05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 22

muviri, kupa mwana wavo. Mukaka wemugaba dzimwe nguva unodhura

uye unoda kuchengetwa zvakanyatsonaka kuti muve nechokwadi

kuti wakachena uye hauna njodzi kumwana. Vana vacheche

kazhinji vanoda zvokunwa zvakapamhidzira, kunyanya kana kucihipisa

uye kwakaoma. Vanokwanisa kupuwa mvura yakachena yakavidzwa

kuuraya utachiona mubotoro rakachena rine nyatso isina utachiona.

Vana vacheche kazhinji vanonwa zvakawanda zvavanoda vobva

voregera kunwa. Sezvo vana vanofidhwa nemukaka wamai vavo

kazhinji vasingadi kunwa kubva mubhotoro, pamwe havazonwi zvimwe

zvokunwa pamusoro zvavanofanira kuwana kubva mubhotoro,

kuvapa mvura yakachena isina utachiona netiisipunu kungava kunodikanwa.

Zvirinani kusatapirisa Mvura nesuga kana chimwe chinu

chakadaro kana vachibvuma kunwa mvura yacho yakadaro. Vana

vacheche vanofanira kudzvoveswa nguva nenguva pamunovafidha

kudzivirira kuti vasaunganidza mhepo mudumbu, kurutsa zvekudya

zvavadya, kana kurwadziwa nomudumbu. Munokwanisa kudzvovesa

vana vazhinji nokuvaisa pamapendekete enju nokurova rova zvinyoro

nyoro nokupukuta pukuta misana yavo.

Utsanana

Utsanana hwakakosha kuvana vacheche, nokuti havasati vavakugona

kukunda zvirwere. Kana zvichibvira, vana vacheche vanofanira kugezeswa

mazuva ose. Geza kumeso, musoro, uye huro pokutanga, wozogeza

maoko nemakumbo. Nzvimbo dzinopetana mumakumbo nemumaoko

dzinofanira kunyatsogezwa. Pedzisa kugeza mwana

nokumugeza pakati pamakumbo. Kunywange vana vacheche cheche

vanokwanisa kugezwa, asi kuchejerera kunofanira kuitwa kuvachengeta

vakadzivirirwa kubva kumhepo nechando. Mune mimwe

mwaka izvi zvingareva kugeza nokupukuta chikamu chimwechete

chemuviri wemwana usati wageza chikamu chinotevera. Zvingava zvinobatsira

kuchengeta mwana akaputirwa mumucheka wakaoma apo

paunenge uchimugeza nenzira iyi.

Apo mwana paanopfeka manapukeni, zvakakosha kumuchengeta akachena

nokuchinja napukeni apo pese parinenge ranyorova kana kuti

raitirwa tsvina. Nzvimbo yepakati pemakumbo emwana inofanira

kugara ichinyatsopukutwa usati wapfekedza mwana napukeni rakachena.

Kuwacha manapukeni zvakanyatsonaka nesipo, kuasukurudza

mumvura yakachena nokuaomesa muzuva kunobatsira kuderedza

upundu.

Dziviriro kubva kunjodzi

Vana vacheche vanoda nzvimbo yakanaka isina njodzi yokurara, zvezvakaita

kotibhedhi kana rimwe bhedi rinezvinodzivirira kuti mwana

asadonha. Zvine uchenjeri kuisa vana vacheche pasingagedi gedi.

196

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!