

Sande Chishanu chechiposhi chomwedzi mipfumbamwe inoteverana, vachapiwa girasiya

rokufa nomoyo unorwarira matadzo. Havachazofa vasina kugamuchira maSakaramende,

vachachengetwa mumwoyo mangu musi uyo wemhedziso.

1.10 VAVARIR0

1) Dare roga roga rinofanirwa kuva nechigaro chaPromoter, nokusanganisira zvimwe zvigaro

zvagara zvichizivikanwa.

5

2) Nhengo dzinofanira kusangana seChita musi weChishanu svondo roga roga vachinamata

nokuzvipira kuMwoyo Musande Kwazvo waYesu. Kana vakamanikidzika vangaronge zvavo

rimwe zuva rekusangana asi zuva reMwoyo Musande musi wechishanu. Munamato wekuzvipira

(hofisi) inofanirwa kuitwa pose panosangana nhengo dzeChita.

3) Nhengo dzinofanira kupinda Misa yekuripira matadzo Chishanu chechiposhi chomwedzi

woga woga. Vatungamiri vanofanira kuita hurongwa naBaba vezvomweya kuti misa iitwe.

PaMisa panokumbirwa kuitwa pfugamiro (Holy Hour) Benediction, rupinduko (Confession) uye

kuzvipira kunamata husiku hwose. (All night prayer)

4) Nhengo dzinokurudzirwa kuita mabasa etsitsi kuti vave nechitendero chine mabasa, (Mt

25:21-25) (James 2:14-26).

5) Dare rinofanira kuronga misangano yePromoters Council mwedzi woga woga, maPromoters

nevatungamiri mudunhu ngavaende kumusangano sokurongwa kunenge kwakaitwa neChita.

6) Vachitsigirwa nePromoters Council nhengo dzinofanira kuita mhemberero dzemazuva

makuru eChita uye nhengo dzose dzinokurudzirwa kupemberera mazuva makuru ose.

7) Nhengo dzose dzinosungirwa kubvisa mari yetsigiro kuChita paParish uye kuDeanery

kuDiocese uye kuNational.

8) Nhengo dzose dzinokurudzirwa kutsigira zvirongwa zvose zveParish pavanonamata vari uye

vanofanira kubatana nezvimwe zvita pamabasa, nepaminamato kwete kuzvisarudza.

9) Nhengo yeChita ikafa inofanira kurongerwa muteuro weMisa, dzimwe nhengo dzinofanira

kutsigira mumwe wavo, nekuzoita minamato yeMwoyo Musande kwazvo waYesu. Nhengo ikafa

inovigwa yakapfeka hanzu yeChita. Nhengo izere inopfekedzwa kutsvuku chero nguva ipi

zvayo.

10) Nhengo inofanira kucherechedza zvinokodzeresa kuti munhu apinde muChita nezvinoita kuti

asatorerwe hanzu dzeChita kana kubuda muChita asi hurudziro ndeye kuva nhengo inomugariro

wakanaka.

6

CHITSAUKO 2

2.1 MAITIRO EMUSANGANO NEMINAMATO YECHITA

-Muzita……….

-Rumbo kuna Mweya Mutsvene ………..

-Munamato wekuvhura musangano……………

‘’Mwari Baba vedu, onai taungana pano isu vana venyu nokuda kwenyu.Titumireiwo

Mweya wenyu mutsvene kuti tivhenekerwe kuti tizive kuda kwenyu muna zvose

zvatichaita nhasi’’. Amen.

-Toita Rusariro/Maronda mashsanu kana nzira yechipiyaniso

- (hofisi) Munamato wekuzvipira neRitani kuMwoyo Musande waYesu.mupiro pg 321-324

-Chidzidzo chemubhaibheri choverengwa nokududzirwa

-Mazita odanwa (register)

-Nhoroondo dzemusangano wakapfuura

-Mabasa akaitwa orondedzerwa, nokukurukurwa nezvawo

-Kugoverwa kwemabasa matsva achandoitwa muvhiki rinotevera.

-Mari yetsvigiro kana pane anayo yobiswa kana hurukuro dzine maererano nemari

- Rumbo kuna Mweya Musande nemunamato wekuvhara

2.2 MAITIRO EMINAMATO YEMUDZIMBA

2.2.1 Chinangwa chemunamato;

(a) Rumbo kuna Mweya Mutsvene

(b) Munamato wekuvhura-unotodzana nechinangwa chiri kunamatirwa

(c) Rusariro/Maronda mashanu kana nzira yechipiyaniso

(d) Kuzvipira kuMwoyo Musaande waYesu

(e) Litany kuMwoyo Musande waYesu

(F) Kugoverana zvinobva muBhaibheri (bible sharing)

(g) Zvichemo

(h) Rumbo nemunamato wekuvhara

7

2.3 MINAMATO PACHIPOSHI CHEMWEDZI (1 st Friday)

2.3.1 Pachiposhi chomwedzi tinosungirwa

I. Kupinda muteuro weMisa

II. Kugamuchira Kominioni Sande

III. Kuita pfugamiro,(Holy hour)

IV. Kuita reururo,(confessions)

V. Kugoverana zvatinazvo navaPriest vedu

VI. Nekuzogoveranawo isu pachedu(Agape),

VII. Kupfeka uniform yakazara pazuva iri.

2.3.2 MINAMATO

I. Nzira yeChipiyaniso

II. Rusariro ,(zvishamiso zvokusuwa), Ritani kuMwoyo Musande kwazvo waYesu

nokugoverana ndima dzomuBhaibheri (Bible sharing)

III. Rusariro ,(zvishamiso zvokurumbira), Ritani kuzita sande RaYesu nokugoverana ndima

dzomuBhaibheri

IV. Rusariro,(zvishamiso zvokufara), Ritani kuna Maria Musande

V. Rusariro,(zvishamiso zvemwenje)

VI. Munamato na3am Rusariro kuna Yesu/Maronda mashanu kana Rusariro rwamarwadzo

amai Maria.

VII. Hofisi yeMwoyo Musande (pg 320 -324)

VIII. Munamato wamangwanani/muteuro weMisa nekupararira

2.4 HOFISI YECHITA (Mupiro pg320-324)

1. MUNAMATO KUNA YESU KRISTO

Mweya waKristo

Mweya waKristo ndishandiseiwo

Muviri waKristo ndiponeseiwo

Ropa raKristo ndigotiseiwo

Mvura yaparutivi paKristo ndicheneseiwo

Yesu makanakisa ndidavireiwo

Mumaronda enyu ndivanzeiwo

Regai kubvuma kuti ndiparadzane nemi

Kumuvengi wakaipa ndidzivirirei

Pamusi wokufa kwangu ndishevedzeiwo

Ndidaneiwo ndiuye kwamuri

Kuti ndikuimbirei nevsarudzwi venyu

Misi isingaperi.AMEN

8

2. Munamato kuna Yesu Kristo pachipiyaniso.

Onai Yesu makanakisa, makapfavisa, ndapfugama namabvi panyasi penyu. Ndinokutetererai

nomwoyo wangu wose kuti mundipe chitendero nechitarisiro nechido chakadzika. Itai kuti

ndipfidze matadzo angu nemwoyo wangu wose nokundisimbadza kuti ndigare upenyu

hwakanaka. Kana ndichitarisa nokurangarira maronda enyu mashanu, nokufungazve manzwi

akamborehwa naDavid muporofita okuti, vakaboora maoko angu netsoka dzangu vakaverenga

mapfupa angu ose, ndinorwadziwa mumwoyo kwazvo.

