Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership
Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership
Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership
Create successful ePaper yourself
Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.
Chirongwa Chegumi Neimwe:

Tinogovana Sei Zvekuita Uye Zvibereko Zvacho?

Zvinangwa zvechirongwa

• Kuongorora kuti tingaumbe sei tsika yekugovana masimba nekutora

chikamu chakowo uri mukati mesangano nepakati pemasangano

anoshandirapanwe.

• Kuita nhaurirano dzemarongero angaita kuti zvipo nekuziva

kwavadyidzani kunyatsoshanda pamubatanidzwa wedanidziro.

• Kushanda sechikwata kuumba sangano rinosanganisa zvese

zvakanaka zvatariswa muwekishopu yose.

Zvingaitwa Pakubatsira kudzidzisa

Verenga neizwi riri pamusoro nyaya inotevera pamusoro pekuti

masangano akati kuti akatsigirana sei kuti apasise mutemo unorambidza

kushandisa chisimba mumba munyika yeMalaysia (Domestic Violence

Act) Tauriranai mukati meboka marongero esangano ekufambisa

zvavaiita uye nekugoverana zvekuita. Mibvunzo inozotevera inogona

kubatsira kutungamirira nhaurirano yeboka. Mushure memibvunzo kune

chiitwa chakaitwa nenzira yekubatsira vatori vechikamu kuti vafunge

pamusoro pesangano, chivakwa, kana danidziro yekufunga kwavo

inokwanisa kuenderana nenzira yemarongerwo emusangano avakaona

mumisangano yese. Muchirongwa chegumi nembiri vatori vemikana

vanozowana mukana wekugovana neboka rese masangono avo

ekungofunga nemusoro.

Nzira dzekufambisa chirongwa ichi dzinosanganisa kuita nhaurirano

neboka rese kana kupatsanura vatori vechikamu kuvaisa muzvikwata

zvidiki (Ona Appendikisi B kuti uwane dzimwewo pfunga)

111