05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 6

Mutungamiri Joseph F. Smith vakataura mateerero akaita amai vavo,

Mary Fielding Smith, murairo walshe wekubhadhara chegumi chechokwadi,

zvakaunza makomborero kumhuri yavo:

“Ndinonyatsoyeuka chimwe chinhu chakaitika mumazuva eudiki hwangu.

Amai vangu vakanga vari chirikadzi, nemhuri yakakura yekuriritira.

Imwe nguva yekupfumvura patakazarura makomba edu ematapiri,

vakaita kuti vakomana vavo vatutire mutoro wematapiri

akanakisisa vakaenda nawo kohofisi yechegumi; matapiri akanga arimashoma

mwaka iwoyo. Ndakanga ndiri kakomana kadiki panguwa

iyoyo, uye ndakatyaira chipani. Pataka svika pamasitepisi ehofisi

yechegumi, tagadzirira kuburutsa matapiri, mumwe wanamabharani

akauya kunze akati kuna amai vangu, ‘Chirikadzi Smith, zvinonyadza,

kuti munofanira kubhadhara chegumi. . . . Akashora amai vangu pakubhadhara

chegumi chavo, akavaita munhu asina kuchenjera kana kusafunga;

uye akati kune vamwe vakanga vakasimba vachikwanisa kushanda

vairiritirwa kubva kuhofisi yechegumi. Amai vangu

vakamupindura vakati. . . . Unofanira kuzvinyarira. Ungada here

kundishaisa makomborero? Ndinobhadhara chegumi changu kwete

chete nokuti murairo waMwari, asi nokuti ndinotarisira chikomborero

nekuzviita. Nekuchengeta uyu nemimwe mirairo, ndinotarisira

kupfuma, nekukwanisa kuriritira mhuri yangu.’ . . . . Vakapfuma nokuti

vakateerera mirairo yaMwari. Vakanga vaine zvakawanda zvekuchengeta

mhuri yavo. Takanga tisingashaye zvakanyanya sezvaiita vamwe

vazhinji. ... Shirikadzi yakakodzereswa kupundutso dzeimba

yaMwari. Hapana chisungo chevhangeri chavairambirwa, nokuti vakanga

vachiteerera kumirairo yaMwari” (Gospel Doctrine, bhuku rechishanu,

[1939], pp. 228–29).

■ Ndeapi makomborero akagashirwa naSista Smith? Ndechipi chikomborero

chakataurwa neMutungamiri Smith pavakati, “Shirikadzi

iyoyo yakakodzereswa kupundutso dzeimba yaMwari?”

Muenzaniso waSista Smith wakakonzera chii pamwanakomana

wavo mudiki?

Zvakakosha kuyeuka kuti “Ishe vanochengeta vimbiso dzavo.

Zvechokwadi. ... Vano dururira makomborero avo pamusoro peavo

vakatendeka vanoteerera mirairo yavo. ... Makomborero aya anogona

kuuya nenzira yemari kana nzira yezvinopfuura kana kuti anogona

kuonekwa nekudururuka kwezvemweya, kuunza simba, runyararo,

kana nyaradzo. . . Vimbiso dzalshe dzinozochengetwa” (Henry D.

Taylor, mu Confenence Report, Kubvumbi 1974, p. 158; kana Ensign,

Chivabvu 1974, p. 108).

47

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!