05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

Chidzidzo 13

dza raipenya rakatenderedza musoro wake. Tese takashama tikamira

muchinyararire chekutya.

“Nguva yakanga yasvika yokuti nditore nhano dzangu nhatu mberi

ndichitambira mutungamiri, asi ndakatadza kufamba. Ndakaziva kuti

ndikatora nhano nhatu idzodzo, aibva aona pakarepo kukonona nekutya

kwaive mumwoyo mangu kwakanga kuchinditambudza. Munhu

wese akamirira, ini ndakamira ipapo ndisingaite chinhu.

“Pekupedzisira takanzwa mutungamiri wemishoni . . . achiti, ‘Sista

Valkama, hamusi manga muine chimwe chinhu chekutaura kwatiri?’

Ndakazvimanikidza kutora nhano nhatu diki-diki. Misodzi yakaerera

nechiso changu. ...

“Ndakaedza kutaura. Ndakangaidzika uye nekunyara, ndakamira

ipapo ndikachema chinyararire. Zvino ndakazonzwa izwi

reMutungamiri McKay.

“ ‘Uya pano, mwana wangu.’

Ndakaenda kwaari akaisa maoko angu ese mune ake akaabata apo

ndaipa kwaziso yangu. Ndaiona ganda rake raiva seruvara rwendarama

nechiedza chinodziya mumaziso ake. Manzwiro erunyararo

ruzere akayerera kubva mumaoko ake kuuya mandiri. Ndakanzwa

sekuti zvainge zvakakosha kuti iye andibatsire sezvainge zvaitika kwandiri

kupa nhauro yangu. Kakunzwa runyararo rwakazara zvakaerera

kubva mumaoko ake kuneni. Kutya kwangu kwekuti aizonditonga,

kwandakanga ndanzwa kanguva kakanga kapfuura, kwakabva

mandiri nzvimbo yako yakanga yatorwa nemanzwiro erudo anesimba.

Ndakaziva kuti akanga ari muporofita waMwari akanga auya kwete

kuzotitonga asi kuzotida” (“When the Sun Broke Through,” Ensign,

Nyamavhuvhu 1976, p. 37).

Kunyange vamwe vedu vasingazowana mukana wekuona muporofita,

sezvakaita Sista Petersen, tinokwanisa tese kudzidza, kunamata, nekutsvaga

kuwana uchapupu hwechigaro chemuporofita wedu. Kuwana

uchapupu hwakadai kunokwanisa kuitika nenzira dzakasiyana.

Mumwe nemumwe wedu anofanira kuwana uchapupu hwemuporofita

ari kurarama.

■ Kumbira nhengo dzekirasi dzakaona muporofita kana vakawana

uchapupu hwake kuti vagoverane nekirasi chiitiko chavo.

Tinofanira kunamatira muporofita muminamato yedu pachedu neyemhuri.

Tinofanira kudzidzisa vana vedu kutenda nemuporofita nekumunamatira

sezvino ratidzwa munyaya ino: “Imwe mhuri yakapfugama

mumunamato mushure mekunzwa nhau dzekufa

kweMutunga-miri Joseph Fielding Smith. Baba vakataura kutenda

kwekuvepo munguva yekuparidza kwemuporofita mukuru iyeyo.

110

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!