Baba vedu…………….. Kwaziwai Maria...……………….Vakudzwe baba………………….

3. MAMBO YESU KRISTO, Ndinokupai maoko angu kuti aite basa renyu.

Ndinokupai makumbo angu kuti afambe munzira dzenyu

Ndinokupai meso angu kuti ndione sekuona kwamunoita imi.

Ndinokupai rurimi rwangu kuti rutaure manzwi enyu.

Ndinokupai pfungwa dzangu kuti mufunge panzvimbo pangu.

Ndinokupai mweya wangu kuti munamate muri mandiri.

Pamusoro pazvose ndinokupai mwoyo wangu kuti mude nemandiri Baba venyu nevanhu vose

Ndinozvipa kwamuri kuti muve mambo wangu, anogara nokusevenza nokunamata nemuneni.

AMEN

4. YESU WANGU WADIWA, ndidzidziseiwo kuita mwoyo chena, nokuva muranda wenyu

chaiye, kuti ndizvipire kunemi, kunyange zvakaoma sei, ndirwire chitendero changu,ndisingatyi

marwadzo angandiwire, ndibate basa renyu, ndisingatsvage kuzorodzwa ndikusevenzerei,

ndisingakumbire mubairo, kusiya izvi chete zvekuti ndiri kuita kuda kwenyu kusande, Mambo

wangu naMwari wangu. AMEN

5. KUZVIPIRA KUMWOYO MUSANDE KWAZVO WAYESU

YESU MAKANAKISA

Yesu makanakisa, tsime rechido, Baba vetsisti, Mwari munyaradzi wavanhu vose, imi

makatiratidza isu vatadzi upfumi hwemwoyo wenyu, isu tose tinoda kuku tendai zvose

zvamakatipa. Tinotenda kwazvo kudzika kwamakatiitira Sakaramende Sande reAtari.

MuSakaramende iro rechido, Mwoyo wenyu wakanakisa wakaitwa mutema tema nokutadza

kwavanhu vose. Zvino isu tinoda kuripira mhosva idzo dzose, tinozvipira kuMwoyo wenyu

Musande isu nazvose zvatinazvo. Tinopira kunemi mabasa edu ose akanaka, atakaita, atinozoita,

tichibatsirwa negirasiya renyu. Tinozokurudzira vamwe kuti vanamate kuMwoyo wenyu

Musande. Zvino tinokukumbirai kuti mugamuchire kuzvipira kwedu uku kwataita kuti

tikufadzei, zvino zvamuri imi matipa girasiya rokuzvipira kwamuri, chitipaiwo simba rokuita

zvose zvatakutsidzirai. AMEN

6. MWOYO WAYESU WAMWARI

Mwoyo waYESU waMWARI, pindurai vatadzi nunurai vanofa, buritsai mweya yose iri

mupurigatoriyo. Yesu makanakisa ndidavireiwo, Kwaziwai mununuri wangu. Mwari wangu

ndinoziva ndinofa asi andizivi riiniko, handizivi kupiko, andizivi Seiko, asi ndinoziva kuti

9

kanandikafa ndiine rutadzo runouraya, ndicharasirwa kumoto muzhinji. Mwoyo waYesu

waMwari kunemi ndinotarisira girasiya rorufu rwakanaka, kuti ndife nduchishamwaridzana nemi

misi isingaperi. AMEN

7. KUNAMATIRA KUWADZANISWA KWAVANHU. (Mupiro pg 271)

Mwari Baba muna masimba ose, tinonamatira vanhu vose, kuti vabatane muKirike renyu vave

neChitendero chimwe chete, sokukumbira kwakaita mwana wenyu pindurai avo vasingatenderi,

shingisai vanokonona, dzorai vatenderi vose vari munzira isiri iyo nokusaziva kana nokushaya

simba. Itai kuti tigare sevana venyu, tigogarisana tose sehama nehama sezvinodikanwa nomwana

wenyu mambo wedu Yesu Kristo. AMEN.

8. MARITANI mupiro pg 278

1. RITANI KUMWOYO MUSANDE WAYESU

Mambo tinzwireiwo tsitsi

Kristo tinzwireiwo tsitsi

Mambo tinzwireiwo tsitsi, Kristo tinzweiwo

Kristo tidavireiwo

Mwari baba, murikudenga, tinzweiwo tsitsi*

Mwari mwanakomana, mununuri wapasi*

Mwari mweya musande

Utatu usande hwaMwari mumwe chete

Mwoyo waYesu mwanakomana waBaba, ugere nakare kose

Mwoyo waYesu wakaumbwa naMweya musande mumimba yaAmai muvirigo

Mwoyo waYesu, muneukuru usingagumi

Mwoyo waYesu imba sande yaMwari

Mwoyo waYesu, ugaro hwemukuru kwazvo

Moyo waYesu, imba yaMwari, musuwo wedenga

Mwoyo waYesu, choto chinotsva nechido

Mwoyo waYesu, ugaro hwoururami nerudo

Mwoyo waYesu, chitubu chisingapwi chetsika dzakanaka dzose

Mwoyo waYesu, makakodzera kuimbirwa kwazvo

10

Mwoyo waYesu, Mambo unokokorodza mwoyo yose

Mwoyo waYesu, munepfuma dzose

Mwoyo waYesu munogara nouMwari hwose

Mwoyo waYesu, makafarira baba zvikuru

Mwoyo waYesu, takagamuchira tese mupfuma yawo izere

Mwoyo waYesu, makadzikama, munetsitsi dzakanyanya

Mwoyo waYesu, munopfumisa vose vanokumbira kunemi

Mwoyo waYesu, tsime rorupenyu norunako

Mwoyo waYesu, makaripira mirandu yedu

Mwoyo waYesu, makazadzwa noruzvidzo

Mwoyo waYesu, makaponderwa matadzo edu

Mwoyo waYesu, makafa muchiterera

Mwoyo waYesu, makabaiwa nepfumo

Mwoyo waYesu, tsime revaraidzo dzose

Mwoyo waYesu, rupenyu rwedu nekumuka kwedu

Mwoyo waYesu, makateurirwa matadzo

Mwoyo waYesu, munoponesa vese vanokutarisirai

Mwoyo waYesu, rugare rwedu nekuwadzaniswa kwedu

Mwoyo waYesu, chitarisiro chavo vanofira munemi

Mwoyo waYesu, munofarisa vasande vese

Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi,

Tiregerereiwo mambo

Hwayana yaMwari, munobvisa matadzo apasi,

Tiregerereiwo Mambo

Hwayana yaMwari, munobvisa matadzo apasi,

Tinzweiwo tsitsi mambo

M Yesu munemoyo munyoro unokotama

11

V Itai kuti moyo yedu ifanane nemwoyo wenyu

Ngatinamatei: Mwari munamasimba ose newemisi isingaperi, ringirai mwoyo womwana

komana wenyu. Wadiwa kwazvo, tarirai kuimbira nekuripira kwaakakuitirai panzvimbo

pavatadzi. Isu vatadzi tinokumbira tsitsi dzenyu, mubvume kutiregerera muzita rouyo

