01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

54 Pisarema 50

8 Handingambokutukiyi

Pane zvibairo

Zvipiriso zvinopiswa

Zviri mberi kwangu.

9 Nzombe handingambotori

Yapaimba yako

Kana nhongo pazvirugu

Zvadzo mbudzi dzako.

10 Nokuti mhuka ndedzangu

Dziri mumasango

Nadzo mombe mumakomo

Ane zvuru zvawo.

11 Shiri dzose ndinoziva

Dziri mumakomo

Nemhuka dzose ndedzangu

Dziri mumasango.

12 Kana ndikava nenzara

Handivudzi iwe

Nokuti nyika ndeyangu

Nezvose zvirimo.

13 Ko ini ndingadya here

Nyama yadzo hando

Ko ini ndingamwa here

Ropa radzo mbudzi.

14 Zvibairo mubaire

Izvo zvokuvonga

Uripire wokumsoro

Idzo mhiko dzako.

15 Iwe udane kwandiri

Pakutambudzika

Ini ndichasikurwira

Ugondirumbidza.

16 Asi kunowakaipa

Jehovha unoti

Haunei nomurawo

Wangu nesungano.

17 Unovenga kurairwa

NaIye Jehovha

Unorashavo mashoko

Angu shure kwako.

18 Wati achivona mbavha

Wakaifarira

Naiyo mhombwevo naye

Vanofambidzana.

19 Muromo unotendera

Izvo zvakaipa

Norurimivo kureva

Idzo nhema dzoga.

20 Hama unosipomera

Iyo hama yako

Makuhwa uchiitira

Nomwana wamai.

21 Wakaita zvinhu izvi

Ndikangonyarara

Newe ukafunga kuti

Ndafanana newe.

Asi ndichakuraira

Ndichirongedzera

Zvinhu izvozvi pameso

Napameso ako.

22 Funga chinhu ichi imwi

Vokumukangamwa

Ndigosakubvamburai

Pasino murwiri.

119 Pisarema 105

15 Musavagunzva vazodzwa

Navasanangurwa

Musatongova chinyira

Vo varanda vangu.

16 Wakavadanira nzara

Ivepo panyika

Nomudonzvowo wechingwa

Wakazouvhuna.

17 Mberi kwavo vakatuma

Iyeyo murume

Josefa wakatengeswa

Akava muranda.

18 Tsoka dzake vakasunga

Zvisungo zvesimbi

Nemitsipa vakasunga

Naiwo matare.

19 Kusvikira zvaitika

Sezvaakareva

Zvakaratidzwa pachena

Kuti ichokwadi.

20 Ye mambo weEgipita

Wamusunungura

Wendudzi dzose mutongi

Akamuregedza.

21 Wakamuita mubati

Wayo nyika yose

Nomutongi wavo wose

Vagere imomo

22 Kuti ave murairi

Ave mudzidzisi

Wamachinda navakuru

Njere agovapa.

23 Egipita wakasvika

Iye Sraeri

NaJakobo wakagara

Ari mutorwamo.

24 Vanhu vake wavawanza

Simba akavapa

Kuti vapfuure ava

Vadzivisi vavo.

25 Mwoyo yavo vashandura

Kuti vagovenga

Vanhu vake vanyengere

Vo varanda vake.

26 Wakatumavo Mosesi

Yemuranda wake

NaAroni wakagara

Akasanangurwa.

27 Basa guru vakaita

Nokuratidzira

Zvishamiso zvakakura

MomuEgipita.

28 Mwari wakatuma rima

Mo muEgipita

Asi voveEgipita

Vakaramba kunzwa.

29 Washandura mvura yavo

Ikaita ropa

Nehove dziri munzizi

Akadziuraya.

30 Ikazara nyika yavo

Zara namatacha

Nedzimba dzamadzimambo

Zara namatatya.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!