Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Create successful ePaper yourself
Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.
164 Pisarema 144

9 Ndirwirei Mwi Jehovha

Pavavengi vangu

Ndinotizira kwamuri

Kuti mundivanze.

10 Ndidzidzisei kuita

Kuda, kwenyu Imwi

Nokuti imwi Jehovha

Muri Mwari wangu.

Mweya wenyu wakanaka

Ngaundifambise

Imo munyika iyoyo

Yakagadzikana.

11 Ndiponesei Jehovha

Naro zita renyu

Mugo-rwira mweya wangu

Pakumanikidzwa.

12 Vavengi vangu pedzai

Novunyoro hwenyu

Paradza vamanikidzi

Vo muranda wenyu.

Pisarema 144. C.M.

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ngaarumbidzwe Jehovha

Ndiye dombo rangu

Unondidzidzisa kurwa

Nemimwe kufura.

2 Kunaka nenhare yangu

Vuye shongwe yangu

Yakakwirirazve ndiye

Ye murwiri wangu.

Iye ndiye nhovo yangu

Ndinovimba naye

Ndiye unoisa vanhu

Vangu pasi pangu.

3 Jehovha munhu chinyiko

Munehanya naye

No mwanakomana wake

Mamurangarira.

4 Munhu wakangofanana

Fanana nemhepo

Mazuva ake mumvuri

Unongopfuvura.

5 Kotamisai kudenga

Burukai Jehovha

Mugogunzva womakomo

Agopfungaira.

6 Penyesai mheni yenyu

Mugovaparadza

Mufure miseve yenyu

Mugovavhundusa.

7 Tambanudzai ruvoko

Muriko kudenga

Musunungure murwire

Ipo pavatorwa.

8 Nemiromo votaura

Zvisina maturo

Ruvoko rwavo rworudyi

Ruvoko rwenhema.

9 Mwari ndichakuimbira

Irwo rumbo rutsva

Ndichakuimbira rumbo

Rwokumurumbidza.

Rumbo rutsva ndichaimba

Nemitengeranwa

Iyoyo ine hungiso

Idzo dzine gumi.

9 Pisarema 10

6 Ivo vavengi vapera

Nokusingaperi

Chiyevudzo namaguta

Zvavo maparadza.

7 Asi Jehovha ndimambo

Nokusingaperi

Wakagadzira chigaro

Kuti agotonga.

8 Nyika uchazoitonga

Nako kururama

Navanhu uchavatonga

Sezvinofanira.

9 Kuna vanomanikidzwa

Uchazova nhare

Iyo nhare yakasimba

Pakutambudzika.

10 Vanoziva zita renyu

Vachavimba nemwi

Nokuti hamungarashi

Vanokutsvakai.

11 Imbira Iye Jehovha

Muchimurumbidza

Mududzire zvaaita

Ipo pamarudzi.

12 Iye unotsiva ropa

Unorangarira

Kuchema kwavo varombo

Haangakangamwi.

13 Ndinzwirei tsitsi Imwi

Ndinomanikidzwa

Ndimwi munondisimudza

Pasuo rorufu.

14 Kurumbidza ndiparidze

Pamasuwo avo

Ndifarire kuponeswa

M’kunda weZioni.

15 Vahedheni vakanyura

Mo mugomba ravo

Rutsoka ndokuzobatwa

Nomumbure wavo.

16 Jehovha unozikamwa

Nokutonga kwake

Vakaipa vateyiwa

Naro basa ravo.

17 Vaipi vachadzorerwa

Iko kuSheori

Navo vose vamarudzi

Vanomukangamwa.

18 Haangambokangamwiki

Iyeye murombo

Netariro yavarombo

Haingazoperi.

19 Chisimukai Jehovha

Munhu asakunda

Vahedheni ngavatongwe

Po pamberi penyu.

20 Chivavhundusai Mwari

Kuti vagoziva

Ivo vahedheni kuti

Vanongova vanhu.

Pisarema 10. C.M.

1 Munomirirei kure

Iyemwi Jehovha

Munozvivanzireiko

Pamatambudziko.