Mwanakomana wenyu Yesu Kristo, anogara neumambo nemi pamwe naMweya Musande misi

isingaperi. Amen

2. RITANI KUZITA SANDE RAYESU

Mambo tinzwireiwo tsitsi

Kristo tinzwireiwo tsitsi

Mambo tinzwireiwo tsitsi, yesu tinzweiwo

Yesu tidavireiwo

Mwari baba murikudenga, tinzwireiwo tsitsi *

Mwari mwanakomana mununuri wapasi*

Mwari mweya musande

Utatu usande hwaMwari umwechete

Yesu, Mwanakomana waMwari mupenyu

Yesu, rubwiyo rwaBaba

Yesu, kuchena kwechiedza chisingaperi

Yesu, Mambo wembiri

Yesu, zuva reururami

Yesu, mwana waMaria muvirigo

Yesu, madikanwa

Yesu, munoshamisa

Yesu, Mwari wamasimba

Yesu, Baba venhambwe ichazouya

Yesu, nhume yezano guru

Yesu, munogona zvese

Yesu, mune moyo mukuru chose

Yesu, makaterera kwazvo

12

Yesu, womoyo munyoro unokotama

Yesu, munodisa utsvene

Yesu, munotida isu

Yesu, Mwari werugare

Yesu, musakisi weupenyu

Yesu, nhungamiri yetsika sande

Yesu, munotsva nekuda mweya

Yesu, Mwari wedu

Yesu, diziro redu

Yesu, Baba vavarombo

Baba vavarombo

Yesu, pfuma yevatenderi

Yesu, mufudzi wakanaka

Yesu, chiedza kwacho

Yesu, ungwari husingaperi

Yesu, unaki husingaperi

Yesu, nzira yedu neupenyu hwedu

Yesu, kufara kwavangere

Yesu, mambo wevapatriaka

Yesu, murairidzi wevapostori

Yesu, mufundisi wevanyori vevhangeri

Yesu, tsungo yavanyakufira chitendero

Yesu, chivheneko chevapupuri vechitendero

Yesu, utsvene hwevavirigo

Yesu, ndaza yevasande vese

Ivai norupfave, tiregerereiwo Yesu

Ivai norupfave, tidavireiw Yesu

13

Kuzvivi zvose, tinunureiwo Yesu*

Kurutadzo rwose*

Kuhasha dzenyu

Kuzviteyo zvasatani

Kuruchiva rokufeva

Kurufu rusingaperi

Mukuramba mashoko enyu emumoyo

Nechishamiso chokuva munhu kwenyu kusande

Nokuberekwa kwenyu

Noumwana hwenyu

Noupenyu hwenyu hweuMwari

Namabasa enyu

Nokutandadza nekurwadziwa kwenyu

Nechipiyaniso chenyu nekufukatirwa kwenyu

Nokuziya kwenyu nekurukutika kwenyu

Nekufa kwenyu nekuvigwa kwenyu

Nekumuka kwenyu

Nekukwira kwenyu kudenga

Nemifaro yenyu

Nembiri yenyu

Hwayana yaMwari inobvisa matadzo apasi, tiregerereiwo Yesu

Hwayana yaMwari, munobvisa matadzo apasi, tiregerereiwo matadzo Yesu

Hwayana yaMwari inobvisa matadzo apasi, tinzwireiw tsitsi Yesu

M: Yesu tinzweiwo

V: Yesu tidavireiwo

Ngatinamatei: Mambo Yesu Kristo: “Kumbirai munopiwa, tsvagai munowana, gogdzai

mozarurirwa. Tipeiwo isu tokumbira, rudo rwenyu rouMwari, tigokudai nemoyo wese,

nemiromowo nezviito, tigosarega kukurumbidzai. Itai mambo kuti tigare tichibvunda pamwe

14

nekuda zita renyu sande, nekuti munoramba muchiraira vamunodzikisa muchipo chenyu. Imi

munogara neumambo misi isingaperi. AMEN

3. RITANI KUROPA RAKAKOSHA RAYESU

Mambo tinzwireiwo tsitsi

Kristo tinzwireiwo tsitsi

Mambo tinzwieiwo tsitsi, Kristo tinzweiwo

Kristo tidavireiwo

Mwari baba, murikudenga, tinzwireiwo tsistsi *

Mwari mwanakomana mununuri wapasi *

Mwari mweya Musande

Utatu usande hwaMwari umwe chete

Ropa raKristo, wakava munhu, musuke matadzo edu*

Ropa raKristo, rechitenderano chitsva chisingaperi*

Ropa raKristo, radonhera pasi pakutandadza

Ropa raKristo, rakaduruka pasi pakutandadza

Ropa raKristo, rakaduruka kwazvo pakurohwa

Ropa raKristo, rakachururuka pakugadzwa neminzwa

Ropa raKristo, rakayerera pachipiyaniso

Ropa raKristo, mutengo weruponeso rwedu

Ropa raKristo, kunze kwaro hakuno ruregerero

Ropa raKristo, chokunwa chiri muKominiyone sande chinotonhodzera mweya

Ropa raKristo, rwizi rwetsitsi

Ropa raKristo, nyakukunda madhiyabhore

Ropa raKristo, rutsungo rwanyakufira Mwari

Ropa raKristo, simba ravapupuri vaMwari

Ropa raKristo, rinobereka vatsvene

Ropa raKristo, rubatsiro rwavari munjodzi

15

Ropa raKristo, zorodzo yavakaremerwa

Ropa raKristo, nyaradzo yavatamburi

Ropa raKristo, chitarisiro chavapfidzi

Ropa raKristo, varaidzo yavanokarofa

Ropa raKristo, rugare norupfave rwomwoyo

Ropa raKristo, rubato rwoupenyu husingaperi

Ropa raKristo, rudzikinuro rwemweya yomupurigatoriyo

Ropa raKristo, rinokodzera kuva nembiri norukudzo

Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi, tiregerereiwo Mambo

Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi, tiregerereiwo Mambo

Hwayana yaMwari munobvisa matadzo apasi, tinzwireiwo tsitsi Mambo

M. Mambo, makatinunura neropa renyu.

V. Nokutiitira rudzi rwenyu rukuru.

Ngatinamatei: Mwari munamasimba ose newemisi isingaperi, imi makagadza Mwanakomana

wenyu mumwechete kuti ave mununuri wapasi pose nokuda kunyaradzwa neropa rake rakakosha

kwazvo. Tinokutetererai kuti igopfugamira zvakakodzera mutngo woruponeso rwedu, uye kuti

nesimba raro tidzivirirwe kuuipi hwerupenyu rwuno, tigozofarira zvibereko zveropa rake misi

isina mugumo kudenga. Kristo Mambo wedu, tisvitsireiwo chichemo chedu kuna baba. AMEN.

