07.06.2013 Views

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Appendikisi C

Kuterera Uchitora Chikamu

Vanhu vazhinji vanofunga kuti kuterera chinhu chinongouya chega –

chatinoita ziva nezuva – uye mukufunga, nenjere ichi ichokwadi. Asi

vatereri vakanaka, sezvingori vatungamiri vakanaka, ndeavo vanodzidza

kubva pane zvavanonzwa. Kuti unyatsonzwa zviri kufarirwa nemumwe

munhu unofanira kugona kutsveta zwawagara uchitofungira, nekutonga

zvinogona kuzomira “seruzha rwagara ruripo, runokanganisa kana

kunyudza izvo munhu ari kuedza kutaura. Pamusoro pazvo mutereri

akanaka anoda kuti akurudzire kutaurirana kuburikidza nekutarisa zviri

kutaurwa nekupa chiratidzo chekuti uri kutevera pfungwa dzemutauri

kuburikidza nekutaura kana kugutsurira. Pazasi pane pfungwa

dzekukubatsira pakuterera nekutora chikamu munhaurirano. Dziedze

kumba kana kubasa kuti uone kuti ndedzipi nzira dzinonyanya

kukushandira iwe.

Kuterera

Bvisa zvekufungira: Kubvisa zvekufungira kunoremekedza mutauri.

Kunotendera pfungwa dzake kuti dziuye kwauri dzisina kudzivirirwa

nekugara wafunga kwako kana kuvenga. Kuita izvozvo zvinotaridza

kuvimba mukunzwisisa kwako iwe nekugona kwako kuongorora umboo

nekunaka kwahwo pachahwo. Vanhu vanonyanyotya kubvisa

zvekufungira vanowanza kushaya vimbo nepavakamira pane

zvavanotenda.

Pinda mumamiriro ezviri kurehwa nemutauri :Kukubatsira

kunzwisisa mafungiro emumwe, edza kufunga mamiriro ezviri kutaurwa

nemutauri. Zvibvunze, kuti chii chaakasangana nacho chakamusvitsa

pakutendeseka uku? Ndezvipi zvakamboitika zvine maonero ezvaari

kutaura? Edza kufunga kufunga kuti waizonzwa sei kana kuti

waizofunga chii dai wakasangana nezvakadaro.

Nyatsoterera: Kuterera kunogona kutaridzika sechinhu chiri pachena

chekuterera, asi chinogona kuva chakaomesesa kugona kuita.

Zvichitevera pfungwa dzemutauri kana urongwa hwepfungwa zvinogona

kunetsa, kunyanya kana mutauri achidzokorora, kana achishandisa

mashoko akaoma kana chidobi chisinganyanyozikanwa chekutaura.

Kuterera kunogona kunetsa kana mutauri achishandisa mutauro

unotaridza chinhanho chedzidzo chepamusoro chakasiyana

nechevadzidzi kana kuti aine chinono pakuumba pfungwa dzake

151

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!