07.06.2013 Views

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Zvinotungamirira Mukusarudza Zvido: Bhuku Rekushandisa Kudzidzisa Madzimai

Utungamiri

• Nhepfenyuro yakaita basa ripi pakuunganidza rutsigiro rwemutemo

wekudzivirira kudzvanyirirwa nokushungurudzwa kwevanhukadzi

mudzimba?

• Ko nhepfenyuro munharaunda menyu dzinoonga sei nyaya

dzekodzero dzevanhukadzi? Ndedzipi dzimwe nzira dzinowanikwa

munharaunda dzamungashandise kuti muwane kutariswa nekutsigira

nenhepfenyuro pdanidziro dzenyu dzinobatsira vakadzi pane

zvematongerwo, zvemitemo, kana zveupfumi?

• Pane kufanana here pakati pekuti mubatanidzwa wemasangano

ungagovana sei basa rekuita uye kuti vanhu vari musangano rimwe

vangagovana sei zvekuita?

• Ungagone kufunga here imwe nguva apo kuumba mubatanidzwa

kwakabatsira kusimudzira nokufambisira mberi zvinangwa? Nyora

zvazvakanakira nezvazvakaipira.

• Ndezvipi zvinhu zvinofanira kusimbiswa pachinhanho chemunhu

pachezvake nechesangano pakuumba mubatanidzwa upi zvawo

ungabudirira?

• Ungashandise nzira dzipi kupima kubudirira kwazvo.

Basa Rokuita: Kuvaka sangano rinodzidza (Chikamu chokutanga)

Bvumira awa rimwe chete nemaminitsi gumi namashanu pabasa iri

1. Ita kuti boka ripatsanurane kuva zvikwata zvevanhu vatatu kana vana

kuti vatsvage nyaya ine chekuita nevanhu (panzvimbo, munyika,

kana pasi rese) ingadiwe kutariswa nenhengo dzese dzeboka. Nyaya

yacho inogona kuve yakakura sekuti kupedza nzara kana kumiririra

kodzero dzavanhukadzi, kana kuti inogona kunyatsotarisa chinhu

chine chekuita nenzvimbo kana nenguva, sekuti kucheresa dhamhu

riri pedyo kana kusandura urefu hwezuva revana vechikoro.

2. Kana pangova nenyaya inobata vazhinji, nhengo dzechikwata

dzinofanira kuita nhaurirano kuti vangaumba sei sangano, chivakwa,

kana danidziro yekutarisa nyaya iyi, uye kuti vari kuitirei sarudzo

yavari kuita. Pakari penyaya dzinofanira kutariswa mukuitwa

kwesangano pane zvinotevera:

• Zita

• Chinyorwa chetariro dzevadzidzi

• Zvinangwa

114

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!