01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

42 Pisarema 40

7 Ishe ndakarindirei

Chandakarindira

Tariro yangu iriko

Ikoko kwamuri.

8 Ndirwirei Imwi Mwari

Panokudarika

Kuti ndirege kusekwa

Naiwo mapenzi.

9 Ndakanga ndiri mbeveve

Ndakangonyarara

Nokuti ndimwi Jehovha

Makambozviita.

10 Shamhu yenyu chibvisai

Ipapo pandiri

Ndatopera nokurohwa

Noruvoko rwenyu.

11 Kana muchiranga munhu

Muchimuraira

Pane zvakaipa zvake

Munozomupedza.

Mopedza fuma yake

Sacho chivundudzi

Zvirokwazvo iye munhu

Unongova mweya.

12 Inzwai munyengetero

Wangu nokuchema

Rerekai nzeve dzenyu

Musangonyarara.

Nokuti ni ndiri mweni

Mutorwa kwamuri

Sezvakanga zvakaita

Madzibaba angu.

13 Regai kunditarira

Ndimbo naya hangu

Ndisati ndambobva pano

Ndikasazovapo.

Pisarema 40. C.M.

Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema

raDhavhidhi.

1 Ndakarindira Jehovha

Nomoyo murefu

Wandirerekera nzeve

Akanzwa kuchema.

2 Wandibudisa pagomba

Ro rokuparadzwa

Nomudziva ramatope

Wakandibudisa.

3 Wakamisa tsoka dzangu

Pamsoro pedombo

Akazondisimbise ni

Pakufamba kwangu.

4 Rumbo rutsva wakaisa

Mumuromo mangu

Rwokumurumbidza narwo

Iye Mwari wangu.

5 Vazhinji vachazvivona

Vazhinji vachatya

Vagovimba naye ivo

NaIye Jehovha.

6 Wakakomborerwa uyo

Woita Jehovha

Kuti ave nzvimbo yake

Iyo yokuvanda.

7 Usisina hanya navo

Navanozvikudza

Navanotsaukirako

Ikoko kunhema.

131 Pisarema 113

5 Ye munhu wakarurama

Nopa chikwereti

Imba yake wofambisa

Nako kuchenjera.

6 Haangazozungunuswi

Ye wakarurama

Asi ucharangarirwa

Nokusingaperi.

7 Haangazotyi mashoko

Zvinhu zvakaipa

Moyo wake wakasimba

Wovimba Jehovha.

8 Moyo wake wakasimba

Haangatongotyi

Kusvika vona kukundwa

Kwavavengi vake.

9 Wakaparadzira Iye

Wapa vashaiwi

Kururama kuchagara

Nokusingaperi

10 Runyanga rwakevo rucha

Kwidzwa nokukudzwa

Wakaipa uchavona

Ndokufa neshungu.

Uchageda-geda meno

Zveuchanyauka

Kokuda kowakaipa

Kuchazoparara.

Pisarema 113. C.M.

1 Rumbidza Iye Jehovha

Mwi varanda vake

Murumbidze zita rake

Rumbidza Jehovha.

2 Iro zita raJehovha

Zvino ngarikudzwe

Kubva zvino kusvikira

Nokusingaperi.

3 Kubva zuva richibuda

Svika richivira

Zita rake rafanira

Kuti rirumbidzwe.

4 Mwari uri pamusoro

Pamarudzi ose

Nokubginya kwake uku

Kumsoro kwedenga.

5 Ndiani wakafanana

Naye Mwari wedu

Jehovha unogarako

Kumusoro-soro.

6 Ye unozvidukupisa

Kuti agovona

Zviri kudenga napasi

Ariko kudenga.

7 Unosimudza murombo

Abve paguruva

Nounoshaiwa abve

Po padurunhuru.

8 Pamwe agomugarisa

Naiwo machinda

Iwo machinda avanhu

Vo vanhu vokwake.

9 Mukadzi unogarisa

Usingabereki

Vagova mai veimba

Vafare navana.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!