01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

114 Pisarema 103

24 Ndati rega kundibvisa

Asati asvika

Jehovha mazuva angu

Asati asvika.

Makore enyu Jehovha

Anosvika iko

Kumarudzi namarudzi

Anosvika iko.

25 Makateya nyika kare

Naro denga rose

Ndiro basa renyu rose

Ramavoko enyu.

26 Izvo zvichazoparara

Imwi munogara

Zvose zvichazoparara

Imwi munogara.

Senguvo zvichaparara

Muchazvishandura

Kuita sechisimiro

Zvichazoshanduka.

27 Asi mwi hamushanduki

Hamuna mugumo

Makore enyu osewa

Haana mugumo.

28 Vana vavaranda venyu

Navo vana vavo

Vachagara vasimbiswe

Po pamberi penyu.

Pisarema 103. C.M.

Pisarema raDhavhidhi.

1 Rumbidza Iye Jehovha

Iwe mweya wangu

Nezvose zviri mandiri

Ngazvimurumbidze.

2 Rumbidza Iye Jehovha

Iwe Mweya wangu

Uregokanganwa zvose

Zvaakuitira.

3 Zvakaipa zvako zvose

Wozviregerera

Pazvirwere zvako zvose

Unokuporesa.

4 Vupenyu wadzikunura

Pakuparadziwa

Unokudzika korona

Yengoni netsitsi.

5 Mweya wake wogutiswa

Nezvakarurama

Kuti avandudze vutsva

Hwako sohwegondo.

6 Zvakarurama woita

Nokururamisa

Achivaitira vose

Vanomanikidzwa.

7 Nzira dzake wazivisa

Kunaye Mosisi

Navose vaIsraeri

Zvaakamboita.

8 Unetsitsi yeJehovha

Unenyasha zhinji

Hakurumidzi kutsamwa

Unengoni zhinji.

9 Haangarambi achirwa

Iye Mwari wedu

Haarambi akatsamwa

Nokusingaperi.

59 Pisarema 56

14 Taisimbosirangana

Zvakanakisisa

Taifamba mumba make

Navanhu vazhinji.

15 Dai rufu rwavawira

Vasingafungiri

Vaburukire kuguva

Vachiri vapenyu.

Kuti kushata kuripo

Pavugaro hwavo

Imomo mukati mavo

Pavugaro hwavo.

16 Asi kana ndiri ini

Ndichadana Mwari

Mwari uchandiponesa

Ndichadana Mwari.

17 Madekwana mangwanani

Nawo masikati

Ndichadana ndichichema

Iye uchandinzwa.

18 Wakadzikunura mweya

Wangu norugare

Kukasazova nomumwe

Wakandibatsira.

Wakaswedera kwandiri

Hakuna nomumwe

Nokuti vairwa neni

Vaive vazhinji.

19 Mwari uchavapindura

Wakanga aripo

Nokuti havashanduki

Havambotyi Mwari.

20 Watambanudza ruvoko

Kunavo rugare

Sungano akashovora

Yo sungano yake.

21 Mashoko muromo wake

Tedza samafuta

Asi kurwa kwaivapo

Kwaiva pamoyo.

Mashoko ake manyoro

Kukunda mafuta

Kunyange zvadaro hazvo

Yaiva minondo.

22 Kandira mutoro wako

Kunaye Jehovha

Haatendi varurami

Vambozungunuswa.

23 Muchavaisa kugomba

Ro rokuparadzwa

Ivo vanongokarira

Kutevura ropa.

24 Naivo vanonyengera

Havangambogari

Asi ini ndichavimba

Iyemi Jehovha.

Pisarema 56. C.M.

Kumutungamiriri wokuimba. PaJonatielemi-rekokimi.

Michtam yaDhavhidhi.

Panguva yaakabatwa navaFiristia paGati.

1 Mwari ndinzwirei tsitsi

Voda kundimedza

Voswera vachirwa neni

Nokumanikidza.

2 Vavengi vangu vanoda

Kuti vandimedze

Vanozvikudza vachirwa

Neni vakawanda.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!