05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

Chidzidzo 23

■ Tinokwanisa kuchengetera pai midziyo ine njodzi iyi kudzivirira

kuti njodzi dzisaitika? Ndedzipi shanduro dzatingaita munzira dzatinoshandisa

midziyo ine njodzi isu pachedu kana vana vedu?

Mamiriro eZvinhu ane Njodzi

Mamiriro ezvinhu anokwanisa kupedzisira nenjodzi anosiyana kubva

munzvimbo nemunzvimbo, uye kunyangwe kubva mumba nemumba

Zvisinei, mamwe mamiriro akafanana kwese kwese uye anokwanisa

kushandurwa kudzivirira njodzi.

Makuvaro mazhinji anoitika apo vanhu pavanokwira pamusoro pechinhu

chisina kutsiga vachiedza kunanavira kunzvimbo dziri pamusorosoro

mumba kana muchivanze mavo. Kudzivirira kukuvara kwakadaro,

nyatsosarudzai chinhu chokukwira chakatsiga uye chakasimba,

kana kuti itai, kuti mumwe munhu abate akatsigira chinhu chacho.

Apo tinotora nguva kuita izvi, kazhinji tinokwanisa kudzivirira

kukuvara kukuru.

Makuvaro anokwanisika kuitikawo apo patinotsvedza pachinhu chinenge

chadeurirwa pasi chikasapukutwa. Zvirinyorewo kuputsika

nokuda kwechinhu chakaita setoyi inenge yasiwa paisingafaniri kunge

iri. Dzimwe mhuri dzinoona zvichibatsira kutevera murairo wekugaroisa

zvinhu munzvimbo dzazvo pakarepo pazvinenge zvisisiri kushandiswa.

Izvi zvinoderedza zvikuru mukana wekuti munhu aputsike

pachinhu chaanga asingafugire kuti chiripo.

■ Ndeapi mamiriro ezvinhu angokonzera kuputsika?

■ Ndezvipi zvinhu zvingaitwa kudzivirira njodzi?

Dzivirirai kusiya vana vasina akavatarisa panzvimbo pavanokwanisa

kupiswa nemvura inopisa kana pane njodzi yekunyura mumvura

(kusanganisira mabhavhu nemuzvimbuzi). Dzivirirai kubvumidza

vana kutamba nezvinhu zvinoshandisa magetsi, apo panenge paine

njodzi yekugwinhwa kana kupiswa. Shandisai zvokuvharisa pamaburi

ese amagetsi anenge asiri kushandiswa. Isai magedhe anodzivirira

vana pamusoro pemasitepisi mumotokari. Vana ngavasungwe nemabhande

epazvigaro kana vachinge vari mumotokari. Chengetai mapurusitiki,

tambo, uye zvimwe zvinhu zvidiki zviri kusingasvikirwe

nevana.

Njodzi dzemumba kazhinji dzinoitika kunzvimbo inobikirwa. Mune

dzimwe dzimba umo munobikirwa pamoto wehuni unenge uri pasi

kana kuti uri pedyo nepasi, vana vadiki kazhinji vanotsva nokuswedera

pedyo zvakanyanya nemoto. Zvingava zvisina njodzi kukwidza

choto nemafiti mashoma kubva pasi, kudzivirira vana kubva mukukambaira

vachienda pedyo nemoto uye nokudzivirira guruva netsvina,

zvinosimudzwa netsoka dzedu, kuti zvisapinda mune zvokudya.

205

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!