29.12.2014 Views

to download the PDF file. - Media Monitoring Project Zimbabwe

to download the PDF file. - Media Monitoring Project Zimbabwe

to download the PDF file. - Media Monitoring Project Zimbabwe

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

ONGORORO YEZVENHAU CHIKUNGURU 15, 2011 3

gidza vanhu mafungiro nekunyora nhema

Va Jameson Timba

mumapazi epublic print media ayo

akonzeresa nzara yeruzivo munyika

nokuda kwemashadiro avo anoratidza

kurerekera divi rimwe.

Zvichakadaro vezvenhau

vakazvimirira voga vakabuditsa

mashoko anopikisana navaCharamba

vachiti vatungamiri vemapato matatu

muhurumende vari kurwira kuti pave

nehutungamiri hutsva mumapazi

ezvenhau anoti reBAZ, reZBC

nereZMMT kuti pave neshanduko

chaiyo mune zvenhau.

“Bazi rezvenhau, kushambadzwa

nekubuditswa kwemashoko riri

kurwisa kwazvo kuti pasave

neshanduko mune zvenhau, uye riri

kusarudza tuzvikonzero twakaita

sekushaikwa michina yokushandisa

chinangwa chiri chokuti chibvumirano

cheGPA chirege kukurukura

nezveshanduko mubazi iri, asi

chinoshamisa ndechokuti shanduko

mune zvenhau ndicho chimwe

chezvinhu zvinofanira kugadziriswa

pachibvumirano ichi,” vaTamborinyoka

vakavedzera.

Vezvenhau vehurumende

vakashandisa gakava raivepo

pamusoro pekuvedzerwa kwemihoro

yevashandi vehurumende kuti

vanakise zita ravaMugabe uku

vachisvibisa zita ravaTsvangirai navaBiti

(gurukota rezvemari). Nyaya

yokuvedzerwa kwemari kuvashandi

vehurumende zvaisareva kuti zvainge

zvakanyatsorongwa asi kuti

zvaingoitirwa kuti ivo vaMugabe

vafarirwe neruzhinji.

Va Luke Tamborinyoka

Muzvinyorwa zvinosvika

zvitanhatu zvakabuditswa

nevezvenhau vehurumende pamusoro

pemihoro zvairatidza kuti vezvenhau

ava vaivirirana navaMugabe kuti

mihoro ivedzerwe. Mumwedzi

waKubvumbi vaMugabe vakataura kuti

mihoro yevashandi vehurumende

ivedzerwe, vakashoropodza

vaTsvangirai navaBiti kuti vari kuramba

kugamuchira kuti mihoro ivedzerwe

(veZTV neve The Herald).

Kunyangwe hazvo bepanhau

reThe Herald rakabuditsa kuti mihoro

ivedzerwe asi sangano reProgressive

Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ)

rakashora kwazvo mari yaitaurwa

kuti ndiyo ichavanikwa nevashandi

sezvo yainzi yakanga iri pasi kwazvo,

rakaenderera mberi richipomera

vaBiti mhosva yokuti “vari kubatsira

kuridza ngoma sangano rezvemari

repasi rese (International Monetary

Fund) uye bhanga repasi rese (World

Bank)” sezvo vari kuramba kuvedzera

mihoro yevashandi vehurumende.

Rakavedzera richishora kwazvo

vaTsvangirai richiti “vakundikana

kuzadzikisa chitsidzo chavakatsidza

kuvashandi vehurumende makore

maviri apfuura” apo vakati

vachamhanya mhanya kushamwari

dzavo pasi rese vachitsvaga mari

yokuti vazobhadhara vashandi

vehurumende.

Bepanhau reThe Herald

rakaburitsa vaCharamba nemamwe

masangano anomirira vashandi

vehurumende vachishoropodza

vaTsvangirai kuti sei vaitsutsumwa

Muzvare Lindiwe Zulu nhengo yevayananisi vekunyika yeSA

kuti dare reCabinet raive risina

kutanga kuziviswa nekupihwa

mukana vokudzeya nyaya iyi uye

mari yaizovedzerwa yaive shoma

kwazvo.

VaCharamba vakaramba

kugamuchira kutsutsumwa

kwavaTsvangirai vachiti “dzingori

pfungwa dzezvematongerwo enyika,

ukuvo masangano anomirira vashandi

vehurumende akatsanangura nhuna

dzavaTsvangirai sezvinhu

“zvinonyangadza, zvinovhiringidza

uye zvisina nematuro ose”.