2.5.1 MUNAMATO WAMANGWANANI.

Yesu nekune Mwoyo usina mhaka waMaria ndinokuteurirai zvinamato mabasa kurwadziwa

nekufara kwangu kwanhasi kuti kuda kwaMwoyo wenyu Musande kuitwe muMisa Sande pasi

pose. Tinonamatirawo nezvinangwa zvaPapa zvemwedzi uno. AMEN

2.5.2 KOMINIONI YECHIPOSHI CHOMWEDZI.

Yesu wangu, ndichigamuchira Kominione Sande nhasi, Ndinoitira Mwoyo wenyu Musande

kwazvo, ndipeiwo girasiya rokufarisa Mwoyo wenyu Musande misi yose, ndinosuwira kwazvo

Sakaramende iro Sande, nokuvimba munaro, ndichitendera nomwoyo wangu wose kuti murimo

zvechokwadi. AMEN

2.5.3 DE PROFUNDIS

Ndapinda muhwenje hwedambudziko ndoiteiko nhayi Mambo? Hamungandinzwewo here nhayi

Mambo? Mambo mukati mutirasire zvitema zvedundiyani angasare nhayi Mambo? Imi zvamuri

imi mune tsitsi ndinotarisira ruponeso rwamakatitsidzira. Mashoko enyu Mambo anondishingisa

16

anondigadzikisa mwoyo. Ndinokusuwai parinobuda zuva kusvika parinodoka Mambo muri

vetsitsi munogara muchinunura ndimi munotinunura kuzvivi zvedu zvose. AMEN

2.6 MUNAMATO KUMARONDA MASHANU

MUNAMATO WOKUTANGA

Yesu wangu, makasimudzwa pachipiyaniso, makagadzwa minzwa mumusoro,

makatsvukiswa neropa renyu. Onai ndinowira pasi pamberi penyu ndichizviita mudiki

saMaria Magadalena. Ndinogumbatira muti worufu unova zvino muti woupenyu.

Ndinosanganisa misodzi yokurwarira kwangu pamadonhwe eropa pasi peAtari

yechipiyaniso, ndinokwazisa nemuromo, ndichifunga maronda masande

amakandirovererwa nawo.

Ndinofanira kukudai, imi munonyanya kundida. Hamuna kundinyora zita rangu paruoko

nepatsoka chete, asi makandinyorawo paMoyo wenyu. Ndinochemera kuti maronda enyu

mashanu anyorwewo mumwoyo mangu kuti ndirege kukanganwa ini semi munorega

kundikanganwa.

Makandizarurira maoko netsoka, nepakare Mwoyo wenyu Musande, kuzotigutisa kusuwa

kwangu nepfuma dzedenga. Ndichakudzorerai neiko? Ndinokudai nomweya wangu wose

nesimba rangu rose. Yesu makanaka maronda enyu Masande ngaave tsime risingapwi

rorupenyu nechido.

1. RONDA SANDE RETSOKA YEKURUDYI.

Riimbirwe Ronda sande retsoka yerudyi yaMambo wangu Yesu Kristo.

Yesu Kristo, nekurwadziwa kweronda Sande, dzidzisai tsoka dzangu kufamba munzira

yezvirayiro zvenyu, ndigoramba ndichiita zvakanaka kuti ndikuonei kudenga, Mwari naMambo

wangu.

Paronda iro Sande ndinoisa zvakanaka zvose zvandakapiwa nemi, ndinozviteurira kunemi kuti

ndirege kuzvikudza nazvo nekumutsa hasha dzenyu. (Baba vedu kashanu)

2. RONDA SANDE RETSOKA YERUBOSHWE

Riimbirwe Ronda sande retsoka yoruboshwe rwaMambo wangu Yesu Kritsu.

Mununuri wakanakisa; neronda iro Sande ndinokukumbirai kuti musunungure tsoka dzangu

kuzviteyo zvandakateiwa nazvo nevasemi vangu, kuti mudzivirire mweya wangu kuti urege

kuwira kurutadzo nokufa. Mundichengete ndirege kurasika ndirege kufamba munzira

yokuzvikudza, ndigouya kwamuri nemoyo unopfidza, unozvininipisa

Paronda iro Sande, Yesu wangu ndinoisa semuteuro chipiyaniso changu chose, nekurwadziwa

kwangu muzvisanganise nechipiyaniso nekurwadziwa kwenyu, ndipeiwo girasiya rokukunda

rushambwa nenhamo nokuita zvamunoda misi yose. (Baba vedu kashanu)

3. RONDA SANDE RERUOKO RWERUDYI

Riimbirwe Ronda Sande reruoko rwerudyi rwaMambo wangu Yesu Kristo.

17

Paronda iri Sande renyu ndinokumbira kunemi Mununuri wangu wadiwa, ndipeiwo girasiya

zhinji ndigorwisa naro vasemi vangu vanoonekwa nevasingaonekwi, mundiisewo kurudyi

rwenyu musi wemhedziso kuti ndogonzwa pamwe navasarudzwi venyu mazwi omufaro “Uyai

imi vadiwa Baba vangu, pindai nyika yamakarongedzerwa imi kubvira pakutanga kwapasi”.

Paronda iro sande, ndinokuteurirai, Yesu mabasa ose akanaka andakaita negirasiya renyu

ndichikumbira kuti muasanganise nemabasa enyu akanaka, muateurire kuna Baba venyu vari

kudenga. (Baba vedu kashanu)

4. RONDA SANDE RERUOKO RWERUBOSHWE

Riimbirwe Ronda Sande reruoko rweruboshwe rwaMambo Yesu Kristo.

Ndinokumbira nemwoyo unokotama, mundiitirewo tsitsi pakutadza nepakukonona. Simbisai

mwoyo wangu ndigoita zvose zvandakapikira. Ndibatsirei nekuda nechido chenyu kuti ndigone

kureva chokwadi; ruboshwe rwenyu rwakabata musoro wangu rudyi rwenyu rwakandigumbatira.

Paronda iro Sande, ndinoisa matadzo angu ose, andakapara ndichiziva kana ndisingazive, Yesu

wangu muadzime neropa renyu Sande kuti arege kundichera, kana monditonga ndirege kuraswa

misi isingaperi. (Baba vedu kashanu)

5. RONDA SANDE REPARUTIVI

Riimbirwe nomwoyo wose Ronda raparutivi rwaMambo Yesu Kristo.

Kwaziwai tsime rechido, chitura chamagirasiya ose, painozorora mweya yedu. Ndinogona here

Yesu kuswedera nechido chakanyanya, kukwazisa Mwoyo wenyu uno rupfave nengoni dzose

Parupfave rwenyu rwakanyanya, ndinokumbira kwamuri, Yesu wangu, regai kundirambidza

kupinda mumba umu, mandinochemera kuchengetwa.

