05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 21

Munyika dzakawanda vanhu vanochengetawo mhuka nehuku kubatsira

kupa zvokudya zvavanoda. Vanokwanisa kuchengeta madhadha,

huku, mbudzi, mombe, nguruve, tsuro, kana hove. Mhuka dzinotipa

zvokudya kubva mumapoka enyama nomukaka.

Kurima, kuchengetedza, nokukohwa bindu, pamwepo nokuchengeta

mhuka, kunoda kuronga. Somuenzanisa, kufunga kwekuchengetera

mhuka, zvadzichazodya, uye kuti ndiani achazodzifidha rudzi rwekuronga

runotibatsira kuva nekudya kunovaka kwemhuri dzedu.

Nyatsoitai urongwa hwemari (Bhajeti)

Rumwe rudzi rwekuronga runokwanisa kutibatsira kuva nekudya

kunovaka nderwe kuronga mashandisiro atichaita mari yedu pazvinhu

zvisiri zvokudya. Apo tinonyatsofunga pamusoro pekuti tichashandisa

mari yatinayo sei, tinokwanisa kufunga kuti zvingava zvakachenjera

kutenga zvokudya zvinovaka miviri yedu pane kushandisa

mari pazvinhu zvinodhura zvamafaro. Tinokwanisawo kuona kuti

zviri nani kushandisa mari yedu kutenga zvokudya zvakasiyana

siyana kubva mumapoka ezvokudya makuru pane kutenga tunonaka

tusingavaki miviri.

Magumo

Tinotambira pundutso dzakawanda muhukama hwemhuri nemuhutano

kana tichidya nguva nenguva kudya kwakarongwa mazuvo ose.

Kudya kwedu kunonyanya kuvaka miviri kana kuine zvokudya zvakasiyana

siyana kubva mumapoka ezvokudya makuru. Munhu wega

wega anofaira kudya huwandu hwakakwana kubva muboka rega-rega

mazuva ose. Kuti tive nekudya kunokwanisa kutibatsira kuva vatano

uye kunokwanisa kubatsira vana vedu kukura zvakanaka, tinofanira

kugadzirira nokuronga zvokudya zvatinotenga kana kurima.

Zvokuita

Vhiki ino ronga kudya kunovaka kwemhuri yako. Iva nechokwadi

kuti kudya kwega kwega kune zvokudya zvakasiyana siyana kubva

mumapoka makuru. Ronga nzira dzokuti mhuri yako irambe ichiwana

marudzi kwawo akasiyana siyana uye huwandu hwakakwana

hwezvokudya zvavanoda kuitira hutano hwakanaka. Ita izvi nokusanoronga,

nokurima bindu pazvinobvira, uye nokuomesa kana kufusha

nekuchengeta zvokudya zvinenge zvakawanda. Ongorora nzira

dzaunoshandisa mari yako uye, pazvinobvira, natsa nzira idzi dzokushandisa

mari kuitira kuti uve nemari yakawanda yezvokudya zvakafanira.

190

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!