Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
You also want an ePaper? Increase the reach of your titles
YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.
10 Pisarema 10

2 ‘Nozvikudza ‘notambudza

Iyeyu murombo

Ngavabatwe nawo mano

Wo avakafunga.

3 Nokuti ye wakaipa

Unozvirumbidza

Pamusoro pezvinoda

Iwo moyo wake.

Unovaramba Jehovha

Ivo vanochiva

Ivavo vanototukwa

Tukwa naJehovha.

4 Nako kuzvikudza kwake

Haadi kubvunzwa

Nendangariro dzinoti

Vo hakuna Mwari.

5 Nzira dzake dzakasimba

Nadzo nguva dzose

Nezvamunotonga Imwi

Zviri kure naye.

Kana vari vadzivisi

Vadzivisi vake

Unovashovora ivo

Vadzivisi vake.

6 Unoti mumoyo make

Handizungunuswi

Handingambovi panhamo

Pamarudzi angu.

7 Muromo wake uzere

Naiko kutuka

Kumanikidza naiko

Nako kunyengera.

8 Po panzvimbo dzakavanda

Ndipo anogara

Ndipo paanouraya

Ye usina mhosva.

Iwo meso ake awa

Anongovandira

Usina wokubatsira

Anongovandira.

9 Seshumba unovandira

Nokukakatira

Yemurombo unobatwa

Mumumbure wake.

10 Iye unovanyangira

Achikotamira

Vari voga vanowiswa

Naro simba rake.

11 Unoti mumoyo make

Wakangamwa Mwari

Chiso chake unovanza

Haangazvivoni.

12 Jehovha chisimukai

Noruvoko rwenyu

Kukangamwa chiregai

Vo varombo venyu.

13 Unozvidzirei Mwari

Iye wakaipa

Achiti mumoyo make

Haangazobvunzwi.

14 Makazvivona Iyemwi

Imwi munovona

Kutambura nokuchema

Kuti muzvizive.

163 Pisarema 143

3 Ndiri pakumanikidzwa

Makaziva nzira

Panzira yandinofamba

Vaviga musungo.

4 Tarira kurudyi rwangu

Hakunondiziva

Ndashaiwa vutiziro

No-nehanya neni.

5 Ndakasidana kwamuri

Ndimwi vutiziro

Hwangu nomugove wangu

Pano pasi pose.

6 Kudana kwangu terera

Ndinoshaya simba

Ndirwire pavatambudzi

Vanondikurira.

7 Mweya wangu budisai

Mutorongo imo

Kuti ndigozorivonga

Iro zita renyu.

Vakarurama vachandi

Komberedza ini

Nokuti muchanditira

Zvakanaka kwazvo.

Pisarema 143. C.M.

Pisarema raDhavhidhi.

1 Inzwai munyengetero

Nekumbiro yangu

Kutendeka kururama

Mugondipindura.

2 Rega kutonga muranda

Nokuti hapana

Kana ungaruramiswa

Po pamberi penyu.

3 Nokuti iye muvengi

Wakanditambudza

Wakatsikirira pasi

Hwoupenyu hwangu.

Popanzvimbo dzinerima

Wakandigarisa

Savanhu vakatotongwa

Vakanguva vafa.

4 Saka mweya wakaziya

Mo mukati mangu

Wo moyo wakavhunduswa

Mo mukati mangu.

5 Ini ndinorangarira

Mazuva akare

Ndinofunga zvamaita

Basa renyu rose.

6 Ndinositambanudzira

Mavoko kwamuri

Ndichikushuva senyika

Nyika yakaoma.

7 Kupindura kurumidza

Mweya watoziya

Chiso musandivanzira

Ndigosarashika.

8 Ndinzwiseivo vunyoro

Hwenyu mangwanani

Kuti ndinovimba nemi

Ndidzidzise nzira.

Nzira yokufamba nayo

Chindidzidzisai

Mweya wangu ko kwamuri

Ndinosimudzira.