Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants
Create successful ePaper yourself
Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.
8 Pisarema 8-9

16 Izvo zvakashata zvake

Zvichamudzokera

Nokumanikidza kwake

Kuchamudzokera.

17 Ndichamuvonga Jehovha

Kururama kwake

Ndichariimbira zita

Rowokumusoro.

Pisarema 8. C.M.

Kumutungamiriri wokuimba. NeGittith.

Pisarema raDhavhidhi.

1 Zita renyu rakanaka

She Jehovha wedu

Mukudenga makaisa

Hwo vumambo hwenyu.

2 Pamiromo yavacheche

Makaisa simba

Nokuda kwavadzivisi

Muveng’ anyaradzwe.

3 Ndichicherekedza denga

Basa renyu rose

Mwedzi nenyeredzi idzo

Dzamakarongedza.

4 Munhu wanga ari chinyi

Kuti mumufunge

Navo vanak’mana vake

Zvamavashanyira.

5 Zvishomane kuvatumwa

Mamudukupisa

Mamushongedza korona

Kudzo nokuhwinya.

6 Makamubatisa vushe

Hwamabasa enyu

Napasi petsoka dzake

Makaisa zvose.

7 Makwai ose nenzombe

Hongu nazvo zvose

Naidzo mhuka dzesango

Zviri pasi pake.

8 Naidzo Shiri dzedenga

Nehove dzegungwa

Nazvo zvose zvinofamba

Nenzira dzegungwa.

9 Jehovha Imi She wedu

Rakaisvo naka

Zita renyu rakanaka

Pano pasi pose.

Pisarema 9. C.M.

Kumutungamiriri wokuimba. NeMutrabeni.

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndichamuvonga Jehovha

Nomoyo wang’ose

Ndichaparidza mabasa

Anozoshamisa.

2 Ndichakufarira Imwi

Imwi wokum’soro

Ndichakuimbira nziyo

Dzokumurumbidza.

3 Kana vavengi vanguvo

Vodzokera shure

Vogumburwa nokupera

Po pamberi penyu.

4 Makandiruramisira

Iyo mhosva yangu

Makagara pachigaro

Muchiruramisa.

5 Makatuka vahedheni

Navo vakaipa

Makadzima zita ravo

Nokusingaperi.

165 Pisarema 145

10 Munorwira madzimambo

Naiye Davhidhi

Paminondo nokuvadza

Ye muranda wenyu.

11 Ndisunungure ndirwire

Pamavoko avo

Vatorwa vanotaura

Zvisina maturo.

Ruvoko rwavo rworudyi

Ndirworwo ruvoko

Ruvoko rwavo rworudyi

Ruvoko rwenhema.

12 Vo vanakomana vedu

Vachava semiti

Iyo yakakura kwazvo

Po pavutsva hwayo.

Navanasikana vedu

Samabwe ekona

Sezvivezwa zvinovezwa

Paimba yamambo.

13 Matura edu iwawo

Iwo achazara

Nazvo zviyo zvamarudzi

Iwo achazara.

Namakwai chabereka

Vana vanezvuru

Nazvo zvuru zvinegumi

Pamafuro edu.

14 Nzombe dzichava nesimba

Takura zvizhinji

Hatingaputsirwi svingo

Kana kuzorwiswa.

Hakungazovi nemhere

Iyo inoridzwa

Ipo panzira dzomusha

Dzomumusha wedu.

Vanofara vanhu avo

Voitirwa izvo

Vanofara vanhu avo

Vana YeJehovha.

Pisarema 145. C.M.

Pisarema raDhavhidhi rokurumbidza.

1 Ndichakukudzai kwazvo

Imi Mwari wangu

Ndirumbidze zita renyu

Nokusingaperi.

2 Ndichakurumbidza Imwi

Mazuva 'ngu ose

Ndichakudza zita renyu

Nokusingaperi.

3 Nofanira kurumbidzwa

Jehovha mukuru

Nokuti vukuru hwake

Haungambonzverwi.

4 Rudzi rumwe charumbidza

Basa kunorumwe

Vachadudzira zvaitwa

Izvo zvine simba.

5 Ini ndichafungisisa

Hwo umambo hwenyu

Hwunokudzwa namabasa

Anozoshamisa.

6 Vanhu vachazotaura

Vachireva simba

Neni ndichasidudzira

Wo vukuru hwenyu.