07.06.2013 Views

News Monitor - Shona 10.pdf - Media Monitoring Project of Zimbabwe

News Monitor - Shona 10.pdf - Media Monitoring Project of Zimbabwe

News Monitor - Shona 10.pdf - Media Monitoring Project of Zimbabwe

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Ongororo ye

Zviri Munhau

WikiLeaks yoisa vaMugabe

panguva yakaoma

Kubva apo Wikileaks yabuditsa

makuhwa akataurwa

nevakuru-vakuru vebato

reZANU PF vachifugura hapwa

kuvamiriri veAmerica pamusoro

pezvakavanzika zvehurumende

nebato ravo, vezvenhau vakazvimirira

voga vainyatso ongorora nekubuditsa

zvaitaurwa nevanhu vemubato iri

nevanoongorora nezvematongerwo

enyika, zvakabuda pachena kuti

vaMugabe havana zvikuru

zvavangakwanise kuita nezvenyaya

iyi zvisingavedzeri mazvake mazvake

mubato iri.

Vakuru mubato reZANU PF

vakabatwa nemujenya

vanosanganisira—vatevedzeri

vemutungamiri venyika amai Joice

Mujuru navaJohn

Nkomo,vaEmmerson Mnangagwa,

vaJonathan Moyo, vaSavior

Kasukuwere, vaWalter Mzembi,

vaSikhanyiso Ndlovu, vaDzikamai

Mavhaire—vose ava vanonzi

neWikiLeaks vakaita misangano

muchihwande nevamiriri veAmerica

muno vachibuditsa kushushikana

nekusafara kwavo nekurambira

pachigaro kwavaMugabe nezvimwe

zvakadaro.

Wikileaks yakabuditsa zvinyorwa

zvizhinji kwazvo zvakabva

kumuzinda weAmerica ichibuditsa

zvakataurwa nevakuru

muhurumende, vakuru mumauto,

vana muzvinabhizimusi, vatongi

vedzimhosva, vatungamiri

vedzisvondo nevamwe vachipa

pfungwa dzavo pamusoro “pezvido

zvenyika.”

Mushure mekunyuka kwenyaya

idzi kubva kuWikileaks, veruzhinji

vaka katyamadzwa kwazvo kuti kune

vakuru mubato reZANU PF

vanotosangana muchihwande

nevanhu vekuAmerica—avo vanonzi

navaMugabe nebato ravo vavengi

Vezvenhau vakabuditsa kuti

bato ravaMorgan

Tsvangirai reMovement for

Democratic (MDC) riri kupomera

vamwe vavo vebato reZANU PF

muhurumende yomubatanidzwa

nekunonotsa kwavari kuita

kutumirwa kwenhumwa dzeSADC

dziri kuda kuuya kunobatsira

sangano reJoint Monitoring and

Implementation Committee (JOMIC).

Mutevedzeri vemutauriri

vebato reMDC-T varizve nhengo

yeparamende yeBulawayo East,

muzvare Tabitha Khumalo, varizve

nhengo yeJOMIC vakaudza

vezvenhau kuti kunonotswa

kutumirwa kwenhengo dzeSADC

idzi kwava “kuvashungurudza

zvikuru.”

Muzvare Khumalo akati bato

reZANU PF ndiro riri kunonotsa

Chinyorwa chePublic Information Rights Forum

GWARO 10 Ongororo ye Zviri Munhau chinyorwa cheve Media Monitoring Project Zimbabwe mukubatsira nhengo dzechikamu chezvenhau Gumiguru 15, 2011

dzeveruzhinji chePublic Information Rights Forum (PIRF) munyika yose.

vakuru venyika ino—vazhinji

vaitarisira kuti vaMugabe vachatora

matanho akasimba kuranga

“vatengesi” ava. Parizvino kwapera

mavhiki ane chitsama vaMugabe

vasina rimwechete zvaro

ravambotaura nezvenyaya iyi, kana

kumisangano yebato ravo, izvi zvaita

kuti vano ongorora nezvematongerwo

enyika vati mutana uyu ari panguva

yakaoma kwazvo.

“Vaongorori vanoti vaMugabe

vakazvisikira moto muziso voga apo

vakabvumira kuti makurukota

ehurumende anobvumirwa kuita

misangano muchihwande nevamiriri

vedzimwe nyika muno (‘foreign policy

missions’), asi kurambira kwavo

pachigaro ndiko kwakonzera kuti

Nhengo Nhengo yeMDC yeMDC-T yeMDC T muJOMIC muJOMIC muzvare

muzvare

Tabitha abitha Khumalo

Khumalo

zvinhu kubudikidza nekuramba

kutevedzera zviri kudiwa nenhengo

idzi, asi hapana chakange charambwa

pakapasiswa nyaya iyi pamusangano

Mutevedzeri Mutevedzeri Mutevedzeri wemutungamiri wemutungamiri venyika

venyika

Amai Amai Joice Joice Mujuru Mujuru

Mujuru

vanhu vaite izvi,” rakadaro pepanhau

reDaily News.

Vamwe vakaoma misoro mubato

reZANU PF nemumauto nemapurisa

vanonzi vaikurudzira kurangwa

kwakaomarara “kwevatengesi” ava.

VaDydimus Mutasa havarevesi apo

vakati: “Handiziri ini ndakanyora

bumbiro remitemo rebato reZANU

PF. Kana munhu akatadza kuri

tevedzera anofanira kurangwa.

Ndiko kuenzanisa. Ini ndinotenda

mukuenzanisa saka nyaya iyi

ngaikurukurwe. Ndakambotaura

nezvenyaya iyi pamusangano webato

kwaMutare, vatsigiri vedu

vakavirirana neni. Vose vakaita izvi

vachaongororwa vakaonekwa vaine

mhosva vacharangwa zvakakodzera.

weextraordinary summit wakaiirwa

kuSouth Africa.

Khumalo akati sangano reJOMIC

isangano risina masimba

okugadzirisa zvinonetsa nokuti

Mutevedzeri Mutevedzeri wemutungamiri wemutungamiri venyika

venyika

vaJohn vaJohn Nkomo

Nkomo

VaJonathan aJonathan Moyo Moyo

VaEmmerson aEmmerson Mnangagwa

Mnangagwa

Muyananisi Muyananisi muGP muGP muGPA muGP A vari vari mutungamiri

mutungamiri

weSouth weSouth A AAfrica

A frica vaJacob vaJacob Zuma

Zuma

“Kana dzimwe nhengo dzebato

dzakamborangwa nekuita

“hutengesi,” zvinofanira kuitwawo

kune ava vemuWikileaks,” vakavedzera

vaMutasa.

