05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 25

3. Chengetera zvekudya muzvitsapo kana mumagaba. Magaba akanyanya

kunaka anodzivirira guruva kusvika kune zvekudya uye

anoita kuti zvinetse kana kuti zvisabvira kuti tumbuyu kana tupuka

tudye zvokudya zvacho.

4. Ndedzipi nzvimbo mumba mako dzinotonhorera uye dzinerima

kana kuti dzine mumvuri? Ungadzivirira zvekudya kubva kuunyoro

hwakawandisa sei? Ungadzivirira zvekudya kubva kuguruva

netupuka sei?

Kuchengeta Mvura

Mvura inofanira kuchengetwa kuitira apo panenge paitika dambudziko.

Tanga nemvura yakachena isina utachiona. Chengetera mvura

muzvigubu zvepurasitiki zvinemivharo inovhara zvakasimba.

Kunyangwe mvura inochengetwa nemutoo uyu ichifanira kugara

yakanaka nokusingaperi, kazhinji chinhu chakanaka kushandisa

mvura yakachengetwa uye mozadza zvakare zvigubu nemvura itsva

mushure memwedzi mishoma yega yega. Kana usina chokwadi kana

mvura yacho isina njodzi kushandiswa mushure mekuchengetwa,

unokwanisa kuuraya utachiona nokufashaidza kwemaminitsi gumi.

Kana kuti unogana kuisa jiki shoma shoma mumwero wemadonhwe

maviri ejiki kurita rimwechete remvura kana hafu yetiisipunu yejiki

kumagaroni mashanu emvura. (Onai Relief Society Courses of Study,

1973–74, p. 102.)

Kuchengeta Zvokupfeka

Zvingangova zvinobatsira kuchengeta zvimwe zvokupfeka parutivi

kuchengeta zvekupfeka kwakakosha kumhuri dzine vana varikukura

uye vanochivirika, nokuti mbatya dzavainadzo iyezvino hadzizovakwani

pashure. Mbatya dzenhengo dzose dzemhuri dzinokwanisawo

kubvaruka. Dzimwe mbatya dzinofanira kuchengetwa uko kune

mamiriro ekunze anochinja zvikuru kubva kumwaka mumwechete

kuenda kune mumwe.

Dzimwe mhuri, kunyanya idzo dzine vana varikukura, dzingangochenjera

chuchengeta mbatya dzinenge dzisisakwane mumwe mwana

kuitira kuti anotevera agopfeka. Mbatya dzevana nedzevakuru dzinenge

dzisisakwane dzinogona kusonwa zvakare kuita mbatya dzenhengo

diki dzemumhuri. Kuchengeta micheka yekusonesa mbatya itsva

kunokwanisa kubatsirawo. Tsono, shinda, uye zvimwe zvinhu zvekusonesa

zvinofanira kuva chikamu chechirogwa chega chega chekuchengeta

zvokudya nezvokushandisa pamba kuitira kuti mbatya dzinenge

dzabvaruka dzikwanise kusonwa.

■ Ndedzipi mbatya dzinobatsira kwauri kuti uchengete, uchirangarira

mamiriro ezvinhu zvako pachako?

238

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!