07.06.2013 Views

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

Zvinotungamirira Mukusarudza Zvido: Bhuku Rekushandisa Kudzidzisa Madzimai

Utungamiri

Mutereri akakwana, semutungamiri ndeanodzidza kubva kune

zvaanonzwa.

Kuunza kubvumirana: Kuva nekubvimirana urongwa hwakakosha

hwekusarudza hunoshandiswa nevatungamiri vakabudirira kuburikidza

nenhaurirano, vanhu vanowanikwa muzvikwata, kana masangano

makuru vanozosvika pakunzwisisa pane izvo zvinogona kusarudzwa

kana kuitwa. Kana paita kusiyana kwepfungwa hapana zvinoitwa neboka

rese. Nyangwe pane dzimwe nguva kuvaka tenderano kuchigona

kushatirisa uye kuchitora nguva, kunosvitsa pasarudzo dzinenge

dzabvumiranwa dzinogona kutsigirwa nekutevera nemunhu wese.

Kuunza Zano rine kunzwanana: Zvikwata zvidiki nemapoka

mahombe anogona kubatsikana kana pakava nepfungwa inobvumiranwa.

Kuburikidza nenhaurirano, kuvaka tenderano, nekubvimirana,

panozogadzirika chikwata chezvinotendwa nemitemo yakavepo nekuti

munhu wese akatora mukana pakuti ivepo, saka munhu wese ane

mugove. Kubvumirana nzira inotoreka uye inoshandurika yekuisa

zvinangwa inorunzirwa nevanhu veboka nekufamba kwenguva. Kana

boka raunza kunzwana, nhengo yega-yega inoshanda mukati meurongwa

umo ane chakewo uye aine chekuita.

Kuumba kudyidzana pakudzidza: Zvinobuda pakudyidzana

zvinotaridza mafungiro nezviitwa zvevanotora chikamu. Sangano rine

vanhu vanoita zvavatumwa nekugona uye nekukurumidza hakusiri

kudyidzana pakudzidza kana vanotora chikamu vasingabvunzi

chakakoshera zvavari kuita, vasingaongororiwo kugona kwairo

kuwedzera kana kugovana zvidzidzo zvavanenge vadzidza. Kuvaka

kudyidzana pakudzidza inzira inotarisa zvemukati mekudzidza pamwechete

zvinozobudirisa sangano. Kunosanganisira kuzviziva,

nekufungisisa sedungamunhu, pamwe chete nekuzviziva uye kufungisisa

seboka kwedungamunhu iri kuita zvido nezviitwa zvekudyidzana.

Naizvozvo kudyidzana ndeuko apo kugarisana kwavatori vechikamu

kunozosvitsa pakufungisa, kuongorora neruzivo runogonesa kana

kukurumidzisa kusvika pazvinangwa zvekudyidzana. Udydzani

pakudzidza hunounza mamiriro ezvinhu pabasa anogona kusanduka,

kutorwa kwechikamu nekubudirira kwepamusoro apo munhu wese

anowana ruzivo apo anenge achidzidza kuwedzera kugona kwavo

nekwekudyidzana. 9

9 For a fuller discussion, see Peter M Senge, Art Kleiner, Charlotterichard B. and Bryan J. Smith, The Fifth Discipline

Fieldbook.Strategiesand Tools for building a learning organisation, New York: Currency Doubeday, 1994

22

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!