07.06.2013 Views

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Zvinotungamirira Mukusarudza Zvido: Bhuku Rekushandisa Kudzidzisa Madzimai

Utungamiri

mhando yevanhu uko varume nevakadzi vanotarisana, kwete sezvinhu

zvekushandisa mune zvinoitka munharaunda apo mumwe anorayira,

mumwe oterera asi sevanhu chaizvo vanotaurirana. Tinotarisa

kuutungamiri muvanhu vari kudzidza senzira yekurera vanhu chaizvo

vanobatsirana kuti vagone kurarama uye kuti kurarama kureve chinhu.

Asi kuti tisvike pakuva vanhu vanodzida, tinofanira kutangira patiri.

Kuvazhinji vedu shoko rekuti utungamiri rinomutsa masimba,

kushingirira, nesimba rinoshandiswa kuzadzisa chinangwa chakakosha.

Munhu mutungamiri kana achikwanisa kuti vanhu vaite zvaanoraira.

Netsanangudzo iyi vanhu vari muutungamiri vari pari nane kuti

vatungamire. Zvakadaro hazvo, aya haasiwo mamire azvakaita nguva

dzese. Tinozviziva kubva pane zvatakaona kuti vanhu vazhinji vari

panzvimbo zvatinogona kuona asi tichinzwa kuti vatungamiri nekuti

vanorunzira nzvimbo dzavari. Saka Utungamiri chinhu chinogara chiri

mumunhu here? Ndechimwe chinhu here chine vamwe vanhu uye

vamwe vanhu vasina?

Zvisiri utungamiri

Imwe nzira yekutaura pamusoro peutungamiri kutaura zvahusiri.

Ngatitange nezvatinoziva tese. Vazhinji vedu tingabvuma kuti

utungamiri hazvina kufanana nekugona kushandisa simba kana

kumanikira. Zvinogona kumanikidza vanhu kuita zvatinoda kuti vaite

kubirikidza nekuvavhundutsira tichiti tinozovashaisa zvimwe zvinhu

kana kuvarwadzisa. Baba vanovimbisa mwanakomana nekuti

mwanakomana akundikana pane chimwe chidzidzo chake kana kuti

arega kuita basa rake remumba. Tinogona kufunga kuti maitiro emhando

iyi kushatirwa zvinhu zvaisafanira kuitika dai utungamiri hwainge

hwaita basa rahwo. Baba semuenzaniso, zvichida vaisafanira kurwadzisa

mwanakomana wavo kana mukuru pabasa, mumwe wake, dai

kutaurirana kwakakwana kwakaitwa kuti vanhu vanyatsonzwanana.

Muenzaniso iyi inotiudza utungamiri hazvina kufanana memvumo pane

zvekutonga, semvumo yemubereki kumwana kana mune zvechinyakare,

sekuti mvumo yemukuru panzvimbo inotongwa neurongwa hweukuru.

Baba vanogona kutaurira mwanakomana zvine simba kuita chimwe

chinhu uye mwanakomana anogona kuchiita nekuti anofunga kuti baba

vane kodzero yokuita izvozvo. Mushandi kazhinji anoita zvaanenge

audzwa kuti neaitemukuru wake kana zvaanzi aite zvichiwira pasi

nemvumo yekutaura izvozvo. Izvi ndizvo zvatinoreva kazhinji kana

tichiti munhu ashandisa mvumo yake zviri pamutemo. Mvumo iri

pamutemo yakanakira kuti inoita kuti kushandisa zvechisimba zvishaye

basa, asi yakasiyanawo neutungamiri.

12

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!