05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 24

munyu kubatsira kukurumidza kubuda kwechepfu inenge yasaririra

kubva mumuviri wemunhu.

Dzimwe Chepfu

Njodzi dzinogona kuvapowo mune dzimwe nzvimbo kubva muzvirimwa,

mhuka dzomugungwa, hove, nyoka, uye tupukanaana, izvo zvinenge

zvineuturu. Vashandi veutano vemunzvimbo menyu vanokwanisa

kukudzidzisai rudzi rwerubatsiro rwekutanga mukurapa

runodikanwa pachepfu idzi.

Kurapa Munhu Anenge Arohwa nehana (isiri yamagetsi)

Kurohwa nehana chinhu chinoitika kakawanda kumuviri panokuvara

munhu kana panovhunduka munhu nokuda kwedambudziko guru

uye kazhinji inoitika kubva mukukuvara kukuru uye dzimwe nguva

kubva mumatambudziko makuru eutano kana matambudziko makuru

epfungwa. Kurohwa nehana kunogona kuitika panguva yokukuvara

kana yedambudziko repfungwa, kana pashure penguva yapfuura.

Panguva yekurohwa nehana kufema kwemunhu nekupomba ropa

kwetsinga dzake zvinogona kuderera zvakakwana kukonzera rufu.

Nguva dzose fungidzira kuti kurohwa nehana kuripo panguva yokukuvara

kwemunhu. Kana ukarapira munhu kurohwa nehana, unokwanisa

kuidzivirira kubva mukuitika.

Zviratidzo zveKurohwa nehana

Munhu arohwa nehana kazhinji muviri wake unoshanduka zvakawanda.

Ganda rinokwanisa kucheneruka, uye kutonhora. Munhu uyu

anokwanisa kubuda ziya rakawanda zvikuru, kunyanya nechokunze

kwemuromo, pahuma, uye mukati memaoko. Kupomba kweropa

mutsinga kunogona kukurumidzisa uye kunogona kuderera zvokusanzikwa

pachiringoringo (asi kungangokwanisa kunzikwa padivi

pehuro). Kufema kunogona kukurumidza somunhu azarirwa. Kushaya

simba, kupinduka pinduka, kutya, uye nyota zvinhu zvinoitika kakawanda.

Dzimwe nguva munhu wacho anomira moyo uye worutsa.

Sei Tichirapa Kurowa nehana Uye Tinoirapa Panhambo Ipi

Zvakakosha kuita zvese zvatinokwanisa kuderedza kurowa nehana.

Kana munhu arowanehana zvaka simba, anokwanisa kushaya hanya

nezvirikuitika kwaari uye otadza kutaura kana kupindura mibvunzo.

Ganda rinokwanisa kuita madzvanga. Maziso anokwanisa kugoti

dzvutu uye mboni dzinokura. Kana muviri wake ukapindwa nechando

paanenge akasheuka anokwanisa kufa.

Kurapa kurowa nehana kunofanira kuitwa mushure mekunge kufema

nokushanda kwemoyo kwaitwa kuti kuvepo zvakare uye ropa rinenge

richibuda zvikuru ramiswa.

221

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!