05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

Chidzidzo 25

rori anotakura zvinhu, ezvikepe, kana vashandi vezvitima, zvinogona

kutadzisa kutakurwa kwezvokudya. Rumwe rudzi rwematambudziko,

sezvakaita nzara inounzwa nokusanaya kwemvura, zvamupupuri,

matutu emvura, uye kunyangwe hondo, zvakaitika kunyika dzakawanda

uye zvinokwansia kuitika zvakare. Kana matambudziko akadaro

akawira dunhu rose, zvekudya nezvimwe zvekushandisa kazhinji

hazvikwanisi kuwanikwa, kunyangwe kana mari iripo. Mhuri inokwanisawo

kuita dambudziko reurwere kana kupera kwebasa izvo zvinogumisira

nokushaiwa kwemari, zvichiita kuti mhuri ifanire kurarama

nezvekudya zvakachengetwa.

Sista Cherry Lee Davies nemhuri yavo vakawana uchapupu hwekuchengeta

zvekudya pamba nemukuva nedambudziko ivo pachavo.

Baba naamai Davies vakanga vari vatendeuki kuKereke uye vaiziva

nezvekuchengeta zvekudya pamba, asi vakanga vasingarongi kutanga

chirongwa chavo kwenguva. Nekuda kwekuti vaironga kutamira kure

kunotanga musha mutsva, vakaona sechinhu chakapusa nekuzvinetsa

nekuchengeta zvekudya pamba panguva iyoyo. Zvisinei, Mai Davies

kazhinji vaitsanya nokunamatira hutungamiri. Vasingambozvifungire,

vakatanga chirongwa chekuchengeta zvekudya. Nguva dzose dzavaienda

kuchitoro, vaitenga zvekudya zvakawedzerwa kupinda zvavaida.

Mushure menguva diki makabhodhi emumba yekubikira akanga azara

zvekuti vakatanga kuchengetera zvekudya mumba yekurara. Murume

wavopaakabvunza zvavaiita, vakapindura, “Ndinofunga ndiri kuchengeta

zvekudya.” Paakabvunza kuti sei, zvose zvavakakwanisa kupindura

kwaiva kuti “Nokuti ndinofanira kudaro.” Havana kukwanisa

kupa zvimwe zvikonzero kusara kweichocho. Vakati, “Kunamata kwakawanda

kwandaiita pamusoro pazvo kwakandipa chido chikuru chekutenga

zvekudya. Mukatikati mangu maiva nekunzwa kwekugadzikana,

kwepundutso yekuti ndaiteerera.”

Mai Davies vakadzidza nzira dzekubika zvimwe zvekudya zvacho

zvavaichengeta nekuenda kwaidzidziswa nezvekubika, nokuverenga,

uye nekudzidzira kubika zvakasiyana-siyana. Apo pavakanzwa kuti

vanga vavakunyatsobika zvekudya izvi zvakanaka, imwe pfungwa

yakauya kwavari yekutenga zvimwe zvekudya zvakawanda.

Vanotsanangura manzwiro avo: “ ‘Sei?’ ndakabvunza mumunamato,

asi pakanga pasina mhinduro. Ndaingofanira kutenga zvimwe zvakawanda.

Saka ndakadaro, ndakakangaidzwa nokushamiswa, asi ndakateerera.

Ndaiona kuti zvekudya zvose izvi zvaizotora nzvimbo yakakura

murori yataida kuhaya [kuende kumusha wedu mutsva].”

Apo mhuri yekwa Davies payakazotama kuenda kumusha wavo

mutsva, midziyo yavo yose uye mabhokisi anoita gumi nemashanu

kana kuti makumi maviri ezvekudya zvakakwana nepadiki diki

murori yavakanga vahaya. Pavakazobhadhara rori, nokunogara imba

234

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!