Nyangwe zvazvo vezvenhau

vakazvimirira voga vakatora nyaya

yokuvedzerwa kwemari sedanho

rakanaka, asi vakashungurudzika

nenzira yakatorwa nevezvenhau

vehurumende nebato reZANU PF

muhurumende yomubatanidzwa

pavakatora nyaya iyi

vakaishandisa

mune

zvematongerwo enyika.

Vakatora nyaya iyi semutoro

unorema kwazvo vaive vaiswa

pamusoro pavaBiti nava Tsvangirai,

avo vaive nenguva refu vachiti

hurumende yaive isati yava nemari

yokuti igone kuvedzera mari

dzevashandi vavo. (The Standard).

Bato reZANU PF nevezvenhau

vari pasi pehurumende

vakamhanyira kutaura kuti

kusunungurwa kwegurukota

rezvokutakurwa kwezvinhu

nemhando dzemoto (minister of

Energy) vaElton Mangoma

kunoratidza kusununguka

kwehutongi hwematare

edzimhosva emuno, asi havana

kuratidza kuti kusungwa kwavo

kwatovedzera mukaha

vokuvirirana muhurumende

yomubatanidzwa.

Zvichakadaro, vezvenhau ava

vakanzvenga kubuditsa chokwadi

chokusajeka kwemhosva

yaisungirwa gurukota iri.

Mutongo vakazopihwa

vaMangoma nemutongi

vedzimhosva vakavirirana

nezvaigaro nyorwa nevezvenhau

vakazvimirira voga uye

zvaitaurwa negweta ravo-kuti

mutevedzeri vasahomwe uyu

mubato reMDC-T haana mhosva

uye mhosva yaari kupomerwa

hurongwa hwevanhu vari

mumatongerwo enyika.

Bepanhau reThe Herald

rakaburitsa richiti kusunungurwa

kwavaMangomama kunoratidza

kuti muZimbabwe munoshandiswa

mutemo nemazvo uye kuti hutongi

hwematare edzimhosva emuno

hwakasununguka”. Pepanhau iri

rakanyora richiratidza zvainge

zvaturwa nevavanoti “vaongorori

vezvematongerwo enyika” vakaita

savaJonathan Moyo nhengo

yeZANU PF Politburo, vaAlexander

Kanengoni uye vaGodwine

Mureriwa. Pepanhau iri harina kuda

kutsanangura kuti sei vaMangoma

vakanga vasungwa kana vakazonzi

vaisava nemhosva yavakanga

vapara.

ANE RUZIVO ANE SIMBA : VA CHITANDO

Nechinangwa chokuwandudza ruzivo munzvimbo zhinji

dzokumaruva mudunhu reMasvingo, imwe nhengo yeparamende

inomirira Masvingo Central vaJeffryson Chitando, vakabhadhara

mari zhinji kune imwe kambani yemapepanhau kuti ivanise zvikoro zvose zviri munzvimbo

mavo mapepanhau kwegore rose.

Mutungamiri uyu anotenda kuti ane ruzivo ane chombo chikuru, akaronga kuti zvikoro

zvemasekondari zvinosvika gumi nechimwe zviri munzvimbo make zvivaniswe

mapepanhau maviri pachikoro choga choga eThe Mirror-pepanhau remudunhu iri rinobuda

pasvondo pega pega.

“Ruzivo chombo chikuru. Vanhu vakava neruzivo vanoita zvinhu zvikuru zvinoshamisa.

Vanhu vazhinji vanogona kushanda kana kubudirira vanenge vaine ruzivo rwokuita zvinhu.

Kupa vanhu zvinhu vasina kupihwa ruzivo rwemashandisirwo azvo zvakangofanana nokupa

munhu hove asi usinga mudzidzisi kuti hove dzinoredzwa sei,” vakataura vaChitando.

Nyika yeBambazonke Katuni

COPAC inoda imwe mari

yokuti basa rokuumba

bumbiro idzva

ripedziswe

facebook

Vashandi vehurumende,

kusanganisira vamwe 75 000

vakafa kare vari kurwira

kuvedzerwa mari

VaChitando-vakadzidzira kuva mudzidzisi-vakataura kuti chibvumirano

cheGlobal Political Agreement (GPA) icho chakazoumba hurumende

yomubatanidzwa, chinokurudzira kuti munhu avaniswe kodzero yake

yokuvana mikana yokuziva nyaya dziri kuitika munyika.

“Regai vanhu vavaniswe mikana yokutsvaga ruzivo rwezviri kuitika

munzvimbo dzakavakomberedza uye zviri kuitika munyika dzepasi rese,

uye vasiyei vafunge zvavanoda kuita neruzivo urwu mukugadzirisa

zvavanoda muupenyu.”