Yesu makanakisa, makandirongedzera Mwoyo wenyu senzvimbo yandinochengetwa.

Ndinokumbira ndichikotama kwazvo, mudziise mwoyo wangu wakatonhora wakakusiyai

muuchenese neropa renyu Sande, mukuhwidze moto wechido chenyu munawo, kuti mumwe

musi urege kusuwira nekuchemera zvisati zviri zvenyu.

Paronda raparutivi penyu, Yesu wangu ndinoisa zvose zvaunochemera, zvose zvaunoda mwoyo

wangu. Mwoyo wenyu urege kuparadzaniswa nawo. Ndingareva saApostori Pauro vakati,

’’Ndiani angandiparadzanisa nechido chaMambo Yesu Kristo? Rushambwa kana kuvhunduka,

nzara kana kushaya chokupfeka, kuoneswa nhamo, kana kutandwa, kana kufa here?” (Baba vedu

kashanu)

VOSE; Ticheneseyi, tidzivirireyi, tisimbiseyi, tiperekedzeyi kuti tinakirwe umwe musi kuona

maronda enyu anopenya, tichifara nawo nariini wose.

VOSE; AMEN

18

2.7 RUSARIRO RWAMARWADZO AMAI MARIA

Mwari wangu ndinokupai zvuma izvi zvidiki zvamatambudziko kuitira mbiri yenyu uye

kukudzwa kwezita raMai venyu vasande. Ndinokukumbirisai nekune misodzi yavakadonhedza

panguva ino kuti mupewo ini navatadzi vose kugona kurwarira matadzo edu nekuapfidza

nemwoyo yedu yose.

Kuneni mutadzi navatadzi vose pasi pano tigoneseiwo kupfidza matadzo edu ose neMwoyo yedu

yose, amai vazere netsitsi nerudo tiyeuchidzeiwo marwadzo aMambo wedu Yesu Kristo panguva

yedambudziko ravo sande. (Rutatu)

(a) 1. MATAMBUDZIKO AMAI MARIA.

(i) Kufembera kwaSimion.

(ii) Kutizira Egypt kwemhuri sande

(iii) Kushaikwa kwemwana Yesu

(iv) Mai Maria vanosangana nemwana wavo munzira yechipiyaniso

(v) Kurovererwa kwaYesu pachipiyaniso

(vi) Yesu anoturunurwa pachipiyaniso achigadzikwa pamakumbo amai vake.

(vii) Yesu anovigwa muguva risiri rake.

MUSHURE MEDAMBUDZIKO ITA

(i) Baba vedu vari kudenga…….

(ii) Kwaziwai Maria ….. X 7

(iii) Kuneni mutadzi nevatadzi vose………..

KWEKUPEZISIRA KWERUSARIRO URWU ITA

(i) Baba vedu vari kudenga…… X 3

(ii) Kwaziwai Maria ….X 3

2.8 CHAPLET OF THE SACRED HEART

ON THE CROSS:

O Jesus give us Thy Heart as a pledge of Thy Love and as a place of refuge that we may find

there a secure response during our life and sweet comfort at the our of our death .

ON SMALL BEADS:

Oh Sacred Heart of Jesus burning with love for us in flame our hearts in love of thee.

On the Large Beads:

The I adore praise and love oh Sacred Heart of my Dear Jesus penetrated with grif at the thout of

so many offences which have been hihherto committed against theee in the Most Holy

Sacrament of the altar . I offer up to Thee in satisfaction there of the amiable heart of thy most

beloved Mother with the merit s of the saints.

AMEN

19

CHITSAUKO 3

3 UTUNGAMIRIRI (LEADER STRUCTURE)

3.1 Kristo muridzi weChita

Papa mutungamiriri weChita pasi rose

Sekuru muBishop mutungamiriri weChita muDiocese

Baba vezvemweya mutungamiriri weChita paParish/Mission

Vana chipangamazano (Brothers or Sisters)

Mukurudziri weChita (Promoter)

Sachigaro neCommittee yake

Nhengo dzose dzeChita

3.1(a) i. HUTUNGAMIRIRI HWECHITA PAPARISH\ MISSION.

i) Baba vezvemweya ndivo mutariri mukuru weChita. Basa ravo guru ndere kukurudzira kuti

Chita chizadzikise zvinangwa zvacho. Naizvozvo vanopa rubatsiro rwose rwomweya kuti

nhengo dze Chita dzikure nekuyaruka mumweya vachizogonawo kuparidza chitendero.

ii) Ndivo vanoongorora nokupenengura nhengo inoda kupinda munhano ipi zvayo muChita.

Ndivozve vanesimba vachibatsirwa nedare reChita rokubudisa nhengo muChita vachitora

zvipfeko zvake pasina mubhadharo, kana nhengo yarasa gwara.

iii) Ndivo vanobvuma kuti dare rinenge rasarudzwa richiita basa sedare reChita paParish/Mission

vane mvumo yokuramba nhengo yasarudzwa kupinda mudare reChita kana vane chikonzero.

3.2 (b) ii. ZVIGARO ZVICHAATORWA

i. Mukurudziri weChita (Promoter)

ii. Sachigaro nemutevedzeri wake.

iii. Samunyori nemutevedzeri vake.

iv. Sahomwe.

v. Macomittee member vaviri

vi. Vadzidzisi vaviri

vii. Muimbisi

3.3 HUTUNGAMIRIRI HWECHITA MUDHINARI

Vana Baba vezvemweya nanaChipangamazano ndivo vane basa rekuona kuti Chita chiri muDhinari

chinofambisa mabasa acho nemazvo here. Ndivozve vanoyambira nekudzorera mugwara kana mweya

yokudyidzana pamwe nevamwe vatenderi wobvongodzwa zvichiita kuti basa neupenyu hwechitendero

zvifambiswe namazvo muDhinari.

3.3.1 MAUMBIRWO EDARE IRI

Dare rega rega reChita Parish/Mission, imwe neimwe muDhinari richatumira vatungamiriri ava kuti

vaumbe dare reDhinari.

i) Mukurudziri weChita (promoter)

ii) Sachigaro

iii) Samunyori

iv) Sahomwe

20

Nhengo idzi ndidzo dzinosarudza pakati padzo vabati vezvigaro (Executive Committee)

yeDhinari vanozoona mafambisirwo eChita mudhinari vachibatsirwa naBaba vezvemweya

nanachipangamazano veChita paDhinari.

3.4 HUTUNGAMIRI HWECHITA MUDIOCESE

Baba vezvemweya (Diocese Pastoral Director) ndivo mutariri mukuru anobatanidza Chita ne Hofisi huru

muDiocese. Naizvozvo Chita chinofanira kuratidza gwara richashandiswa kuti nyaya dzeChita dzigone

kusvika munzeve dzasekuru muBishop. Nemhindurowo, kana dzimwewo hurudziro dzingashuvirwa

nasekuru kuti Chita chizivikanwe.

Baba vozvemweya [Diocese Pastoral Director] vanotarisirwa kuziva mutemo neChita kuti

vagogonavo kukurudzira nhengo kuzadzisa zvinangwa zvavo musangano.

