01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

86 Pisarema 78

7 Kutiyo tariro yavo

Ive kuna Mwari

Varego kangamwa basa

Chengeta murawo.

8 Varego fanana navo

Madzibaba avo

Vakanga vari rudzi ru

Singateereri.

9 Navana vaEfuremu

Nyangwe vakashonga

Nhumbi dzose dzokurwisa

Havana kukunda.

10 Havana kumbochengeta

Sungano yaMwari

Nokufamba vakaramba

Nawo murairo.

11 Vakazokangamwa basa

Raavaitira

Nazvo zvishamiso zvose

Zvaavaitira.

12 Wakaita zvishamiso

Nyika yeGipite

Mberi kwamadzibabavo

Sango reZioni.

13 Gungwa wakazopamura

Akavayambusa

Ndokumisa iyo mvura

Kuita somurwi.

14 Negore wavafambisa

Po pamasikati

Nacho chiedza chomoto

Nguva dzovusiku.

15 Matombo wakapamura

Imomo murenje

Ndokuvapa mvura kwazvo

Kunge mumadziva.

16 Wakabudisavo hova

Dzemvura padombo

Mvura zhinji yaerera

Kuita sorwizi.

17 Kunyanguva zvakadaro

Vakamutadzira

Nokumumukira Iye

Wokumsoro soro.

18 Vakamuidza voMwari

Nokumukumbira

Kudya kwavaida ivo

Pakuchiva kwavo.

19 Vakapopotera Mwari

Vachiti kwaari

Ko ungatigadzirira

Tafura murenje.

20 Tarira warova dombo

Mvura kadzutuka

Nehova dzikaerera

Nayo mvura zhinji.

Ko ungagonavo here?

Kupa vanhu vake

Chingwa imomo murenje

Nenyama yokudya.

21 Saka Jehovha wakanzwa

Saka wakatsamwa

Akamuvesera moto

YeIsiraeri.

87 Pisarema 78

22 Havana kutenda Mwari

Nokuvimba naye

Havana kuvimba nako

Kuponeswa kwake.

23 Kunyanguva zvakadaro

Waraira denga

Akazarura mikova

Iyo yokudenga.

24 Iyo mana wakanisa

Pamusoro pavo

Kuti vadye wakavapa

Zviyo zvokudenga.

25 Ivo vanhu vakatodya

Chingwa chavatumwa

Wavatumira zvokudya

Kusvika vaguta.

26 Wakazobudisa mhepo

Kubva mabvazuva

Iyo mhepo ikarira

Ikoko kudenga.

Akazofambisa mhepo

Ichibva kuzasi

Wakaifambisa Iye

Naro simba rake.

27 Wakainisavo nyama

Pamusoro pavo

Seguruva nadzo shiri

Sejecha regungwa.

28 Pamisasa yavo pose

Wakazviwisira

Pose pavanga vagere

Pamisasa yavo.

29 Ipapo ivo vakadya

Vakaguta kwazvo

Zvavanga vachikarira

Wakavapa izvo.

30 Vasati vambonyaradza

Ko kukarakwavo

Zvokudya zvavo zvichimo

Mumiromo yavo.

31 Hasha dzikavamukira

Nokuvavuraya

Vakakora namajaya

Ndokuaparadza.

32 Kunyanguva zvakadaro

Vakamutadzira

Vakarambavo kutenda

Zvishamiso zvake.

33 Mazuva wavapedzera

Zvisina maturo

Namakore avo ose

Pane zvinotyisa.

34 Zvino achivavuraya

Vaka zomutsvaka

Vakashingaira kwazvo

Kuti vamuwane.

35 Vakarangarira kuti

Mwari dombo ravo

Nowokomusorosoro

Ndimudzukunuri.

36 Asi vakamunyengera

Nemiromo yavo

Vakamubata kumeso

Nadzo ndimi dzavo.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!