VaMugabe vava nemakore

anosvika makumi mana

vachitungamira bato reZANU PF,

hapana mucherechedzo

vakatwasanuka vokuda kusiyira

mumwe chigaro zvinova zvakonzera

mazvake mazvake mubato iri, zvokuti

vakuru mubato vanepfungwa

dzokuzotora chigaro vava kuenda

nerweseri vachivanyeya. Vamwe

vaongorori vakati vaMugabe

havakwanise kunyatsotora matanho

ZANU PF YONONOTSA KUTUMIRWA KWENHUMWA DZESADC

rinongogamuchira zvichemo asi

pasina zvinooneka zvarinozoita.

Pamusangano veSADC wakaitwa

kuJohannesburg muna Chikumi

vatungamiri vakakurudzira kuti kuve

nenhume nhatu dzichatumirwa

muZimbabwe dzichabatsira sangano

reJOMIC kuzadzisa chibvumirano

cheGlobal Political Agreement (GPA).

Nhume idzi dzichabva kunyika

dzinoti Zambia, Mozambique

neSouth Africa.

Izvi zvakaitwa zvichitevera

kukoniwa basa kuri kuitwa neJOMIC

kumisa kutyorwa kuri kuitwa

chibvumirano cheGPA, kunyanya

nevatsigiri vebato reZANU PF vari

kuramba vachikonzera mhirizhonga

mumatongerwo enyika.

Mutungamiri weSouth African

vaJacob Zuma vakatura

zvichatevedzwa kuSADC

• Enda kupeji 2

MHOSVA

YEPAFACEBOOK

YAKATADZA

KUBUDIRIRA

Vezvenhau vakabuditsa kuti

nyaya yokuti pane mumwe

murume vemuguta

reBulawayo aipomerwa mhosva

yokuda kubvisa vaMugabe

pachigaro zvichitevera nyaya

yaainge atumira pafacebook asi

akazoonekwa asina mhosva.

VaVikas Mavhudzi (39)

vanogara kuMagwegwe muguta

reBulawayo vakapotsa jere

napaburi retsono mushure

mokuregedzwa nemutongi

vedzimhosva magistrate Rose Dube

nomusi wa20 Gunyana

zvichitevera kukundikana

kwakaita mapurisa kuvhura

tsamba mbozha yaive nemashoko

aipomerwa vaMavhudzi.

Gweta ravaMavhudzi Lizwe

Jamela rekambani yeZimbabwe

Lawyers for Human Rights (ZLHR),

vakanyora vachikumbira kuti

murungu vake abiswe muchitokisi.

Mapurisa akatsvakurudza

humboo hwemhosva iyi

vakakundikana kuwana mashoko

ainzi akanyorwa aya aisungirwa

murume uyu.

Mutsamba yakanyorwa

kugweta renyika vaJeremiah

Mutsindikwa, naDetective Inspector

B Samakande, avo vakambobata

chigaro chemutungamiri

pachiteshi chemapurisa

cheBulawayo Central Police Station

muchikamu cheCID Law and Order

Section, yaiti mapurisa akabvuma

kuti nyanzvi dzavo mune

zvemichina yemacomputer

dzakatadza kuvhura tsamba

mbozha yainzi yakatumirwa

pafacebook navaMavhudzi

vemuguta reBulawayo.

“Gwaro rino rinokuzivisai kuti

chiteshi chedu chakundikana

kuvhura tsamba mbozha

yepafacebook inova ndiyo ine

• Enda kupeji 2 • Enda kupeji 2

ZVIRI MUKATI

2 ZANU PF ndiyo

inofurira Malema kuoma

musoro: ANC

• Vechidiki veZANU PF

vorur a

3 Gwaro revavhoti

reBiometric ndiro

mupedza zvose: ERC

• Mutambo

weGukurahundi wava

kuratidzwa

• Nyika yeBambazonke

katuni

4 Tsamba

• Katuni reOngororo

yezviri munhau

Chinyorwa che Ongororo ye Zviri Munhau chinobuditswa nekugoverwa neve Media Monitoring Project Zimbabwe, 9 Knight Bruce

Road,Milton Park,Harare,

Makasununguka kupawo maonero enyu nenhau dziri muchinyorwa ichi. Vanoda kuziva zvizhinji nezve MMPZ,munokurudzirwa kuenda pawebsite

yedu: http://www.mmpz.org/

2 ONGORORO YEZVIRI MUNHAU Gumiguru 15, 2011

Kushungurudzwa kweANC naMalema kopomerwa ZANU PF

Bato riri kutonga kunyika yeSouth

Africa reAfrican National

Congress (ANC) rakabuditswa

nevezvenhau richipomera bato reZANU

PF kuti riri kupa manyavi mutungamiri

wevechidiki Julius Malema uyo ari

kukurudzira kupa masimba kuvatema

kubudikidza nekutora migodhi

nechirongwa chaanoda kuti

chikurumidze kuitwa chokugova minda

chapatsanura vanhu vemunyika yeSouth

Africa.

Malema ari kutongwa nemhosva

yokushaya hunhu nebato rake reANC

zvichitevera kukurudzira kwake kuti

mutungamiri veBotswana-muvengi

vavaMugabe vaIan Khama vabviswe

pachigaro.

Munyori mukuru mubato reANC

vaGwede Mantashe, avo vari kutarisirwa

kubviswa pachigaro naMalema

pamusangano vebato ravo vepagore

uchaitwa gore rinouya, vakabva

kushanyira Zimbabwe mwedzi yadarika

vakagunun’una kuvatungamiri vebato

reZANU PF.

VaMuntashe vakauya munguva iyo

vaMugabe vaive vari kumusangano

weUnited Nations kuNew York,

vakasangana munguva dzakasiyana

navaJohn Nkomo, sachigaro vebato

reZANU PF munyika vaSimon Khay a

WikiLeaks ikiLeaks y yyoisa

y oisa v vvaMug

v aMug aMugabe aMug be panguv panguva panguv a y yyakaoma

y akaoma

• Kubva kupeji 1

akakodzera “kuvatengesi” ava sezvo

zvinoparadza bato.

