01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

36 Pisarema 36

21 Vakatondishamisira

Yo miromo yavo

Vachiti hekani waro

Takatozvivona.

22 Makazvivona Jehovha

Rega kunyarara

Ishe musazogarazve

Iko kure neni.

23 Chisimukai Jehovha

Tambe mhaka yangu

Mwari wangu Ishe wangu

Ndiruramisire.

24 Nditongerei Jehovha

Nako kururama

Ngavarege kuzofara

Pamusoro pangu.

25 Varege kuti mumoyo

Zvatanga tichida

Hekani zvazoitika

Iye tamumedza.

26 Ngavanyadziswe vazvidzwe

Vanongofarira

Pamwe chete vachifara

Nokuzvidzwa kwangu.

Ngavafukidzwe nenyadzi

Vazvidzwe ivavo

Ivavo vanozvikudza

Pamusoro pangu.

27 Vadanidzire mufaro

Ivo ngavafare

Vanoda kururamiswa

Kwayo mhaka yangu.

Ngavarambe vachingoti

Jehovha akudzwe

Iye unoda kufara

Komuranda wake.

28 Ipapo rurimi rwangu

Ruchazotaura

Kurumbidzwa kurururama

Kwenyu zuva rose.

Pisarema 36. C.M.

Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema

raDhavhidhi muranda waJehovha.

1 Kutadza kwowakaipa

Kunoti mumoyo

Mangu, haambotyi Mwari

Po pameso ake.

2 Iye unozvinyengera

Kuti zvakaipa

Zvake hazvingazikanwi

Zvikavengwa kwazvo.

3 Mashoko muromo wake

Ndiko kunyengera

Wakasiya kuchenjera

Nazvo zvakanaka.

4 Unofunga zvakaipa

Po panhovo dzake

Nenzira isakanaka

Unofamba nayo.

5 Vunyoro hwenyu Jehovha

Hwakasvika iko

Kudenga nokutendeka

Iko kumakore.

6 Iko kururama kwenyu

Kwakazofanana

Nawo makomo makuru

Nokutonga kwenyu.

137 Pisarema 119

4 Imwi makatiraira

Zvo zvirevo zvenyu

Kuti tigozvichengeta

Isu zvakanaka

5 Dai mukadzigadzira

Idzo nzira dzangu

Kuti ndigoichengeta

Yomitemo yenyu.

6 Ipapo handinyadziswi

Ndichirangarira

Mirairo yenyu yose

Nokuichengeta.

7 Nomoyo wakarurama

Ndichazomuvonga

Ndazodzidza zvamatonga

Kururama kwazvo.

8 Ndichaichengeta kwazvo

Yomitemo yenyu

Imi Jehovha She wangu

Regai kundirasha.

BETH ב

9 Jaya ringanatsa sei

Iyo nzira yaro

Kana richichenjerera

Iro shoko renyu.

10 Nawo moyo wangu wose

Ndakakutsvakai

Musatenda nditsauke

Pamirawo yenyu.

11 Shoko renyu ndakaviga

Momumoyo wangu

Kuti Ishe ndigorega

Kutadzira imwi.

12 Kukudzwa munofanira

Iyemi Jehovha

Ndidzidziseivo ini

Yo mitemo yenyu

13 Ini ndakazvidudzira

Nomuromo wangu

Izvo zvose zvamatonga

Nomuromo wenyu

14 Ndakafara momunzira

Yezvipupuriro

Sendinofarira fuma

Ndakafara kwazvo.

15 Ndichasingo fungisisa

Zvo zvirevo zvenyu

Vuye ndicharangarira

Idzo nzira dzenyu

16 Ndichasizvifadza ini

Nemitemo yenyu

Uye handingakangamwi

Iro shoko renyu

GIMEL ג

17 Zvakanaka ndiitirei

Kuti ndirarame

Ipapo ndichachengeta

Iro shoko renyu.

18 Ndisvinudzei meso angu

Kuti ndigovona

Zvinoshamisa zviripo

Pamirawo yenyu.

19 Nokuti ndirimutorwa

Popanyika ino

Chirega kundivanzira

Mirairo yenyu.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!