3.4.1 MAUMBIRWO EDARE IRI (Pomoters council)

Parish/Mission inofanira kutumira mukurudziri weChita [Promoter) umwe wepaParish kuti aende

kunoumba dare guru rePromoters Council. Panotanga nekupera gore rechikatorike pazuva raKristo ari

mambo ndipo panosarudzwa vatungamiri ava vanozoita basa iri kwamakore maviri.

3.4.2 DARE IRI RICHAVA NEZVIGARO IZVI

i) Chief Promoter nemutevedzeri wake.

ii) Sachigaro nemutevedzeri

iii) Samunyori nemutevedzeri

iv) Mushandiri weChita [organasing secretary]

v) Macommittee members’ kubva ku Parish/Mission isinwa kusarudzwa.

Vi) Vaimbisi vaviri.

3.4.3 KUTSIVA MUNHU AREGA CHIGARO

I) Kana munhu asiya chigaro committee member inokumbirwa kutora chigaro chasiyiwa

ii) Nhengo dzinogona kusarudza umwe angatora chigaro

iii) Dare reChita rinogona kusarudza warinoda [co-option] vozoudza nhengo dzose

vi) Nhengo iyi inofanira kubvumwa nekuzikanwa nababa vezvemweya vanoshanda neChita

v) Munhu anotsiviwa kana atadza kuuya kumisangano katatu kanoteverana pasina Chikonzero,

afa, asiya chigaro nokuda kwake kana kuti asingachakwanisi nezvikonzero zvakasiyiyana siyana.

3.4.4 MAKORE EKUBATA CHIGARO

i) Munhu anobata chigaro kwemakore maviri

ii) Munhu anogona kusarudzwa mamwe makore maviri pachigaro chimwecho kwemakore mana [4yrs]

iii) Mushure memakore mana munhu haagoni kudzokera muhutungamiri kusvika makore maviri apfuura

kunze kwekuti pashaisisa anotora kana kukodzera chigaro ichocho.

3.5 MABASA EVATUNGAMIRIRI

i. Mukurudziri weChita [Promoter]

Mukurudziri anofanira kuziva zvinangwa mabasa nemitemo yeChita uyezve ari nhengo izere yeChita

yave nemakore anodarika matatu. Anofanira kunge aine ruzivo rwakadzama nezveChita. Ndiye

mudzidzisi wevayedzwa anoparidzira Chita kwachisiri achibatsirana nevamwe vakurudziri

anopenengurawo vaenzwa aachiona kuti vava neruzivo rwakadini nezve Chita. Kana avapenengura

anopazve vaenzwa ava kuvatungamiri kuti vachinopenengurwa na Baba vezvemweya kekupedzisira.

21

Anopupurira vaenzwa vanoda kupfeka munhano dzakasiyana. Baba vezvemweya vane simba

rokurambidza kana kupfekedza nhengo musure meongororo yavo.

II SACHIGARO [CHAIRPERSON]

Ndiye ruoko neziso raBaba vezvemweya maererano nemagariro nemabasa enhengo DzeChita. Ndiye

anoronga nekutungamirira misangano yose yeChita achibatsirwa nemutevedzeri wake. Ndiye anoona kuti

hurongwa hwemusangano huri kuteverwa, uye kuti hurukuro dzomusangano dzinokoshesa zvinovaka

nhengo kuti dzigone kuita mabasa anosimudza upenyu hwechitendero muParish/Mission. Ndiye

anomirira Chita pamusangano yose yeParish council nekupa nhoroondo yemabasa anoitwa nguva

nenguva. Achibatsirana na Promoter ndiye anopa kuna Baba mazita avanoda kupinda muChita munhanho

dzakasiyana paParish. Ndiyezve anopa nhoroondo yemabasa eChita akaitwa pagore pamisangano.

III SAMUNYORI [SECRETARY]

Munhu anokosha kwazvo nokuti ndiye anobatsirana nasachigaro kuronga zvichaitwa

pamisangano yose yeChita. Anofanira kuva nyanzvi mukunyora uye anoziva zvirikuitika

muchita. Anofanira kunge aine ruzivo nezvechizvinozvino (technology). Ndiye anonyora

nhoroondo [minutes] dzemisangano nekudziverenga nekuzozvisumawo kuna Baba vezvemweya

kana kuna chipanga mazano. Anozobatsirana nasachigaro kuronga nekunyora mabasa

enhoroondo yegore, (annual report) izvo zvinozosumwa kudare guru repromoter’s council.

(IV) MUSHANDIRI WEBOKA [ORGANIZING SECRETARY]

Anofanira kunge achiziva nezveChita. Basa rake ndere kumhanyamhanya kuti zvinhu zvifambe

Anoshanda nanaBaba vezvemweya kuti paParish yavo pashanyirwe nekuparidzirwa Chita

vachibetserana nasecretary anofanira kunge ari nyanzvi mukunyora nokutaura. Anobatsirana

nePromoters council kufamba pose pose panoda kuparidzirwa Chita. Anobetserawo pakuronga

pokuiitira mhemberero dzemazuva makuru nemisangano nevanopa zvidzidzo pamisangano.

(V) SAHOMWE (TREASURER)

Anofanira kuva munhu anoruzivo maererano nokunyorwa nekuchengetwa kwemabhuku

ezvemari. Ndiye anogamuchira nokuchengetedza mari dzose dzeChita anonyora nokuverenga

nhoroondo yokupinda nokubuda kwemari (financial Report) osumawo kudare reChita

pamisangano. Mabhuku emari anofanirwa kunyorwa nokuchengetedzwa zvakanaka kuti chero

nhengo inoda kunyatsoona nokugutsikana kuti mari dzeChita dziri kufambiswa sei ione.

(VI) MAKOMITI MEMBERS

Ava ndivo vanogona kutora chero chigaro chipi zvacho chenhengo inenge isipo pamisangano.

(VII) MUDZIDZISI WECHITA

Mudzidzisi munhu anemakore matatu zvichipfuura uye aneruzivo rwakadzama nezvichita.

Anofanira kudzidzisa nemuyenzaniso wemamiriro ake. Kana mudzidzisi agutsikana navadzidzi

vake. Uye nguva yakwana anopa vanhu ava kumukudziri (promoter) we Chita kuti aongorore

ruzivo rwavo .Sachigaro nedare rake anozoturirawo vayedzwa kumuPriest kuti avapenengure

22

vazokwanisakupinda munhano dzakasiana muChita kana agutsikana navo .MuPriest anogona kuregesa

kana kupfekedza vayedzwa kana aona zvichikodzera mushure meongororo yake.

(VIII) MUIMBISI

Munhu anogona zvekuimba, anodzidzisa nokutungamira pamiteuro yeMisa uye pamagungano

akasiyana siyana eChita

23

CHITSAUKO 4

4 ZVIPFEKO ZVECHITA

4.1 Zvipfeo zveChita cheMwoyo Musande Kwazvo waYesu zvinotevedzera mavara eliturgy

anoti:

a) White: inomirira hutsvene.

b) Red: inomirira ropa raMambo Yesu Kristo rakayerera pachipiyaniso

c) Purple: inomirira kutambudzika kwakaita Mambo Yesu Kristo zvaakatifira pachipiyaniso.