Munyori varizve mudzidzisi

pakorechi yeUniversity of Zimbabwe,

muzvinafundo Rudo Gaidzanwa,

vakati vaMugabe havagoni kunyatso

taura nezvenyaya iyi parizvino

kusvikira vaenda kumusangano

webato ravo wepagore nokuti

vakavana chavanotaura parizvino

zvinowedzera kuparara kwebato

risisina kubatana iri.

“VaMugabe vanogona kunyarara

nezvenyaya iyi kusvikira

pamusangano wekupera kwegore

muna Zvita,” akadaro muzvare

Gaidzanwa.

Pepanhau reZimbabwe Independent

rakabuditsa kuti pane mukuru

mubato reZANU PF akati vaMugabe

ZANU PF YONONOTSA

KUTUMIRWA KWENHUMWA

DZESADC

• Kubva kupeji 1

Mutungamiri Mutungamiri Mutungamiri wevechidiki wevechidiki wevechidiki mubato mubato reA reAfrican reA frican National National Congress Congress (ANC)

(ANC)

Julius Julius Malema

Malema

havangarangi vanhu vakatyora

bumbiro rebato reZANU PF ava

nokuti zvinogona kuvhiringidza bato

mukukwikwidza kwaro musarudzo

dzingangoitwa gore rinouya.

Zvinonzi vaMugabe vakaronga

kusatora matanho panyaya iyi

kusvikira vaenda kumusangano

weUnited Nations General Assembly uri

kuitirwa kuNew York .

“Mutungamiri venyika, vasati

vaenda kumusangano weUN General

Assembly, vakaronga kuti hapana

matanho anotorwa nehurumende

kana bato pamusoro pevanhu vakaita

misangano muchihwande nevamiriri

veAmerica vachikurukura

nezvemunyika muno kunyangwe

hazvo dzimwe nyaya dzacho

dzairwadza,” yakadaro imwe nhengo

nekumapato matatu ari muGPA, zvokuti paive netarisiro huru kwazvo kuti

nhumwa idzi dzaizotumirwa munguva pfupi tichingobva kumusangano.

Kunyange zvazvo bato reZANU PF rakadzoka roramba, uye parizvino rava

kuti harichabvumirani nemamwe mashoko ari muchitenderano ichi,

akadaro Khumalo.

‘Bato reZANU PF rakatiudza kuti riri kumbodzokorora gwaro iri

zvekare uye rinoda kutanga ratenderwa nePolitburo yavo kuti rigamuchire

nhumwa dzeSADC idzi. Saka takachangomirira,’ vakadaro MP.

Khumalo akasimbisa kuti kukurumidza kuuya kwenhengo idzi

kunobatsira JOMIC kunodiwa nokuti tashungurudza vanhu veZimbabwe

kubva kare.’

Zvinotarisirwa kuti kuuya kwenhengo idzi kuchaita kuti vaMugabe

vamanikidzwe kuzadzisa chibvumirano chehurumende yomubatanidzwa.

‘Isu veJOMIC tine mifungo mimwechete yatagara tingorinayo, nhengo

idzi hadzina divi radzakarerekera, uye hadzina chokuita neZimbabwe.

Naizvozvo vanogona kutipa pfungwa dzakataramuka dzinogona

kutibatsira kuona patiri kurasika, padzinozodzoka kuSADC dzinonotura

mashoko echokwadi ari kutadzisa zvinhu kufamba,’ akadaro Khumalo.

Mutungamiri veZANU PF vaMugabe vakaratidza kusagamuchira kwavo

nhumwa dzeSADC idzi vachiti zvinotyora mitemo yokuzvitonga kwedu.

Zvichakadaro bato reZANU-PF rakatsigira kuti nhengo yeparamende

yeTsholotsho varizve nhengo yePolitburo vaJonathan Moyo vapinde

muJOMIC.

Pepanhau reThe Financial Gazette rakabuditsa mutauriri vebato reZANU

PF va Rugare Gumbo vachibvumira budiriro iyi.

“Takatsigira kuti vaMoyo vapinde muJOMIC uye tsamba yakatonyorwa

kare kuJOMIC. Hakuna nhengo yeZANU PF iri kuzobviswa muJOMIC tiri

kupamhidzira chete,” vakadaro vaGumbo.

Mutauriri vebato reMDC-T vakati havana dambudziko nekuuya

kwavaMoyo muJOMIC chiri kunyanyodiva nebato ravo kutumirwa

kwenhumwa dzeSADC.

“Varikutipa mhosva vachiti ‘Malema

anotaura semi uye anofunga semi’…”

Moyo, amai Joice Mujuru navaDidymus

Mutasa.

VaMutasa vakataura kuti

vaMantashe vaigunun’una kuti bato

reZANU PF ndiro riri kukurudzira

Malema kuita hurongwa

hwehumbimbindoga hwaari kuita.

VaMutasa vanoti munyori mukuru

veANC akati vechidiki vebato reZANU

PF vakaungana pamuzinda veSouth

Africa muHarare vachiratidzira kuti

ANC irege kutonga ichiomesera Malema.

Bato reZANU PF, rava nenguva refu

kwazvo richifambidzana nereANC,

huru inoshandira pedyo nehofisi

yavaMugabe.

“Saka hapana matanho achatorwa

pamusoro paani zvake mubato.

VaMugabe vanogona kuzotora

matanho nehungwaru mukufamba

kwenguva.”

Vanoti vaMugabe havadi

kukonzera kusagadzikana mubato

ravo uye kuzvikanganisira ivo

vakatarisana nesarudzo kudai,

dzavanoshuvira kukwikwidza

zvakare zvisinei kuti vazhinji vave

kuda kuti vasiye chigaro.

Vakuru mubato reZANU PF

vakataura izvi vakavedzera vachiti

vaMugabe vakaronga kunyarara

nezve nyaya iyi vachitya kuti kutora

matanho pamusoro pevakuru

vemubato ravo vari kuvamukira ava

kunogona kukanganisa kurambira

kwavo pachigaro.

“Mushure mokuongorora

nezvenyaya iyi vakaona kuti zvine

hungwaru kusatora matanho, zvisinei

kuti vanhu vanozotaura zvizhinji,”

akadaro mumwe mukuru. “Kupedza

nyaya iyi nekunyarara ndizvo zviri

nani pane kupaparika.”

