07.06.2013 Views

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

Final- Shona Version Edited - Women's Learning Partnership

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

Zvinotungamirira Mukusarudza Zvido: Bhuku Rekushandisa Kudzidzisa Madzimai

Utungamiri

Utungamiri muvanhu vemunharaunda vari kudzidza

Utungamiri inzira yekurunzira; inyaya yokufamba rwendo.Kufamba

rwendo, munhu anoda kuve aine kwaakananga nechinangwa

cheramangwana. Saka utungamiri huri pakuva nechinangwa. Chinangwa

hakusi kungova netarisiro. Chinosanganisira mufanidzo wezvachanakira,

zvakanasisa zvacho, pfungwa yekuti basa ratinoita rinozoratidzika sei

kana taripedza. Utungamiri hunogona kushaya chinangwa. Hunofanira

kuva nekwahunoenda, hukasadaro hahusi utungamiri. Asi tingazviita sei

kuva nechinangwa, kuva negwara, kuzivisa chinangwa nekuchiita,

nekuona nzira yatingashandisa kuti tione kana tiri kubudirira? Nzira

yacho inofanira here kutevera zviya zveurongwa kubva zasi tichikwira.

Sezvo tichitanga kubva kumagiriro edu ajairira zveukuru, tinoda kuti

titaure pamusoro pepfungwa dzepamusoro dzinogona kutibatsira kuti

tiite shanduko pautungamiri muvanhu vemunharaunda vari kudzidza.

Kuronga Vanhu Venharaunda Vari Kudzidza

Sezvo utungamiriri chaihwo huri pakupa nekutora, kupedzisira kwazvo

kunenge kusina kugadzikana kusvikira nharaunda yevanhu vane

chinangwa yavepo. Kupedzisira nenzira yashandiswa zvinogarosanduka

uye hapana mhedziso inokosha kana kuyera kusvika pakubvumira nzira

dzese dzese. Izvi hazvireve kuti vanotora mukana havabatiri zvakasimba

kumafungiro avo kana kusafunga zviri pamusoro pedzimwe mhedziso;

asi vanoona nyaya yacho nemamwe maonero akanyatsosiyana kwazvo

kubva kune zveurongwa hweukuru. Marongerwo eutungamiri

munharaunda dzavanhu vari kudzidza anogona kuva nezvinhu

zvinotevera:

Urongwa hunogona kusanduka: Urongwa hwekudzidza hunosanduka

uye hunosanduka apo kudzidza kunoendera mberi. Utungamiri

hunoonekwa seurongwa nekutaurirana – urongwa huchiva kudzidza uye

kudzidza kuchiva urongwa. Kudzidza, muurongwa hwakadai

hakungosiri kusanduka kwepfungwa nemaitiro, asiwo kugaroita

shanduko dikidiki dzeukama pakati penhengo dzesangano. Munharaunda

dzevanhu vari kudzidza, urongwa haasiri mahofisi akawanda

akabatanidzwa nevakuru ane mvumo, asi kuti kurarama, nekufarisana

kusakarongeka pakati pevanhu chaivo.

Kugoverwa kwesimba zvine urongwa: Kuti tigone kuti urongwa

hufanane nekudzidza uye kuti kudzidza kufanane neurongwa,

zvakakosha kuti simba ripiwe vanhu vakawanda zvine urongwa. Kubvisa

vanhu vakuru-vakuri vemvumo hazvirevi kusarongeka. Zvinongoreva

kuti urongwa hunovepo nekusanganisa vanhu vane mafungiro., maonero

14

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!