VaChitando vakati kupa mikana kuvana vechikoro yokuverenga

mapepanhau, zvinobatsira kuti vana vekumaruva ava vanzwisisevo zviri

kuitika kunzvimbo dziri kure navo. Vakavedzera vachiti vana vazhinji

vokumaruva havana mikana mizhinji yokuvana nhau, zvinozokonzera kuti

vatarisirwe pasi sevanhu vasina chavanoziva.

Sangano reZimbabwe

Election Commission

harina mari…

...gore rino tinoda kuita

sarudzo, kunyangwe Tsvangirai

achida kana asingadi

shandisai zita rokuti- Media Monitoring Project Zimbabwe kana muchida

kutsvaga ushamwari nesu tumirai tsamba mbozha pa Mmpz Zimbabwe

MUNE SHANDUKO

HERE MUNE

ZVENHAU KANA

VATAPI

VACHISUNGWA

• Kubva kupeji 1

tsamba kusangano reVoluntary

Media Council of Zimbabwe (VMCZ)

vachitaura nhuna dzavo, kana kuti

nyaya iyi ibviswe mupepanhau

pane kuti vasunge vatapi venhau.

Kurwira kuti nyaya ibviswe

mupepanhau ndicho chinhu

chakanaka kuita nokuti zvinobva

zvashoresa munyori venyaya

yacho nepepanhau rake.”

Sangano remubatanidzwa

wevatapi venhau munyika

reZimbabwe Union of Journalists

(ZUJ), rakati kusungwa kwevatapi

venhau ava, zvinobuditsa pachena

kuti mashandiro evatapi venhau

achava parumana nzombe

kunyanya munguva yesarudzo

yatava kutarisana nayo.

“Munhu akasununguka

kwazvo kutaura zvaanoda

munyika muno, asi mubvunzo

uripo ndevokuti munhu anoramba

akasununguka here mushure

mokutaura” vakabvunza

vaForster Dongozi, munyori

mukuru musangano reZUJ.

Vakaenderera mberi vachiti,

“munyika muno vane masimba

okutonga havafariri kuti vanhu

vasununguke kutaura zvavanoda.”

VaDongozi vakati nhau

yokudzivisa vanhu kuti vataure

zvavanoda yotangwa iyi inzira

yokuda kuedza kutyisidzira vanhu

vasingatsigiri hurumende yebato

reZANU PF uye kusungwa

kwevatapi venhau uku idonzvo

rekudzivisa avo vanoda

kusimudza musoro.”

Sachigaro vesangano

reZimbabwe National Editors Forum

(ZNEF) vaIden Wetherell vakati

kusungwa kwevatapi venhau uku

chiratidzo chokurwisa

kusununguka munezvenhau uye

izvi hazvifaniri kuregedzwa

zvichienderera mberi.

“Kuti nyika inzi

yakasununguka, vanhu vanofanira

kuva neruzivo pakusarudza

zvavanoda zvichibudikidza nokuti

varikuvaniswa mikana yokuvana

ruzivo here” vakadaro

vaWetherell.

“Kusungwa kwevatapi

nevapepeti venhau chiitiko

chinodzorera shure hurongwa

hwokusununguka uye izvi

zvinofanira kuti zvipedzwe kuitira

kuti vana veZimbabwe vagone

kushandisa kodzero dzavo

kunyanya kusununguka

pakutaura zvavanoda uye

zvavanofunga.”

Parizvino hurumende

yakaratidza kuti yakakundikana

kuzadzisa chitsidzo chayo

chokuisa shanduko mune

zvenhau. Muchibvumirano

cheGPA, mapato arimo

akabvumirana kuti vatambi vatsva

mune zvekutepfenyura

nezvemapepanhau vapihwe

marezinesi okuti vatange basa, uye

kukosheswa kwezvenhau

mukuunza kusununguka

kwemapato munyika. Kunyangwe

zvazvo kuine mapepanhau

mazhinji akavaniswa marezinesi

asi kusvika parizvino hapasati

pava

nechiteshi

chezvokutepfenyura

chakavaniswa rezinesi kana

chimechete zvacho. Pamusoro

peizvi hapana mutemo vezvenhau

wakashandurwa pane mitemo

yeudzvanyiriri yaivepo.

Mudunhu remuAfrica mutemo

weAccess to Information and Protection

of Privacy Act (AIPPA) ndivo

vakaonekwa semutemo

unodzvanyirira zvikuru, uyo

unoshandiswa kuvhiringidza

vezvenhau mubasa ravo. Mutemo

uyu unoshandiswa kusunga vanhu

vavanoti vanenge vabuditsa nyaya

dzemanyepo uye avo vanenge

vasungwa nemhosva iyi vanotarisirwa

kupinda mujere kwechinguva.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!