Zvichakadaro vamwe mubato

reZANU Pf vanofunga kuti vaMugabe

vachiri kuongorora zvakanakira

nezvakashatira kutora matanho

panyaya iyi.

“VaMugabe vari panguva

yakaoma chose. VaMugabe

vakatevedzera zveWikileaks vanogona

kuparadza bato ravo uye vakanyarara

vanogona kutorwa segwara. Pari

zvino vakatsamwa serwizi rwakazara

zvokuti vanhu vari kutya kutaura navo

nezvenyaya iyi,” rakadaro pepanhau

reDaily News richibuditsa

zvakataurwa neimwe nhengo huru

yeZANU PF politburo.

“Panguva imwecheteyo vatengesi

ava vatenderera musoro havachazivi

zvokuita zvaive nani dai nyaya iyi

yakurukurwa, vaikwanisa kutsvaga

nzira dzokuramba nadzo, asi

mamiriro azvakaita havasi kuziva kuti

vaMugabe vari kufungei. Vave

kufunga kuti vanogona kushandwa

mumwe mumwe. Vatengesi ava vave

kutya zvavasina kubvira vamboita.”

Umwe akaudza pepanhau reDaily

News akati: “Pamwe vaMugabe vari

kunyanya kurwadziwa nezvenyaya iyi

kana kuti vari kuronga kuita zvisina

kana mukare akamboona.

kunyangwe zvazvo rakaramba

zvaraipomerwa asi musi vaitongwa

Malema vezvenhau vari pasi

pehurumende vakabuditsa kuti ZANU

PF yairatidzira pamuzinda weSouth

Africa.

“Takataura nevechidiki ava,”

vaMutasa vakaudza pepanhau reThe

Herald. “Vakashora isu vachiti ’Malema

anotaura nekufunga sesu’.

“Isu hatisi kumukurudzira. Kana

achitaura seZANU PF, ndizvo zvaanoda

kutaura achiita, isu hatingamushanduri.

Kana aine pfungwa sedzedu ndozvaari

izvozvo.”

VaMantashe vakaudza vatapi venhau

kuti bato reANC richazoda kutora danho

guru kwazvo rokudzorera masimba

ohupfumi kuvatema asi richatanga

rambotumira nhumwa kunyika zhinji

uko nyika yakatenga zvikamu zvizhinji

mune zvemigodhi.

“Tinoda kutanga taona kuti

zvakanakira vana veSouth Africa

ndezvipi, kana vanhu voisa mutemo

tinoda mutemo usingakanganisi

hupfumi hwenyika,” vakadaro

vaMantashe.

“Mutemo wokupa masimba

kuvatema wakanaka kutaura nezvawo,

asi hatidi unodzinga vanhu vokunze

vanoda kuita zvemabhizimusi nesu.”

Rangarirai kuti mumakore

adarika munhu uyu ndiye

“akagadzirisa” vanhu vaironga

kumubvisa pachigaro.

“Zvichida parizvino havasi

kugutsikana kuti ichokwadi here kuti

vakuru mubato ravo ndivo vave

kushanda nevanhu vekuAmerica kuti

ivo vabviswe pachigaro. Pane

zvizhinji zviri kutambudza

mukweguru uyu asi vari kukuvarira

mukati,” akadaro ainyeura uyu.

MHOSVA YEPAFACEBOOK

YAKATADZA KUBUDIRIRA

• Kubva kupeji 1

umboo hwemhosva

yavaMavhudzi. Takatsvaga

rubatsiro kune nyanzvi

dzemapurisa dzinoziva michina

yemacomputer asi zvakaramba.

Zvinenge kuti tsamba mbozha iyi

yakadzimwa pamhepo uye haina

kuchengetwa munharembozha

macho,” chaidaro chimwe

chidimbu chetsamba iyi.

VaMavhudzi vaisungirwa

mhosva yokuti vashandisa facebook

kukurudzira kuti vanhu

vapandukire vaMugabe mushure

mokutumira tsamba mbozha kune

mukuru vemakurukota

ehurumende vaMorgan Tsvangirai

yaiti: “Ndiri kufara chaizvo;

handina mashoko okutaura Mr

PM. Zvakaitika kuEgypt zvaita

kuti vose vane hutongi

hweudzvanyiriri pasi rese vabatire

ura mumaoko. Hapana zvombo asi

kubatana chete. Izvi zvakanaka

kutevedzera, mhani.”

Pepanhau reThe Legal Monitor,

rinobuditswa nesangano

reZimbabwe Lawyers for

Human Rights (ZLHR), rakati

mashoko akatumirwa

navaMavhudzi vachishandisa

nharembozha yavo ndivo aive

mwongo venyaya iyi. VaMavhudzi

vaipomerwa mhosva yokumukira

mutungamiri venyika mushure

mokukurudzira vaTsvangirai kuti

vatevedzere zvakaitika kunyika

yeEgypt apo mutungamiri

VECHIDIKI

VEZANU PF

VORURA

Vezvenhau vakazvimirira voga

vakabuditsa nyaya

dzakawanda dzokutyorwa

kwemitemo sezvo vatsigiri vebato

reZANU PF vari kubvuta mapurazi

zviwakwa nemabhizimusi evachena

vachishandisa chirongwa

chehurumende chokukurudzira

makambani okunze kuti atevedzere

“mutemo” wekuwanisa masimba

kuvatema.

Pepanhau reDaily News

rakabuditsa kuti vechidiki vebato

reZANU PF vakatora nechisimba

zviwakwa zvitatu zvevanhu

vechichena mudhorobha reChiredzi

vachivapomera mhosva yokutadza

kutevedzera mutemo weIndigenisation

and Empowerment Act, zvichakadaro

kuMasvingo vatsigiri vebato iri

vanonzi vari kuronga kutora

mapurazi akasara aine vechichena,

parizvino vakatotora rimwe

rinochengetwa mhuka.

Izvi zvakaitika zvakare muguta

reHarare apo nhengo dzechikwata

cheChipangano dzakarwisa

nekudzinga vanhu vasingatsigiri bato

reZANU PF pamisika yavo muMbare

nekuHighfield.

