01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

96 Pisarema 85-86

Pisarema 85. C.M.

Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema

kuvanakomana vaKora.

1 Jehovha makafarisa

Iyo nyika yenyu

Makadzosa zveJakobo

Pakutapwa kwake.

2 Makangamwira kutadza

kwavo vanhu venyu

Makafukidzavo zvivi

Zvivi zvavo zvose.

3 Kutsamwa kwenyu mabvisa

Nadzo hasha dzenyu

Napahasha dzakanyanya

Imwi mazvidzora.

4 Tidzosei imwi Mwari

Muponesi wedu

Mugumise hasha dzenyu

Dzakananga isu.

5 Mucharamba makatsamwa

Nokusingaperi

Mosvitsa kutsamwa here

Kumarudzi ose.

6 Hamungatiraramisi

Isu vanhu venyu

Kuti tigofara nemwi

Isu vanhu venyu.

7 Tiratidze ngoni dzenyu

Iyemwi Jehovha

Mugotipa ruponeso

Ruponeso rwenyu.

8 Imwi muchazotaura

Rugare kuvanhu

Nokuvatsvene varege

Varege vupenzi.

9 Zvirokwazvo kuponeswa

Kwake kuri pedo

Navo vanhu vanomutya

Vari mukuhwinya.

10 Ngoni naiyo chokwadi

Zvakazosangana

Kururama norugare

Zvakazosvetana.

11 Zvokwadi yomera pasi

Mwari waTarisa

Arikumusoro soro

Watarisa pasi.

12 Jehovha uchapa vanhu

Zvinhu zvakanaka

Nyika igozobereka

Zvibereko zvayo.

13 Kururama kuchatunga

Mirira dzo tsoka

Kuchagadzirira tsoka

Tsoka dzake nzira.

Pisarema 86. C.M.

Munyengetero waDhavhidhi.

1 Rerekai nzeve dzenyu

Kuti mugondinzwa

Nokuti ndiri murombo

Nounoshaiwa.

2 Mweya wangu chengetai

Zvandiri mutsvene

Ponesa muranda wenyu

Ndinovimba nemi.

3 Ishe ngoni ndinzwirei

Kwamuri ndodana

Kuti kwamuri ndochema

Wo mazuva ose.

77 Pisarema 71

11 Vachiti ndakasiiwa

Naye Mwari wake

Teverai mumubate

Haana murwiri.

12 Mwari rega kuva kure

Kuzondibatsira

Kurumidza Mwari wangu

Kuzondibatsira.

13 Vodzivisa Mweya wangu

Ngavanyadziswevo

Kundikuvadza votsvaka

Ngavashovorwevo.

14 Asi ini ndicharamba

Ndichingotarira

Ndichasiwedzera chose

Kukurumbidzai.

15 Muromo wangu chareva

Poneso kunaka

Kwenyu zvandisingazivi

Kokuwanda kwazvo.

16 Ndichavuya namabasa

AyeShe Jehovha

Ndiparidze kururama

Iko kwenyu koga.

17 Mwari makandidzidzisa

Kubva pavujaya

Zvino ndadudzira basa

Renyu roshamisa.

18 Kusvika ndazokwegura

Rega kundisiya

Ndadudzira simba renyu

Rudzi runovuya.

19 Kururama kwenyu Mwari

Kurikumusoro

Maita zvose ndiani

Wofanana nemwi.

20 Mandiratidza dambudzo

Zhinji rakaipa

Mutikwidzezve tibvepa

Kudzika kwapasi.

21 Dondidzoserai vozve

Bgo vukuru bgangu

Mugozodzoka kwandiri

Kuzondinyaradza.

22 Ndichasikurumbidzai

Nemitengeramwa

Naiyo zvokwadi yenyu

Imwi Mwari wangu.

Ndichakuimbira nziyo

Dzokumurumbidza

Nembira imwi mutsvene

WaSiraeri mwi.

23 Ichasifara miromo

Ndichikurumbidza

Naiwovo mweya wangu

Wamadzikunura.

24 Nokuti rurimi rwangu

Iro zuva rose

Irwo rwuchasitaura

Kururama kwenyu

Nokuti vanositsvaka

Kuzondikuvadza

Ivo vakatonyadziswa

Vuye vakazvidzwa.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!