05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

24-g, Musafambisa munhu akuvara kana a kuvara Musoro

kana kuti mutsipa musafambisa musoro wake.

Chidzidzo 24

nunguka) kuitira kudzivirira pfupa kubva mukukuvara kwakawedzerwa

uye kuderedza kurwadziwa. Rumwe rudzi rwekutsigira runosanganisira

kuisa donje kana chimwe chakanyorova kudaro pamutezo

wakuvara zvino kwava kuubhandejera pamutezo wemuviri usina

kukuvara. Semuenzaniso, gumbo ratyoka rinokwanisa kubhandejerwa

panerimwe gumbo, kana kuti ruoko rwatyoka runokwanisa kubhandejerwa

pachipfuva.

Mabhodhi, mapuranga, zvitanda, magumbeze akapetwa petwa,

kana kadhibhodi zvinokwanisa kushandiswawo sezvitsigiro.

Chitsigiro chinofanira kureba zvakafanira kudzivirira pfupa kubva

mukufamba famba kana rasungirirwa kuchitsigiro. Putira chitsigiro

nemicheka kana nembatya. Shandisa mabhande, matayi, hangachefu,

kana micheka yakatsemurwa kusungirira chitsigiro panzvimbo.

Chisungirire zvakasimba zvokuti chinochengeta mapfupa kubva

kumativi ese atyoka asingafambi fambi, asi zvisina kusimba zvokuti

kufamba kweropa kunoderedzwa.

Kana zvichibvira, isa chimwe chinhu chinotonhora panzvimbo yakuvara

kuderedza kuzvimba. Kusumudza mutezo wakuvara kuti uve

pamusoro pomoyo kunokwanisawo kuderedza kuzvimba.

229

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!