01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

66 Pisarema 63

Kana fuma ichiwanda

Musanamatira

Naiyovo moyo yenyu

Isanamatira.

11 Mwari wakadotaura

Iko kamwe chete

Ndakazvinzwavo kaviri

Simba nderaMwari.

12 Nadzo tsitsivo ndedzenyu

Munomuitira

Munhu mumwe nomumwevo

Sezvaakabata

Pisarema 63. C.M.

Pisarema raDhavhidhi, panguva yokugara

kwake parenje raJuda.

1 Mwari muri Mwari wangu

Ndinokutsvakai

Mweya wangu unenyota

Ndinokushuvai.

Po panyika yakawoma

Inonzwisa nyota

Isina kana nemvura

Inonzwisa nyota.

2 Ndakatarira kwamuri

Panzvimbo tsvene po

Ndivone rosimba renyu

Nokubwinya kwenyu.

3 Nokuti vunyoro hwenyu

Hwokunda vupenyu

Naiyo miromo yangu

Ichakurumbidza.

4 Ipapo ndichakuvonga

Ndichiri mupenyu

Ndichasimudza mavoko

Naro zita renyu.

5 Mweya wangu uchaguta

Nezvinenge mongo

Muromo’chakurumbidza

Ndichifara kwazvo.

6 Ndichikurangarirai

Ndiripo panhovo

Ndichikufunga panguva

Idzo dzovusiku.

7 Nokuti makanga muri

Mubatsiri wangu

Pamapapiro enyupo

Ndichafara kwazvo.

8 Mweya unonamatira

Naro simba rose

Ruvoko rwenyu rworudyi

Runonditsigira.

9 Vanotsvaka kuparadza

Iwo mweya wangu

Vachapindavo panzvimbo

Dzapasi dzenyika.

10 Vachaiswavo pasimba

Simba romunondo

Vachazovavo mugove

Iwo wamakava.

11 Asi mambo uchafara

Iko kuna Mwari

Vose vanopika naYe

Vachafara kwazvo.

Nokuti muromo wavo

Vanoreva nhema

Uchadzivirwa muromo

Vanoreva nhema.

107 Pisarema 95

11 Iye Jehovha noziva

Kufunga kwavanhu

Iye unoziva kuti

Hazvinamaturo.

12 Wakaropafadzwa munhu

Unorangwa nemwi

Iye wamunodzidzisa

Mirairo yenyu.

13 Kuti mugomuzorodza

Pakutambudzika

Kusvikira vakaipa

Vachererwa gomba.

14 Nokuti iye Jehovha

Hangarashi vana

Vuye haangazosiyi

Iyo nhaka yake.

15 Nokuti iko kutonga

Kucharuramazve

Vane moyo karurama

Vachakutevera.

16 Ndiani uchandirwira

Panavakaipa

Andibatsire pavari

Vanezvakaipa.

17 Dai iye-mwi Jehovha

Musandibatsira

Mweya wangu ungadai

Wakangonyarara.

18 Pandakati tsoka dzangu

Dzinotedzemuka

Ipapo imwi Jehovha

Makandibatsira.

19 Mundangarirovo zhinji

Mo mukati mangu

Kunyaradza kunofadza

Iwo mweya wangu.

20 Ko chigaro chakaipa

Chinganzwana nemwi?

Chinofunga zvakaipa

Nemitemo yazvo.

21 Vanovunganira mweya

Wo wakarurama

Vachiripa mhosva ropa

Risina nemhosva.

22 Asi iyeyu Jehovha

Ndiye nhare yangu

Mwari wangu ndiye dombo

Vutiziro hwangu.

23 Uchadzosera kutadza

Pamusoro pavo

Mwari uchavaparadza

Pakuipa kwavo.

Pisarema 95. C.M.

1 Vuyai timuimbire

Tipururudzire

Dombo rago ruponeso

Ruponeso rwedu

2 Tisvike pamberi pake

Tichingomuvonga

Ngatimupururudzire

NamaPisarema

3 Kuti Jehovha ndiMwari

Ndimambo mukuru

Mukuru nokupfuvura

Vana mwari vose.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!