Ruvara urwu nderwe madzimambo

4.2 Anoda kupinda muChita anouya iye pachake ozvitaurira kuti anoda kupinda muChita.

Anogamuchirwa opedza masvondo mana asati anyorwa mubhuku rechita.Apedza masvondo

iwayo mana anozotanga kuenda kuzvidzo zveChita somuyedzwa.

4.2.1. NHANO YEKUTANGA

Vayedzwa vanopfeka zvipfeko zvinoti

1) Varume vanopfeka mudhebhe mutema, hembe chena nebhanhire rineruvara rwepurple mativi

ose.

ii) Vanhukadzi vanopfeka rokwe Jena, dhuku chena nescapular ine ruvara rwepurple mativi ose.

4.2.2 NHANO YECHIPIRI

i) Vanhurume vanopfeka mudhebe mutema, hembe chena nebhande dzvuku rineruvara

rupfumbu (purple) mukati nesvutu tema kana Navy Blue inokurudzirwa.

ii) Vanhukadzi vanopfeka rokwe Jena, dhuku chena uye bhachi nescapular zvitsvuku

zvineruvara rwepurple mukati neshangu tema.

iii) Mabhande evanhurume, gown nescapular zvevanhukadzi zvinopota zvichisandurwa

zvichienderana nemwaka wekirike kana kana nezviitiko musangano nemukurarama.

iv) Rokwe iri irokwe rinobva kumusoro rinemabatani matatu riine bhande rine mabhatani maviri

anomirira maronda mashanu. Bhachi haripfekwi pamusoro perokwe risiri Jena uye bhachi

haripfekwi risina scarpular.

v) Zvipfeko izvi zvinopfekwa paminamato yoga yoga inoitwa zvikuru pamiteuro

Yemisa.

vi) Kune avo vasati varoora kana kuroorwa maYouth

- Vakomana vanopfeka zvakafanana nevarume vakuru.

- Vasikana vanopfeka masiketi matsvuku uye mablouse machena vanopfeka scapular

chete. Scapular iyi ari munhano yekutanga anenge akapfeka scapular ine ruvara

rwepurple chete. Uyo ava munhano yechipiri anopfeka ineruvara rwepurple mukati

rutsvuku kunze, vose vanosunga madhuku machena mumusoro.

(Baba vezvomweya vane mvumo yekutorera nhengo zvipfeko pasina mibhadharo kana nhengo

yarasa gwara reChita)

24

NB) Mumwaka weAdvent neweLent tinopfeka ruvara rwepurple kunze kokuti ari mazuva

anoremekedzwa (feast days).

- Svondo yemirara ruvara rutsvuku.

- Misa yemafuta ruvara rutsvuku.

- China chisande ruvara rutsvuku.

- Good Friday ruvara rutsvuku.

- Easter Sartuday ruvara rutsvuku.

- Parufu rwega rwega purple

- Pamanyaradzo purple

- Patinoshanyira nokunamatira varwere tinopfeka purple

- Kana nhengo yeChita yafa inovigwa yakapfeka red kunyange tiri mumwaka upi zvawo.

4.2.3 Zvinotora mwedzi mipfumbamwe kana kudarika kuti nhengo ipinde munhano yokutanga.

Vayedzwa vanokurudzirwa kuinda kuzvidzidzo sokurongwa kwazvakaitwa nevatungamiri vavo.

Vanokurudzirwa kusarovhva misa yechiposhi chemwedzi (1 st Fridays) mipfumbamwe

inoteverana kuti vagokodzera kupinda munhano yokutanga.

4.2.4 Zvinotorawo mwedzi inoita mitanhaatu kana kudarika kuti vayedzwa vapinde munhano

yekupedzisira. Nguva yekudzidzisa ichava gore nemwedzi mitatu (15 months)

4.2.5 Kune nhengo dzinobva kunemamwe maDiocese maDhinari kana parish vanenge vatama

ngavafambe netsamba dzinoratidza kuti ivo inhengo yeChita

4.3 MAITIRO EKUGAMUCHIRA NHENGO DZENHANO YOKUTANGA

NHANO YEKUTANGA (1 ST STAGE)

Achagamuchirwa muChita CheMwoyo Musande kwazvo waYesu mutenderi muKatorike

anogamuchira masakaramende, anotsigira sangano rake neChita chake nezvinodiwa

muKirike Katorike. Anoendawo kumisangano, kuminamato, anopinda nokukoshesa

Chishanu chechiposhi chemwedzi, anopinda muteuro weMisa zuva nezuva kana

zvichibvira. Anoteerera vakuru vake veChita cheMwoyo Musande Kwazvo waYesu, Baba

vezvomweya, nokuva nomugariro unofadza Mwari neKirike. Anoita minamato yake

yezuva nezuva zvikuru semhuri nekuita minamato yekuzvipira kuMwoyo Musande

Kwazvo waYesu.

NHANO YEKUTANGA (1 st STAGE)

Vanogamuchirwa munhano yokutanga vanosumwa kunababa vozvomweya mushure medama

rakanaka. Mharidzo nomunamato ndinotendera Mwari zvapera: Mutungamiri (promoter)

anosimuka oenda kuhatare oti.

M; Pamusoroi baba tirikukumbira kuti mugamuchirewo vaedzwa veChita CheMwoyo

Musande Kwazvo waYesu munhano Yekutanga muChita cheMwoyo musande kwazvo

waYesu vanoti ….

V. Ndiripano (Kudavira musure mekudaidzwa) Vadaidzwa vanoenda kuhatare vakabata

scapular, kanduru, menduru, bhaibheri mupiro neBhuku reChita cheMwoyo Musande

kwazvo waYesu.

25

P: Nhai mutungamiri vanhu ava vakanzwa here zviri kunangwa neChita cheMwoyo

musande kwazvo waYesu uye vanoda here kuchengeta mitemo yeChita?

M: Hongu baba sekuona kwangu ndinoona kuti vakazvinzwa kuti tirikunangepi neChita

chaYesu napakare vachachengeta mitemo yeChita: Ndinodaro pamusana pekuti ndakava

penengura mumwe nemumwe. Baba vezvomweya vanokomborera menduro nemascapular

evanhu ava anenge ari mumaoko evaedzwa. Vanopfekedzwa nevatungamiriri veChita. Baba

vanozopa chikomborero chekupedzisira.

NHANO YECHIPIRI (2 nd Stage)

Mazita enhengo idzi anodaidzwa, vayedzwa vanoenda kuhatare vakabata bhaibheri, hymn Book,

Candle, Uniform neBook reChita.

M: Baba ava ndivo vayedzwa vanoda kupinda muChita cheMwoyo Musande kwazvo

waYesu munhano yechipiri inova iyo nhano yokupedzisira.

