05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 35

■ Verenga Mosia 2:19–21. Chinyorwa chitsvene ichi chinotiratidza sei

kupa rutendo rwedu kunaBaba Vokudenga?

MuDzidziso neZvibvumirano 136:28 tinoudzwa, “Rumbidzai Ishe

nekuimba, nemumhanzi, nekudzana, uye nemunamato werumbidzo

nerutendo.” Mimwe minamato yedu inofanira kuva minamato yemufaro

werutendo nerumbidzo. Iyi haifaniri kuva yakatsetseka mumashoko

asi inofanira kuva kutaura rutendo kwechokwadi kwakareruka,

uye kwakanangana nechimwe chinhu nemaropafadzo emazuva ose

atinotambira.

■ Hunhu hunemufaro hunotaridza rutendo rwedu sei kuna Baba

Vokudenga?

Kutaura Rutendo neMatambudziko

Tinofanirawo kutenda nezviyedzo, matambudziko, nenhamo. Dzimwe

nguva zvakaoma kupa rutendo kana tiri mukati mezvinonetsa, asi

kazhinji mamiriro ezvinhu akadaro anobvumidza kukura kwemweya

kunonatsa kuonekwa. Izvi zvinotaridza zvakanyanya kunaka

munyaya yakataurwa naMukuru Marion D. Hanks pamusoro pemukomana

naamai vake, avo vaiziva kukosha kwekutaura rutendo.

“Ndakagara pamusangano wesiteki umo mumishonari akanga adzoka

kubva kumishoni akapa uchapupu hwake. Aiva nenguva pfupi saka

akasarudza kushandisa rimwe zano. Akatenda Mwari kutivakamupa

amai vakanga vakanaka zvikuru, uye vaizvininipisa, ndokubva apa

chikonzero chake. Akati semukomana wekusekondari, akanga aidzwa

zvikuru neurwere uyezvenokufa kwekahanzvadzi kake kadiki ako

aida zvikuru uye aiva mudiwa wemhuri, sezvo akanga ari gotwe. Baba

vavo vakanga vafa. Musikana mudiki uyu akanga arwara, uye kunyangwe

neminamato neropafadzo nekutsanya nokuchengetwa kukuru,

akarwarisa akafa husiku. Mukomana uyu akaenda mumupanda make,

akakiya mukova, akachema zvikurusa ari ega nokuti akanga asingadi

kuzviita kunaMwari avo vaakanga asingakwanisi kusvikira nechokwadi

panguva iyoyo. Mukupanduka nekushatirwa kwake kuna

Mwari, kana aivako, aibvumira chinhu chakadaro kuitika. Uye mukusuwa

kwake kwehwana hudiki asi kwechokwadi, akazviitira zvibvumirano

zvakakomba. Husiku hwese haana kurara, achishushikana

pamusoro pechiitiko chaaitarisira. Yaiva tsika yavo, sezvairi mudzimba

zhinji, asi dzisina kukwana, dzeVatendi vaMazuva Ekupedzisira,

kugwadama magwanani nemanheru nevana vakaungana panaamai,

kutenda Mwari norunako rwemaropafadzo avo.

“Akamirira nguva iyoyo, achiziva zvaaizofanira kutaura, asi achizvitya.

Amai vake pavakati, ‘Uyai, vana,’ akati, ‘kwete.’

“Vakati, ‘Gwadama, mwanakomana.’

333

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!