01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

22 Pisarema 22

5 Vakasichema kwamuri

Ivo vakarwirwa nemwi

Vakavimba nemwi ivo

Havana kuzonyadziswa.

6 Asi ini ndiri honye

Handizati ndiri munhu

Ndiri chinhu chinozvidzwa

Nokushovorwa navanhu.

7 Vose avo vondivona

Vanogona kundiseka

Vanoshamisa miromo

Vanodzungudza vachiti

8 Kuna Jehovha chiindai

Ngaakurwire tivone

Zvaanomufarirai

Ngaamurwirei Iye.

9 Pachizvaro chamai vangu

Ndimwi makandibudisa

Mukandiita ndivimbe

Nemwi ndichiri pazamu.

10 Ndakaiswavo kwamuri

Kubva pakuzvarwa kwangu

Imwi muri Mwari wangu

Kubva padumbu ramai.

11 Rega kuva kure neni

Nokuti njodzi dziripo

Kunze kwenyu Mi Jehovha

Hapana 'ngandibetsera.

12 Hando dzakawanda chose

Dzakangondikomberedza

Hando dzine simba kwazvo

DzeBhashani dzandikomba.

13 Dzinongondishamisira

Miromo yadzo seshumba

Inoparadza zvikuru

Ichivomba nokuvomba.

14 Ndakadururwa semvura

Mapfupa asvodogoka

Moyo fanana nenamo

Yakanyauka mandiri.

15 Simba rangu rakaoma

Rurimi rwanamatira

Panaidzo shaya dzangu

Vakandisa paguruva.

16 Nokuti mbwa dzandikomba

Vungano yavakaipa

Mavoko namakumb'angu

Vakabvovora bvovora.

17 Mapfupa ndingaverenga

Osewa mapfupa angu

Ivo vanonditarira

Nokundinan’anidzavo.

18 Nguvo dzangu vagovana

Pakati pavo pachavo

Nemijenya vakakanda

Pam’soro pehazu dzangu.

19 Imwi Jehovha regai

Kuzovazve kure neni

Kundibatsira chimbidzai

Imwi muri simba rangu.

20 Pamunondo mweya wangu

Vuyai muzondirwira

Mudikanwa napasimba

Napasimba iro rembwa.

151 Pisarema 127-128

Pisarema 127. C.M.

Rwiyo rwokufambira mberi raSoromoni.

1 Kana Jehovha asinga

Vaki imba Iye

Vavaki vayo vobata

Yobata pasina.

Kana Jehovha asinga

Chengeti roguta

Unongorinda pasina

Iyeyo murindi.

2 Kudomuka mangwanani

Hazvina maturo

Nokunonoka kuvata

Hazvina maturo

3 Vana inhaka inobva

Kunaye Jehovha

Chibereko chenyu ndiwo

M'bairo waanopa.

4 Semiseve muruoko

Rwemhare ndizvozvo

Zvinoita ivo vana

Vovujaya bgenyu.

5 Murume unomufaro

Iye unegoba

Rizere naivo vana

Rakazadzwa naye.

Havanganyadziswi ivo

Asi ivo vacha

Taura navo vavengi

Ipapo pasuo.

Pisarema 128. C.M.

Rwiyo rwokufambira mberi.

1 Vakaropafadzwa avo

Vanotya Jehovha

Vanongofamba nenzira

Iyo nzira yake.

2 Nokuti iwe uchadya

Zvozvawakabata

Ugozova nomufaro

Zvive zvakanaka.

3 Mukadzi wako uchava

So muzambiringa

Nobereka zvakanaka

Mo muimba yako.

Navana vako vachava

Saiyo miti ye

Miorivi yakakomba

Yo tafura yako.

4 Tarira uyo murume

Unotya Jehovha

Ucharopafadzwa iye

Saizvozvo naye.

5 Uchakuropafadza Ye

Ari paZioni

Ugovona komberero

Paupenyu hwako.

6 Zvirokwazvo uchavona

Vazukuru vako

Siraeri ngaavevo

Norugare Iye.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!