01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

70 Pisarema 67-68

17 Ndakachemavo kwamuri

Nomuromo wangu

Ndakarumbidza zvikuru

Norurimi rwangu.

18 Kana ndikarangarira

Izvo zvakaipa

Imomo mumoyo mangu

Ishe haandinzwi.

19 Asi zvirokwazvo Mwari

Iye wakatonzwa

Wakateerera inzwi

Rokuchema kwangu.

Iye Mwari ngaavongwe

Usina kuramba

Kuchema kana kubvisa

Idzo tsitsi dzake.

Pisarema 67. S.M.

Kumutungamiriri wokuimba. PaNeginoth.

Pisarema kanarwiyo.

1 Mwari nga’ve netsitsi

Atiropafadze

Avhenekere nechiso

Chake isu tose.

2 Kuti nzira yake

Izikanwe pasi

Nago ruponeso rwake

Pamarudzi ose.

3 Vakuvongei vanhu

Mwari vakuvongei

Marudzi afarisise

Sezvinofanira.

4 Vakuvongei vanhu

Mwari vakuvongei

Marudzi ose enyika

Arumbidze Imwi.

5 Vakuvongei vanhu

Varumbidze Imwi

Munopa nyika michero

Sezvinofanira.

6 Mwari Mwari wedu

Motiropafadza

Nemigumovo yenyika

Yomutyai Imwi.

Pisarema 68. C.M.

Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema

kanarwiyo rwaDhavhidhi.

1 Iye Mwari asimuke

Ngavaparadzirwe

Vanomuvenga vatize

Po pamberi pake.

2 Kunge vutsi Muvadzinge

Nyauke senamo

Vakaipa ngavapere

Pamberi paMwari.

3 Asi vovakarurama

Ngavafare kwazvo

Ipo pamberi paMwari

Ngavafare kwazvo.

4 Imbirai Iye Mwari

Muchimurumbidza

Imbirai zita rake

Muchimurumbidza.

Mugadzirire mugwagwa

Iwo wakanaka

Unofambavo nengoro

Imo mumarenje.

5 Ndivo baba venherera

Naiye mutongi

Wemhaka dzechirikadzi

NdiMwari mutsvene.

103 Pisarema 90

2 Makomo asati avapo

Nyika nevhu naro

Musati mambozvisika

Manga muri Mwari.

3 Kubva pasi nokutanga

Nokusingaperi

Makagara muri Mwari

Nokusingaperi.

4 Munhu munomuparadza

Nokumudzosera

Zve kwaakabva kwekare

Dzokai imwi vanhu.

5 Namakore anechuru

Zvinongofanana

Nezuva zvazopfuura

Nezuva razuro.

6 Munokukura semvura

Zvoita sehope

Mangwanani vanomera

Sovuswa vunyoro.

7 Nokuti tinongopedzwa

Nokutsamwa kwenyu

Tinotambudzika nadzo

Idzo hasha dzenyu.

8 Zvivi zvedu makaisa

Iko mberi kwenyu

Izvo zvakanaka zvedu

Pachiedza chenyu.

9 Nokuti mazuva edu

Makatitsamwira

Makore edu opera

Kunge sorungano.

10 Mazuva makore edu

Makumi manomwe

Asi kana tinesimba

Makumi masere.

Asi nyangwe achikudzwa

Kutambura chete

Gare gare anoenda

Nesu tinoenda.

11 Ndiyaniko unoziva

Simba rokutsamwa

Naidzovo hasha dzenyu

Kuti mugotyiwa.

12 Tidzidzise kuverenga

Wo mazuva edu

Tigozviwanira moyo

Wo wakachenjera.

13 Dzokai imwi Jehovha

Kusvikira rini

Muzvidembe pamusoro

Pavaranda venyu.

14 Tigutsei mangwanani

Nadzo ngoni dzenyu

Tifare tifarisise

Mazuvadu ose.

15 Tifadzei kuenzana

Zvatakatambura

Namakore takavona

Zvakaipa zvoga.

16 Zvamaita zvivonekwe

Navaranda venyu

Naiko kubwinya kwenyu

Popavana vavo.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!