07.06.2013 Views

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Kana Wasvika

CHIRONGWA CHEMUSANGANO WEKUTANGA

Kurumidza kusvika pachirongwa chekutanga kuti uve nenguva yekuve

nechokwadi kuti kamuri yakarongedzerwa nenzira yaunoda. Ona kuti

mune chiedza chakakwana here, kudziya ne/kana mhepo yakanaka. Ona

kuti zvigaro zvakarongwa zvinokufadza here. Nyange zvazvo

zvisingamanikidzirwi, kugara tiri mudenderedzwa kazhinji ndiyo nzira

yakanakisisa yekuronga nhaurirano yemusangano. Urongwa

hwedenderedzwa hunotendera munhu wese mukana wakaenzanirana

wekuona vamwe wese veboka nemukana wakanakisa wekuonekwa

nekunzwikwa nevamwe.

Kana Vatori Vechikamu Vasvika

Kana vatori vechikamu vatanga kusvika ita kuti vanzwe kugamuchirwa.

Izvi zvakanyanyokosha kana vatori vechikamu vasingatozivani

nechakare. Kana vagara vasingazivani, iva nechokwadi kuti wazvizivisa

kwavari ugotsanangura kuti ndiwe anoronga wekishopu. Kana paine

twudyiwa, ita kuti vazvibatsire kana vachida uye wochitsvaga chigaro

pedyo nemumwewo uye ngavazvizivise kwauri.

Kuzvizivisa: Kana munhu wese asvika, kazhinji chinhu chakanaka

kufamba-famba mukati meboka rese kuti munhu azvizivise zviri

pamutemo. Kana vanotora chikamu vagara vachizivana, ungogona

kuvakumbira nepaduku kuti vatsanangure chikonzero chavo chekuuya

kana zvavanotarisira pawekishopu. Unofanira kutorawo mukana

muzviitwa zvekutanga izvi. Chikonzero chekuita izvi kubatsira nhengo

dzeboka kuti vazivane uye kuti vasununguke kutaura.

Zvimwe Zvaungada

- Zvinyoreso (bhiro kana penzura) - zvinwiwa nezvekudya

- choko - zvekunamirisa

- mapepa - zvishoma

- mapepa okunyora mirairo - firipi chati

- bepa hombe rekunyorera - zvekudya pamunenge mazorora

- chiringazuva chihombe - mamaka anonyora zvakasiyana

- makapu, ndiro nemicheka - siyana yekupukutira

Zvitsanangurwa: Chirongwa chokutanga, tanga nekutsanangura

nepaduku varipo kuti chii chichazotaurwa nekudzidzwa panguva

yemusangano, memamiriro akaita chirongwa choga-choga (tarisa

27

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!