P: Nhai mutungamiri vanhu ava vakanzwa here zviri kunangwa neChita CheMwoyo

Musande Kwazvo WaYesu uye kuti vanoda here kuchengeta mitemo yeChita.

M: Hongu baba sokuona kwangu ndinoona kuti vakanzwa kuti tiri kunangepi neChita

chaYesu napakare vachachengeta mitemo yeChita. Ndinodaro nokuti ndakavapenengura

mumwe nemumwe.

P: Munopika here kuchengeta mitemo yaMwari neyeKirike sande Katorike nokubatsira

vamwe kuichengetawo.

V: Hongu tinopika.

P: Munopika here kuti muchatevera zvemugariro wenyu weChita cheMwoyo Musande

kwazvo waYesu mune zvoMweya neZvemuviri.

V: Hongu tinopika

P: Munopika here kuti muchachengeta mitemo yeChita cheMwoyo musande kwazvo

waYesu nokuteerera vatungamiri venyu.

V: Hongu tinopika

P: Chiitai minamato yenyu yekuzvipira

- Yesu makanakisa

- Mwoyo waYesu waMwari …..

- Ritani kuMwoyo musande kwazvo waYesu.

P: Ndisati ndakomborera zvamunopfeka kana magamuchirwa muChita cheMwoyo

Musande Kwazvo waYesu ndinokubvunzai ndichiti, munobvumirana neni here kuti

zvamunopfeka izvi kunyange murimi makazvitenga Chita chenyu chinondipa simba

rekukutorerai zvipfeko izvi nokukurambidzai kuzvipfeka ndisingadzoreri mitengo yazvo.

26

V: Hongu tinobvuma

KUKOMBORERA MAUNIFORMS

P: Mwari munamasimba ose, tinokukumbirai kuti mukomborere hanzu dzevana venyu

ava dzavachapfeka kutivakudze nokurumbidza Mwoyo Musande kwazvo waYesu. Hanzu

idzi ngadzivadzivirire kunjodzi dzose dzomweya nedzomuviri kuti vanyanye kukuitirai

pasina zvipingaidzo. Tinokukumbirai kuti vose vachapfeka hanzu idzi vaitirwe tsitsi

neMwoyo Musande kwazvo waYesu, vavavarire kugara vachiita zvinokufadzai. Magariro

avo ngaarumbidze Mwoyo Musande kwazvo waYesu nokukweverawo vamwe pedyo nemi.

Mambo wedu Yesu Kristo tisvitsireiwo chichemo chedu ichi kunaMwari Baba vanogara

vachitonga nemi pamwe neMweya Musande kwemisi isingaperi- AMEN.

P: Ndinokugamuchirai muChita cheMwoyo Musande kwazvo waYesu chengetai mitemo

yaMwari neyekirike. Yedzai kubatsira vamwe kuponesa mweya yavo ipai muenzaniso

wakanaka kunevamwe vose- AMEN

Vakurudziri (promoters) veChita vopfekedza vogamuchirwa pachiimbwa nziyo dzeMoyo

Musande kwazvo waYesu. Musure maizvozvo muteuro wemisa unoenderera mberi.

4.4 MAZUVA MAKURU ECHITA CHEMWOYO MUSANDE KWAZVO WAYESU

1. ZUVA REMWOYO MUSANDE KWAZVO WAYESU (FEAST OF THE MOST SACRED

HEART OF JESUS.) Zuva iri rinopembererwa musi wechishanu mushure mekupemberera zuva

remuviri neropa raChristo (Corpus Christi)

2. ZUVA RAMAGARET MARY – Zuva iri rinopembererwa musi wa16 October.

Tinorangarira musande uyu nekuti ndiye akashandiswa naMambo Yesu kuti kuti kuzvipira uku

kuzivikamwe.

3. ZUVA RACHRISTO ARI MAMBO – zuva iri ndiro rinopeta mwaka wechiKatorike ratino

pemberera mumwedzi waMbudzi. Tinokudza Christo saMambo waMadzimambo.

27

Mazuva makuru aya anogadzirirwa nerunyararo vhiki imwe kana mbiri zuva racho risati rasvika.

Vaedzwa vose vanogamuchirwa muChita ichi vanokurudzirwa kuita runyararo mushure

mekugamuchirwa. Pamazuva makuru iwaya uye chishanu chechiposhi chomwedzi ndipo

patinokurudzirwa kuti tigamuchire vaedzwa muChita.

4.5 ZVIDZIDZO

Vaedzwa vanoita chikamu chekutanga cheRusariro vakabatana pamwe neboka rose. Chikamu

chokutanga chapera vanozoenda kuzvidzidzo zvavo nevadzidzisi vavo.

Pakudzidza muyedzwa anofanira kunge aine Bible, Rosary, Bhuku reChita, Chimupiro nebhuku

rekunyorera zviri kudzidziswa.

Mudzidzisi ngaabvunze muyedzwa mamiriro ake uye chakanyanyo mukwezvera kuuya kuboka

reChita cheMwoyo Musande Kwazvo waYesu.

4.5.1. ZVINOFANIRA KUZIKANWA

1. (a) NHANO YEKUTANGA

- Dzokororo yeKatikazi

- Minamato yeChita

- Zvinorehwa neChita

28

- Nhoroondo yeChita

- Zvinangwa nekuva nhengo yeChita

- Mitemo yeChita

- Mabasa

- Zvitsidzo

- Maitiro emusangano

- Mararamiro emunhu weChita nendima dzinotsigira kubva mubhaibheri

- Zvipfeko nemavara acho

- Maitiro ekugamuchira nhengo muchita nezvinoreva mhiko

- Rusariro nezviMisitoriya

2. (b) NHANO YECHIPIRI

- Hofisi yeMwoyo Musande Kwazvo waYesu (mupiro pg 321- 324)

- Muteuro weMisa

- Bhaibheri

- Upenyu hwavasande

- Nhoroondo yesangano redu reKatorike

- Mitemo yesangano zvakadzika

- Masakaramende nemaSakamendesiri zvakadzika

- Mwaka yeKirike zvakadzika

- Zvipfeko nemavara eLiturgy

- Hutungamiri hweChita nehwesangano

- Kugadzirira tafura yeMisa

- Zvinoreva mhiko dzatinotora

- Liturgy

- Pieta

- MaNovena neminamato yeChirungu

- Nhoroondo yeRusariro zvakadzama

- Scripture, Tradition neMagisterium

3. (c) NDIMA DZEMUBHAIBHERI

- Izaya 43:2,4,6-7

- Mt 5:3-10,14-16,21-30, 33-48

- Philipians 2:1-11

- Jeremiah 1:4-10

- Colosians 2:6-11. 3:1-6,12-17

- Thesalonians 3:23-25

- Mt 28: 18-20

- Galatians 3:28-29

- Galatians 5:5-7

- John 15:12-17

- Luke 6:27-32

29

Muyedzwa akadzidza nokuziva izvi inova nhengo yeMwoyo Musande Kwazvo waYesu isina

dambudziko mukuzvipira kuMwoyo Musande.

KUNAMATA KUZVIPIRA RUDO

30

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!