KuChiredzi, zvinonzi vechidiki

ava vaiti vari kutora zviwakwa

zvevachena izvi vari mutsoka

dzegurukota resangano revechidiki

nekuvaniswa kwemasimba kuvatema

reYouth Indigenisation and

Empowerment vaSaviour Kasukuwere

sezvo mutemo vavo uri kukurudzira

kuti makambani okunze atengesere

vechitema vomuno zvikamu

zvekambani zvinosvika makumi

mashanu nechimwe kubva muzana.

Vechidiki vanosvika makumi

matanhatu vanozviti ndeve sangano

reMasvingo Youth Empowerment

Association vakamisa

zvekutengeserana mudhorobha

• Enda kupeji 4

vehudzvanyiriri vaHosni Mubarak

vakamukirwa nevanhu veko. Asi,

pakaendeswa nyaya iyi kudare

redzimhosva vaisava neruzivo

rwokuti mashoko aya vachaavana

sei.

Humboo hwakakwanisa

kubuditswa mudare redzimhosva

inhare mbozha yainzi ndiyo

yakashandiswa navaMavhudzi

kutumira mashoko.

Mutongi vemhosva akati sezvo

pasina humboo hunobatika

pamusoro penyaya iyi musungwa

uyu anofanira kubviswa zvake

muchitokisi osunungurwa.

VaMavhudzi vakasungwa

nomusi wa24 Kukadzi vakaita

mwedzi vari muchitokisi, mushure

mokunge mapurisa afonerwa

nemunhu vavasingazive

akavaudza kuti vaMavhudzi

vatumira mashoko anokonzera

kusagadzikana mune

zvekuchengetedzwa kwenyika

vachishandisa nhare mbozha yavo.

Pavakange vatosungwa ndipo

mapurisa akazotsvaga vakaona

tsamba mbozha iyi kune dzaive

dzatumirwa.

Gweta renyika

vaMutsindikwa vakapomera

vaMavhudzi mhosva

“yokukurudzira kubuditsa

hurumende pachigaro zvisiri

pamutemo.” Mutongi vaGideon

Ruvetsa vakamurambira kuti

abhadhare mari yechibatiso

“nokuti akatumira mashoko

okukanganisa runyararo

munyika.”

ONGORORO YEZVIRI MUNHAUGumiguru 15, 2011 3

Gwaro revavhoti reBiometric

ndiro mupedza zvose: ERC

Mumwedzi mizhinji yadarika

pane zvizhinji kwazvo

zvakataurwa pamusoro

pegwaro revavhoti remuZimbabwe,

rwendo rwuno nyaya iyi ndiyo iri

pamusoro mugwaro rakarongwa

kutevedzwa kusvika naro pasarudzo

uye mumutemo wakamisikidzwa

weElectoral Amendment Bill.

Gakava renyaya iyi rakaita kuti

mukuru mune zvekunyoreswa

kwevanhu vaRegistrar General (RG)

vati kana paine asingagutsikani

negwaro iri auye ariongorore sezvo

ivo vanogutsikana kuti ringangove

rimwe reakanakisa pasi rino. Zvisinei

kuti vari kuramba kuti gwaro iri

harina kumira zvakanaka, vanhu

vanovhota vacho vakaita sevemapato

ezvematongerwo enyika, masangano

anomirira voruzhinji nevanhuwo

zvavo havana chivimbo negwaro iri.

Sangano reZimbabwe Election

Commission (ZEC) rakadzokorora

kusimbisa kuti gwaro revavhoti ririko

iye zvino iri rigadziriswe.

Zvichakadaro sangano reElection

Resource Centre (ERC) rakasiyana

nezvaiturwa naRG pamusoro

pegwaro iri ndokubva ratsvaga nzira

dzingashandiswe kunyoresa vavhoti

tisati tasvika pasarudzo dziri

kutevera.

Zvinotevera zvinoedza

kutsanangura mafungiro akasiyana

pamusoro pegwaro iri uye kuti sezvo

ririro gwaro rokutanga kuvepo kuti

sarudzo dzizoitwa, kusagutsikana

kwevane chokuita nekuvhota

pamusoro pegwaro iri hakukonzeri

kurambwa kwezvinobuda

musarudzo chete asi zvinogona

kushaisa hanya nekudokwairira

kuvhota kwevavhoti.

Sangano reERC rakati kana

kunyoreswa kwevavhoti kuchida

kuitwa nemazvo vanhu

vachibatsirana, zvinobudirira chete

kana vanhu vanoda kunyoresa vacho

vachipihwa mikana yokuona uye kuti

vanechokuita nezvesarudzo

vavaniswe mikana yokunyatso

ongorora gwaro iri.

Zvichakadaro sangano reERC

rinogutsikana kuti nzira ipi zvayo

yokunyoresa vavhoti ingatorwe nebazi

rinotungamirira zvesarudzo yakanaka

chose chinozongodiwa chete

ndechokuti vavhoti vasununguke

kubatsira mukunyoresa umu uye

mapato ose anoda kupinda musarudzo

avaniswe mikana yakazara yokunyatso

ongorora nekupenengura gwaro iri

pachine nguva.

Zvakakosha zvikuru kuti

munguva inotevera kana gwaro

Nyika yeBambazonke Katuni

Ndabva kuhurumende

Ndirikuda kuti bhanga

rako ripe masimba

kuvatema…

Munguva apo nyika yakatarisira kuita sarudzo, sangano

reElection Resource Centre(ERC) rinotsanangura kuti

zvakakosherei kuti Zimbabwe ive negwaro revavhoti

rinogamuchirwa

revavhoti richinyorwa vanoita

nezvematongerwo enyika vanofanira

kukoshesa kuti munhu anofanira

kunge akasununguka kunyoresa,

kuvana mikana yokuvana mashoko

echokwadi uye nenguva.

Zvichakadaro pane zvizhinji

zvakaturwa senzira yokugadzirisa

gwaro revavhoti remuZimbabwe iro

riri kuramba kugamuchirwa.

