01.07.2013 Views

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

Mapisarema aDhavhidhi - Bible Consultants

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

4 Pisarema 3-4

9 Muchavaputsa nesvimbo

Svimbo yemhangura

Movapwanyavo sehari

Hari yomuvumbi.

10 Naizvozvo chenjerai

Imi madzimambo

Monyeverwa imi mose

Vatongi venyika.

11 Mushumirei nokutya

Shumira Jehovha

Mufare muchidedera

Shumira Jehovha.

12 Sveta mwanak’mana wake

Agorego tsamwa

Mumusvete mwana wake

Mugosaparara.

13 Nokuti dzo hasha dzake

Dzingamuka zvino

Vakakomborerwa vose

Vanovimba naye.

Pisarema 3. C.M.

Pisarema raDhavhidhi panguva yokutiza

kwake Absaromi mwanakomana wake.

1 Ishe vakawanda sei

Vadzivisi vangu

Vazhinji-zhinji seiko

Vanondimukira.

2 Vazhinji vavo vanoti

Ko kumweya wangu

Haawani ruponeso

Ko kuna Jehovha.

3 Asi Iyemi Jehovha

Muri nhovo yangu

Kudzo naye musimudzi

Womusoro wangu.

4 Ndinodana YeJehovha

Naro inzwi rangu

Unondipindura ari

Po pagomo dzvene.

5 Ndakavata hangu pasi

Hope dzikabata

Ndikamuka nokutiYe

Unonditsigira.

6 Handingatongotyi vanhu

Zvuru zvamazana

Vakangondikomberedza

Kuti varwe neni.

7 Simukai Mi Jehovha

Imwi Mwari wangu

Mugozondiponesa ni

Imi Mwari wangu.

Makarova vovavengi

Po pashaya dzavo

Makavhuna iwo meno

Avo vakaipa.

8 Ruponeso rworunobva

Kunaye Jehovha

Komborero yenyu ive

Po pavanhu venyu.

Pisarema 4. C.M.

Kumutungamiriri wokuimba. NeNeginoth.

Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndinzweivo kaJehovha

Kana ndichidana

Mi Mwari wokururama

Mugondipindura.

Pakumanikidzwa kwangu

Makasindifadza

Ndinzwirei tsitsi munzwe

Mukumbiro wangu.

169 Pisarema 148-149

Pisarema 148. C.M.

1 Rumbidza Iye Jehovha

Mi muri kudenga

Murumbidzei panzvimbo

Dzo dzokumusoro.

2 Mumurumbidzei Imwi

Mwi vatumwa vake

Mumurumbidzei Imwi

Imwi hondo dzake.

3 Mumurumbidzei imwi

Mwi zuva nomwedzi

Nemwivo nyeredzi dzose

Dzinovhenekera.

4 Mumurumbidzei imwi

Ko kudenga-denga

Nemwi mose mvura zhinji

Ko kudenga-denga.

5 Ngadzirirumbidze zita

Zita raJehovha

Nokuti wakaraira

Izvo zvikasikwa.

6 Iye wakazvisimbisa

Nokusingaperi

Akatemavo chirevo

Chisingadarikwi.

7 Rumbidza Iye Jehovha

Iyemwi vapasi

Imwi zvikara zvegungwa

Zviri makadzika.

8 Moto nechimvuramabwe

Nechando novutsi

Dutu guru rinoita

Zvo zvaakareva.

9 Makomo nazvo zvikomo

Miti nobereka

Nayo misidhari yose

Miti nobereka.

10 Mhuka nezvipfuwo zvose

Zvinokambaira

Nadzo shiri dzokudenga

Dzinobhururuka.

11 Mwi madzimambo apasi

Nemwi ndudzi dzose

Machinda nemwi vatongi

Vatongi vapasi.

12 Mwi majaya nemhandara

Nemwivo vatana

Nemwi vana mose mose

Nemwivo vatana.

13 Ngavarirumbidze zita

Zita raJehovha

Kuti iro zita rake

Zita rake roga.

Zita rakakurumbira

Zita raJehovha

Nokuti vumambo hwuri

Kudenga napasi.

14 Wakasimudza runyanga

RwavaIsraeri

Ivavo vatsvene vake

Varipedo naye.

Pisarema 149. C.M.

1 Muimbire rumbo rutsva

Imbira Jehovha

Kurumbidzwa pavungano

Yavatsvene vake.

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!