Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
You also want an ePaper? Increase the reach of your titles
YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.
104 Pisarema 91

Pisarema 91. C.M.

1 Wakavanda po panzvimbo

Yowokumusoro

Uchagara pamumvuri

Wamasimba ose.

2 Pamusoro paJehovha

Ndiye nhare yangu

Vutiziro naro simba

Ndinovimba naye.

3 Kuti ye uchakurwira

Ipo parugombe

Rwomuteyi napahosha

Yo inovuraya.

4 Iye uchakufukidza

Neminhenga yake

We uchatizira pasi

Mapapiro ake.

5 Iwe haungatyi chinhu

Chinokuvhundusa

Vusiku kana museve

Wo wamasikati.

6 Kana hosha inofamba

Imomo murima

Kana iko kuparadza

Ko kwamasikati.

7 Rutivi rwako pachawa

Gumi ramazana

Vane zvuru zvamazana

Hazvikusvikiri.

8 Uchazvitarira hako

Nawo meso ako

Uchavona mubairo

Wavo vakaipa.

9 Nokuti imi Jehovha

Vutiziro hwangu

Imwi wokumsoro soro

Hwo vugaro hwangu

10 Hapana cho chakaipa

Chingazokuwira

Nehosha haiswederi

Po patente rako.

11 Kuti ye ucharaira

Vo vatumwa vake

Kuti vagokuchengeta

Po panzira dzako.

12 Ivo vachakusimudza

Pamavoko avo

Usagumbusa rutsoka

Rwako pana mabwe

13 Uchatsika pamusoro

Peshumba nechiva

Mwana weshumba nenyoka

Utsikire pasi.

14 Wakandida ndicharwira

Po pakakwirira

Nokuti ye wakaziva

Iro zita rangu.

15 Ye uchadana kwandiri

Ndigomupindura

Pamatambudziko ake

Ndichasimurwira.

16 Iye ndichasimugutsa

Vupenyu vurefu

Vuye ndichamuratidza

Ruponeso rwangu.

69 Pisarema 66

Vavengi vachazviisa

Ipo pasi penyu

Mhaka yovukuru hwenyu

Naro simba renyu.

4 Pasi pachazonamata

Ikoko kwamuri

Vachakuimbira Imwi

Iro zita renyu.

5 Vuyai muvone basa

Basa rinotyisa

Pane zvaavaitira

Vo vana vavanhu.

6 Wakashanduravo gungwa

Rikava senyika

Vakayambuka netsoka

Tikafara kwazvo.

7 Iye unobata vushe

Naro simba rake

Unocherekedza ndudzi

Nokusingaperi.

Ivo vanomumukira

Ivo ngavarege

Kumboidza kuzvikudza

Ivo ngavarege.

8 Vonga Mwari imwi vanhu

Imwi vanhu vake

Inzwi rokumurumbidza

Iro ngarinzwike.

9 Ndiye unopavo mweya

Ihwohwo vupenyu

Usingatenderi tsoka

Dzimbotedzemuka.

10 Nokuti Iyemwi Mwari

Makatotiidza

Makaita zvinoitwa

Iyo Siriveri.

11 Makatotipunza apo

Ipo pamumbure

Zvinorema matakudza

Pazvivuno zvedu.

12 Makavafambisa vanhu

Pamisoro yedu

Pinda mumoto nemvura

Makatibudisa.

13 Ndichapinda mumba menyu

Ndine zvipiriso

Ndigozokuripirai

Idzo mhiko dzangu.

14 Dzakarehwa nomuromo

Nomuromo wangu

Pakutambudzika kwangu

Pandakadziita.

15 Ndichazokubayirai

Izvo zvipiriso

Zvakakora zvinopiswa

Nezvinonhuwira.

Ndichabaya idzo nzombe

Ndichikubayira

Pamwe chete nadzo mbudzi

Ndichakubayira.

16 Imwi mose vuya munzwe

Munotya Jehovha

Ndigokududzira zvose

Zvaandiitira.