Vanoongorora nezvesarudzo vakaita

seveZimbabwe Election Support Network

(ZESN) nemasangano akaita

sereSouth African Institute for Race

Relations vakati sarudzo

dzinogamuchirika muZimbabwe

dzinofanira kuitwa pachishandiswa

nzira inonzi biometric system. Nzira iyi

yakakurudzirwa nokuti inoisa

zvakawanzika pamunhu oga oga

zvinoita kuti matambudziko

matanhatu akaonekwa mugwaro

revavhoti agadzirisike, matambudziko

aya ndeaya;

1. Mazita akadzokororwa

2. Mazita arimo evanhu vakafa kare

3. Mazita evana vadiki vasati

vasvika pazera rokuvhota

4. Kero dzisina kupera

5. Mazita akakanganiswa

6. Kusajeka kwekuti munhu

murume kana mukadzi here

Nzira yekunyoresa vavhoti

yebiometric inoita kuti vekunyoresa

vasangotora chete zita romunhu,

nhamba dzechitupa, kero, murume

kana kuti mukadzi here nezvimwe

zvakadaro. Nzira iyi yakaratidza

kufarirwa kwazvo kunyika

dzichangopinda mukukoshesa

kusununguka kwakaenzana dzakaita

seNigeria, Tanzania, Zambia

neGambia, inoshandisa zvakare

humboo pasi pezita remunhu hwakaita

sezvidhindo zveminwe, mufananidzo

vomunhu nebarcode.

Nzira iyi inoshandisa michina

yecomputer uye zvinochengetwa

pamuzinda umwechete, zvokuti

munhu akada kunyoresa kanopfuura

kamwe zvinobva zvabatwa nekuti

zvinoiswa pazita rake hazvifanani

nezita romumwe, izvi zvinodzivirira

kuti vanhu vanyorese kakawanda.

Sezvo nzira iyi ichishandisa

michina yecomputer inoramba kuti

Asi unofanira

kutanga watipa

chikwereti…

munhu anyorese achisiirira zvimwe

zvinhu zvakaita sokuti mukadzi here

kana murume kana kunyora kero

isina kukwana.

Zvichitevera zvataurwa

zvakanakira nzira iyi zvanga zviine

hungwaru kuti vana veZimbabwe

vachemere kuti nzira yebiometric

ishandiswe kunyoresa vavhoti sezvo

inogadzirisa matambudziko mana

ari kushungurudza mugwaro

revavhoti ririko iye zvino. Mamwe

maviri asara anogona kugadziriswa

zvakare nzira iyi ikabatanidzwa

nevekumahofisi anopa matsamba

okuzvarwa neevafi uye vavhoti

vakadzidziswa zvakakoshera

kunyoresa zvitupa zvokuzvarwa

nezvevafi uye kuti munhu vose

akwanise kusvika zvisina

dambudziko achipinda

muhurongwa uhu.

Kunyangwe hazvo ERC inoziva

kuti zvinhu zvinoda mubatanidzwa

nerubatsiro rweveruzhinji zvagara

zviine matambudziko kunyanya

kana maitirwo acho asina

kusunungukira vanhu. Maitirwo ari

kurehwa neERC ndeye

mafambisirwo ezvematongerwo

enyika, mubvunzo ndevokuti vanhu

vakasununguka here kupinda

muhurongwa uhu.

Kubva kumakore adarika

zvinozivikanwa kuti muZimbabwe

kana tichiti kupinda muhurongwa

uhu nekusununguka kupinda

muhurongwa uhu zvinhu

zvakatosiyana. Hurongwa

hwokuumbwa kwebumbiro

remitemo huchangobva kuitwa

hunotipa humboo hwakakwana

hwezvatiri kutaura izvi. Mune

dzimwe nzvimbo kumaruva vanhu

vakauya neuwandu hwavo kuti

vapinde muchirogwa chokuumba

bumbiro kumisangano

yokumawadhi asi “vatauriri” vaive

vakasarudzwa ndivo vakapinda

muhurongwa uhu nokuti ndivo

chete vaitenderwa kutaura

muhurukuro dzaiitwa.

Chepiri ndechokuti vanhu

vasununguke kuwana mashoko

echokwadi kwete kuwaniswa

mashoko chete ndicho chimwe

chinhu chakakosha kana vanhu

vachipinzwavo muhurongwa. Kana

chinangwa chekunyoresa vavhoti chiri

chokuwana vanhu chaivo vanekodzero

yokuvhota nekuwanisa vanhu vave

nezera rokuvhota mikana yokuti

varatidze kodzero yavo

yokusununguka nekuvhoti vanofanira

kupihwa mashoko echokwadi

pakufambiswa kwezvokunyoresa uku.

Zvakaitika musarudzo

dzakapfuura mamwe mapato

ezvematongerwo enyika akaita mbiri

nokuda kwekushambadza mashoko

enhema nezvesarundzo. Vanhu

vazhinji vakanyeperwa kuti pepa

ravavhota hariitwe chihwande saka

munhu akabhedhenura pepa rake

akaratidza kuvavhotesi, “bato

reZANU PF” rinogona kuona kuti

munhu uyu avhotera ani.

Nzira yebiometric inoshandisa

ruzivo rwechizvino-zvino kuchengeta

mazita evanhu vanogona kuvhota, saka

vezvematongerwo enyika vanopona

nemanyepa ava havazogoni kuudza

vanhu vokumaruva nenzvimbo

dzakachasarira kuti muchina uyu

unov atendera kufembera.

Sezvo nyaya yegwaro revavhoti iri

kuramba ichitsviriridza sangano

reERC rakakurudzira vose vane

chokuita nezvesarudzo kuti vanyatso

ongorora matambudziko

anokonzerwa nenzira ichashandiswa

kunyoresa vanhu musarudzo dziri

kutevera. ERC inokurudzira nzira

yomubatanidzwa uye yakajeka

ichishandiswa pasina anotyisidzirwa

kana mhirizhonga.

Kunyoreswa kwevavhoti

muZimbabwe inenge sarudzo

pachayo, saka zviri kukurudzirwa

kuti zviitwe musarudzo dzichatevera

zvinofanira kuitika zvakare

mukugadzirira sarudzo dzacho.

Zvinhu zvakaita sekuwandudzwa:

kwemauto nemapurisa, kwezvenhau,

kweZEC nemapazi nevanechokuita

nezvesarudzo semukuru

vekunyoreswa kwevavhoti, kumiswa

kwemhirizhonga nekuparadza

kwezvimiso zvinokonzera

mhirizhonga zvakaita semabhesi

nekumiswa kwezvikwata

zvevechidiki zvemhirizhonga.

Chaticha shandisa

kubhadhara 51% yedu…

Mutambo

we

Gukurahundi

wava

kuratidzwa

Vezvenhau vakazvimirira voga

vakabuditsa kuti mutambo

wekutanga weGukurahundi

wakaitwa kuBulawayo, mushure

mokunge mutongi vedzimhosva

arambidza mapurisa kuvhiringidza

vatambi ava kuita mutambo wavo.

