Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Create successful ePaper yourself
Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.
120 Pisarema 106

31 Wakazoraira nhunzi

Dzikazara pose

Neinda dzikasvikawo

Mo munyika yose.

32 Watuma chimvuramabwe

Nemheni panyika

Pachinhambwe chayo mvura

Wakavapa mheni.

33 Mizambiringa mivonde

Wakaiparadza

Nemiti yenyika yavo

Wakaivhunavo.

34 Wakati achiraira

Dzikasvika mhashu

Dzakawandisisa kwazvo

Dzisingaverengwi.

35 Mirivo dzakaipedza

Yomunyika yavo

Nemichero yomunyika

Dzakaiparadza.

36 Wakavuraya matangwe

MomuEgipita

Vokutanga vomunyika

Nyika yavo yose.

37 Wavabudisa 'Gipita

Vane simba kwazvo

Ndarama nesirivheri

Vakanga vanazvo.

38 VeEgipita vaitya

Vakafara kwazvo

Kuvona vachibudiswa

Vakafara kwazvo.

39 Wakatatamura gore

Chive chifukidzo

Nomwoto uvhenekere

Nguva dzousiku.

40 Vakati vachikumbira

Wavapa zvihuta

Nechingwa chobva kudenga

Wakavagutisa.

41 Padombo wakazarura

Mvura'ka dzutuka

Ikayerera murenje

Kuita sorwizi.

42 Nokuti warangarira

Zvivimbiso zvake

Zvaaitira muranda

Wake 'Brahama

43 Nomufaro wabudisa

Vovasanangurwa

Vake vachiimba chose

Nokufara kwazvo.

44 Wakazovapa dzo nyika

Dzo dzavahedheni

Vakazvitorera minda

Yabatwa nevamwe.

45 Kuti vagozochengeta

Zvo zvaakatema

Mirairo vaterere

Rumbidza Jehovha.

Pisarema 106. C.M.

1 Rumbidza Iye Jehovha

Kuti wakanaka

Rudo rwake runogara

Nokusingaperi.

53 Pisarema 50

14 Vakatarirwa Sheori

Saiwo makwai

Rufu ndirwo ruchazova

Iyeyu mufudzi.

Muguva vakaradzikwa

Kunge samakwai

Nairwovo rufu rwavo

Ruchazovamedza.

Ipapo vakarurama

Vachazovatonga

Guva richazoparadza

Vokunaka kwavo.

15 Mwari uchadzikunura

Iwo mweya wangu

Pane simba romuguva

Andidzikunure.

16 Iwe usazotya hako

Mumwe achifuma

Kana fuma yemba yake

Ichingowedzerwa.

17 Nokuti kana ozofa

Haangazvitori

Nomukurumbira wake

Haumuteveri.

18 Kunyanguva paupenyu

Wazviropafadza

Vanhu vachikurumbidza

Pane zvakanaka.

19 Kuna madzibaba ake

Iye uchaenda

Havangavoni chiedza

Nokusingaperi.

20 Iye munhu unokudzwa

Asina nenjere

Wakafanana nemhuka

Dzinongopfuvura.

Pisarema 50. C.M.

Pisarema raAsafa.

1 Mwari Iye Mwari wedu

Wakadana nyika

Kubva zuva richibuda

Kusvika madeko.

2 Iye Mwari wakapenya

Ari paZioni

Rakanaka-naka kwazvo

Irori Zioni.

3 Mwari wedu unovuya

Haanganyarari

Iye moto noparadza

Saro dutu guru.

4 Unodanavo kudenga

Kumusoro-soro

Kuti agotonga vanhu

Vake pano pasi.

5 Vunganidzai vatsvene

Ivavo kwandiri

Vakatoita sungano

Nazvo zvibairo.

6 Kudenga kunodudzira

Kururama kwake

Kuti Iye Mwari ndiye

Mutongi amene.

7 Inzwa imi vanhu vangu

Ndichangotaura

Ndichikupupurirai

Ndini Mwari wenyu.