Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership
Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership
Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership
You also want an ePaper? Increase the reach of your titles
YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.
Zvinotungamirira Mukusarudza Zvido: Bhuku Rekushandisa Kudzidzisa Madzimai

Utungamiri

Mibunzo Yenhaurirano

• Ndezvipi zviitiko zvakarunzira Mairead Corrigan Maguire naBetty

Williams kuti vatsvage kupedza kunetsana kwaive kuchamhembe

kweIreland?

• Ndedzipi nzira dzavakashandisa mushungu dzavo dzekupedza

kunetsana uku? Sei vakasarudza nzira idzi?

• Ndeupi unhu hwaunoona mumhando yeutungamiriri yakataridzwa

naMaguire naWilliams? Unofunga sei kuti kuva vakadzi

kwakavabatsira kana kuvadzivisa?

• Ndezvipi zvinangwa zvainge zvakafanana pakati pemakatorike

nemaPurotesitendi ekuchamhembe kweIreland? Kushandirapamwe

kwakabatsirei pakugona kwavo kubudirira pazvinangwa izvi?

• Ndezvipi zvitendwa zvakakurudzira Maguire kuti apfuurire

mukutsvaga kwake runyararo kuchamhembe kweIreland uye nepasi

rese akatarisana nezvinhu zvaitaridzika kusakundika?

• Ko kuva nechinangwa chimwe kunogona here kupedza kusiyana kuri

pavanhu? Sei uchibvuma kana kuramba?

• Wakamboshanda, purojekiti nemunhu kana vanhu vawainge une

zvakawanda zvamaisiyana? Kana zvirizvo, wakaita sei kuti upfuure

kana kunyenyeredza misiyano iyi?

• Unosarudza kuziva nekutenda here misiyano pakati pako nevamwe

kana unongoita seisipo kana kunyarara nekuda kwemisiyano iyi? Sei

uchodaro kana kusadaro?

• Ko mazwi ekuti kusiyana-siyana na “kutaurirana”.Anorevei kwauri?

Basa Reboka: Kugamuchira Zvido Zvakasiyana-Siyana

Tendera nguva ingangoita awa pachiitwa ichi

• Pamwechete tsvagai chirongwa chamungada kuita seboka.

• Itai nhaurirano mugosvika pakubvumirana kuita “nharaunda

yevanhu” (semuenzaniso, nharaunda yevanhu vakadzidzira mabasa,

kana nhengo dzinobva kutsika nemagariro akasiyana-siyana,

venazera nerudzi (mukadzi/murume) zvakasiyana.) ine nhengo

dzemusangano dzisina pakawanda pavanombosangana kana dzine

pakafanana pashoma-shoma.

70