Mapurisa emuBulawayo vainge

vambotanga kurambidza chikwata

chokuGwanda cheJahunda Community

Theatre kuita mutambo weGukurahundi

munzvimbo dzeruzhinji vasina kutanga

vapa zvinangwa zvavari kuzviitira.

Vakatyisidzira mutungamiri vechikwata

ichi, Bhekimusa Moyo, nedzimwe

nhengo dzechikwata kuti vakaita

mutambo uyu vaizosungwa.

Mutambo weGukurahundi uyu

wakazotambwa mushure memazuva

mana apo mutongi wedzimhosva Tancy

Dube akapa mutongo wokuti mutambo

uyu uitwe uye mapurisa arege

kukanganisa kana kupindira panoitwa

mutambo uyu.

Mutambo uyu wakapindwa nevanhu

vanodarika mazana maviri, vamwe vavo

vakachema nekudzikisa misodzo

paitevedzerwa mauto eFifth Brigade

achirova, kubhinya nokuuraya vanhu

vasina nemhosva vokudunhu

reMatabeleland nereMidlands

muchiitiko chakaitwa mumatunhu

maviri aya mumakore a1980.

Achitaura kuvanhu vaive vauya

kumutambo pavakapera, Moyo—

munyori vemutambo weGukurahundi

uyu—akati chakaita kuti anyore

mutambo uyu inyaya yokufarira

chokwadi nerunyararo uye anoda kuti

vanhu vazive chokwadi chenhoroondo

yeZimbabwe.

“Mutambo uyu wakanyorwa kuti

urangaridze vanhu zvakamboitika kare

nekuti hatigari tisina nhoroondo

yezvakamboitika. Tinoda kuti tiwake

Zimbabwe yakasununguka tirege

kudzokorora kukanganiswa

kwakamboitika. Hatidi kuti vanhu

vapondwe zvakare,” akadaro Moyo.

Moyo akati mutambo uyu uchaitwa

kunzvimbo dzakasiyana dzenyika.

Mugore ra1983, vaive mukuru

vemakurukota ehurumende vaRobert

Mugabe vakaregedza mauto aive

akadzidziswa kuNorth Korean aive

pamuzinda weFifth Brigade kuti apinde

vachiuraya nekushungurudza vanhu

mumatunhu maviri aive akazara

nevatsigiri vebato rePF ZAPU, pakafa

vanhu vanodarika zviuru makumi maviri.

Vazhinji vakafa pachiitiko ichi

vakavigwa vakawanda muguva

rimwechete zvimwe zvitunha

zvikakandwa mumigodhi yaive

isisashande. VaMugabe vakaramba

kukumbira ruregerero zvisinei kuti

mutungamiri veZANU PF uyu akati

chiitiko ichi chinoratidza kuti “yaive

nguva yokupenga.”

Gore rapera mapurisa akasunga

mumwe anodhirowa mifananidzo Owen

Maseko paairatidza mifananidzo

yeGukurahundi paNational Art Gallery

kuBulawayo.

Mifananidzo yaMaseko mimwe

yacho mikuru kwazvo yekumadziro,

yainyanyoratidza mhirizhonga

yezvematongerwo enyika yakaitwa

kumatunhu maviri eMatabeleland

mumakore a1980 kuvatsigiri vebato

raipikisa munguva iyoyo rePF ZAPU

raitungamirwa navaJoshua Nkomo.

Tsvakurudzo yakaitwa nemasangano

anorwira kodzero dzavanhu inoratidza

kuti kune vanhu vanodarika zviuru

makumi maviri zvevanhu—vazhinji avo

vaitsigira bato rePF ZAPU—vakaurayiwa

nemauto iri nzira yokuedza kuparadza

mauto aipikisa hurumende yomukuru

vemakurukota ehurumende panguva

iyoyo vaRobert Mugabe.

Hurumende yakatozoenda mberi

ichimisikidza mutemo unorambidza

kuratidzwa kwemifananidzo yechiitiko

cheGukurahundi.

4 ONGORORO YEZVIRI MUNHAU Gumiguru 15, 2011

GWANDA PIRF CHAPTER

VARI PABASA

VECHIDIKI VEZANU PF

VORURA

• Kubva kupeji 2

reChiredzi mushure mokuita mhirizhonga —

“vachizviita varidzi vatsva” vezviwakwa

zvevachena izvi.

Vana muzvinabhizimusi vakapinda

munyatwa iyi vanoti vaJan Van Javeert, muridzi

vekambani yeSouth East Turning, vaGraig

Hanning, navaSouthhood Govan varidzi

vekambani yeGovan Investments.

Mukuru vechikwa ichi Darling Zirebwa

akabvuma kupepanhau reDaily News kuti

vakabvuta zviwakwa izvi akavedzera achiti vari

kutevera zviwakwa zvose zvevachena zviri

mudunhu iri vachitanga nedhorobha

reChiredzi.

“Tiri mutsoka dzekuwanisa masimba

kuvatema, mutemo wakadzikwa nehurumende

watinotenda kuti unofanira kupa masimba kune

vechidiki. Tichatora zviwakwa zvimwe

muChiredzi tozopfuurura kuMasvingo kwatine

zviwakwa nemapurazi mazhinji atinoda

kutora,” akadaroZirebwa.

Vechidiki vachiita mhirizhonga iyi mapurisa

haana kana chavakamboita.

Chikwata ichi chakavimbisa kuti

chikapedza kubvuta zviwakwa zvevachena

vanembiri mudunhu ravo, vachaenderera mberi

vachinotora migodhi mikuru nemakambani

makuru akaita seyeHippo Valley neTriangle,

dzinogadzira tsvigiri uye mugodhi weRenco

Mine uyo unochera goridhe zhinji mudunhu iri.

Muguta reMasvingo zvinonzi kune

kachikwata kemauto kakanopinda kachigara

mupurazi reIbeca Farm remurimi muchena

varizve mubhizimusi remahotera vaPeter

Goddard. Mauto aya akaudza vaGoddard kuti

vatame papurazi ravo kuti mukuru vavo

vaColonel, Francis Chakauya vatore nzvimbo iyi.

