05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

Chidzidzo 14

Magwaro matsvene anonogedza dhiyabhorosi, kana Satani, semuvengi

kuna Mwari (onai Moroni 7:12) nemuparadzi wemweya yevanhu (onai

Heramani 8:28). Anozivikanwa nemazita mazhinji, mamwe acho anotitaurirawo

zvinangwa zvake: muipi (D&Z 93:37), muparadzi (D&Z

101:54), muedzi (Mateo 4:3), nababa wemanyepo ese (2 Nefi 2:18).

Tinoziva kuti Satani nevateveri vake mweya isina miviri yenyama

nemabonzo uye vanoda kupinda mumiviri yedu yenyama (onai Mateo

8:28–32). Muipi anotsvaga kuita kuti tose tishaye rufaro. Anotibira

madiro edu, otibvisa kubva kuvavariro dzedu dzekusingaperi, otiita

nhapwa nekutiparadza. Satani anoshandisa nhema, unyengeri, nechokwadi

chisina kuzara kutiedza nekuti bata.

Maererano naSatani, Mutungamiri Spencer W. Kimball vakati,

“Anoviga chakaipa kuchiita kuti chitaridzike sechine runako, chinofadza

chirinyore, kunyange chakanaka” (“The Blessings and

Responsibilities of Womanhood,” Ensign, Kurume 1976, p. 70).

Satani anotsvaga kupunza musha nemhuri. Imwe yenzira dzake dzakawanda

kupikisa basa rakapiwa naIshe kuvakadzi. “Satan nevarwi

vake . . . vanokwezva vakadzi kubva kumabasa avo anokosha semadzimai,

vanaamai, nevabati vedzimba” (N. Eldon Tanner, mu

Conference Report, Gumiguru 1973, p. 124; kana Ensign, Ndira 1974,

p. 7).

Mukuedza kwake kunyengedza vakadzi, Satani anotaura zvikonzero

zvingaite kuti zvinhu zvakaipa zviratidzike sezvinobvumirwa.

■ Ita kuti nhengo yekirasi iverenge ichidaidzira chikonzero chekunyengedza

chinotevera chatinonzwa munyika nhasi:

1. Kubvisa pamuviri: “Muviri wangu. Ndinoita zvandinoda nawo.”

2. Hupombwe: “Munhu wese ari kuzviita.”

3. Muchato: “Zvirinani kuziva kuti munowirirana here nekugara mese

musati machata. Zvisinei, zvemuchato ndezvakare.”

4. Kurambana: “Kana zvisingashande, zvirege.”

5. Mishonga Inodhaka: “Inonakidza. Inoita kuti unzwe zvakanaka.”

6. Zvinonyadzisira: “Unofanira kuverenga marudzi akasiyana ezvinhu

kuti uzive zvakawanda.”

7. Basa reVakadzi: “Wakachenjera zvakanyanya kupedza nguva yako

mumba nevana. Unokwanisa kunge uchipa zvinebasa kumwewo.”

8. Kudanana kweverudzi rumwechete murume nemurume kana

mukadzi nemukadzi: “Hatifanire kuvanza manzwiro edu chaiwo.

Tinoda kunzwisisa nekutambira.”

117

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!