Asi vaChakauya vanonzi vakambo taudzana

Fadzai adzai December

December

ac achiita ac hiita

musangano

musangano

nenhengo

nenhengo

dz dzec dz ec echikam ec hikam hikamu hikamu

u cc

che- cc

hehe-he PIRF PIRF PIRF kuGw kuGwanda.

kuGw anda.

Nhengo Nhengo

Nhengo

dz dzec dz ec echikam ec hikam hikamu hikam u c cche

c che

hehe-he PIRF PIRF PIRF kuGw kuGwanda

kuGw kuGw anda

dzic dzichiz dzic dzic hiz hizeya hiz

zvadzainge

zvadzainge

dzadzidzisa

dzadzidzisa

pamusangano

pamusangano

uyu.

uyu.

nevaimbove varwi vehondo vakagara pedyo

nepurazi iri.

Zviuru zvevanamati vechipositori zvinonzi

zvakanotora nechisimba purazi reChidza Farm,

rava John Boland.

Zvichakadaro bato reMDC-T

rakashoropodza zviri kuitwa nevechidiki

veZANU PF izvi richiti kutorwa kuri kuitwa

zvinhu izvi hakusi pamutemo zvinoratidza

“kusadzidziswa zvakanaka kwenhubu” idzi.

Nhengo yeparamende yebato reMDC-T

kuChiredzi West vaMoses Mare, vakaudza

nhepfenyuro yeSW Radio Africa kuti “vanoshora

zvikuru” zviri kuitwa izvi vachiti uku kuita

“kwemhondi dziri kufamba dzakapfeka zita

rechirongwa chevechidiki.”

“Mhondi dzisina kunyatsodzidziswa idzi

dzakabva kumapurazi adzakabvuta dzave kuda

kuba mumabhizimusi. Idzi ndidzo dzinonzi

mbavha,” vakadaro vaMare.

Vakavedzera vachiti: “Iyi ndeimwe nzira

yava kuitwa nebato reZANU PF kuedza kubata

meso avanhu vachitsvaga rutsigiro. Hausi

hurongwa hwehurumende. Ini handitenderani

nazvo.”

Vechidiki mubato reZANU PF munyika yose

vari kumhanya mhanya kuedza kubvuta

makambani okunze neye vanonzi vatsigiri

vebato reMDC vachizama kufambisa hurongwa

hwuri kukurudzirwa nebato ravo hwokupa

masimba kuvatema. Munguva ichangodarika

kuHighfield, chikwata chemhondi chinonzi

Chipangano chinobva kuMbare

chakashungurudza vanhu pamisika iri

paMachipisa, chichiti chava kutora

mabhizimusi aya. Chinonzi chakatyisidzira

vanhu vanotengesera kuMbare mazuva

mazhinji kwazvo gore rino.

Tsamba

Mibvunzo kuna vaKasukuwere

1. Migodhi mingani yaicherwa nekambani

yeZMDC (Zimbabwe Mines Destruction

Company) uye mingani ichiri kushanda iye

zvino?

2. Chii chakaitika kumugodhi weAfrican

Associated Mines kana kuti weShabanie uye

weMashava Mines? Sei tisiri kuchera migodhi

iyi? Komuredhi minisitor ndakanzwa kuti tiri

kutsvaga kambani yokunze kuti isimudzire

migodhi iyi? Ichokwadi here kana kuti

mombonobvunza komuredhi Chinamasa!

3. Kana Zimbabwe ine zvicherwa zvizhinji,

chiri chokwadi hacho, sei tiri kutadza kuvhura

migodhi mitsva tova nezvikamu zana muzana

zvevatema tisingagovani nevamwe vekunze.

Ngatitange zvedu tiratidze vanhu kuti tinozvigona.

4. Ndiani akapihwa basa rokusimudzira kambani yeZISCO steel, uye vatema vemuno vane

zvikamu zvingani muZISCO? Mwana vemuZimbabwe akakurira kuIndia here?

Chokwadi, uku ndiko kunonzi kuita makaro uye hazvina chokuita nekusimudzira murombo

vemuZimbabwe. Asi chingozivai kuti chinhu chese chine mavambo nemagumo. – Tongai Musarasika

Kunyarara kunokunda zvose changamire

Chinyorwa che Ongororo ye Zviri Munhau chinobuditswa nekugoverwa neve Media Monitoring

Project Zimbabwe, 9 Knight Bruce Road,Milton Park,Harare,

Makasununguka kupawo maonero enyu nenhau dziri muchinyorwa ichi. Vanoda kuziva zvizhinji

nezve MMPZ,munokurudzirwa kuenda pa-website yedu: http://www.mmpz.org/

Mugabe ari panguva yakaomesesa chose nokuti

vanhu vese vakabuditswa neWikileaks

vachitengesa inhengo huru dzeZANU PF. Kana

vose ava vakadzingwa nokuda kwehunhu

hwakaitwa uhu vanogona kuumba bato

rinopikisa rakasimba kwazvo rinoshaisa

mufaro bato reZANU PF. Saka vakuru

kunyarara kunokunda zvose, vanodzoka vose

kwamuri. Vanhu vakaita saDydimus Mutasa

naRugare Gumbo nevamwe chimbomirai

kunongedzera vanhu nekutaura-taura nokuti

hamuzivi kuti mamwe makuhwa achabuditswa

pamberi apo anenge akamira sei. Rangarirai

kuti zvakatanga naMorgan Tsvangirai

mukataura mavhu nemarara pamusoro pake.

Rwendo rwuno zvava kwenyu…chimbonzwai

zvazvinoita! – Machiavelli

TUMIRAI TUMIRAI PFUNGWA PFUNGWA DZENYU

DZENYU

Vanoburitsa chinyorwa cheOngororo yeZviri Munhau

vanodokwairira kunzwa kubva kune vanoverenga chinyorwa ichi.

Tinoda kunzwa zvamunofunga pamusoro nyaya dziri

muchinyorwa chino. Makafarira here zvamakaverenga?

Zvakakubatsirai here? Pane dzimwe nyaya dzamunofunga kuti

hatina kubata? Pane zvimwe zvamunofunga kuti tingaite

kusimudzira chinyorwa ichi here? Tinyorereipa:

monitors@mmpz.org.zw kana kutumira tsamba

panhamba dzinoti: 0774 432 509

KATUNI REVEONGORORO YEZVIRI MUNHAU

Izvi zvanga

zvakarongerwa

kare

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!