05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 17

Chirongwa chekudzidzisa kumba chinotungamirwa neVatungamiri

Vakuru veKereke. Vadzidzisi vekumba vanomirira Ishe, bhishopi kana

mutungamiri webazi, nemutungamiri wechikwata chehufundisi.

Vanobatsira bhishopi kana mutungamiri webazi kuti vagare pedyo

nemunhu ega- ega nemhuri muwadhi. Vanobatsira kuita kuti zvirongwa

zveKereke zviwanikwe nenhengo yega- yega.

Mmishoni wekumba anosarudzwa kubva pakati penhengo

dzeUfundisi hwaMerikzedeki dzakakodzera. Mufambidzano wake

anokwanisa kuve imwe nhenao yeHufundisi hwaMerikzedeki kana

mukomana wezera—reUfundisi hwaAaroni wezera revakomana

veChidiki. Vadzidzisi vekumba vanofanira kushanyira nhengo yegayega

mumba.

■ Ratidza mufananidzo 17-a, “Vadzidzisi vekumba vari kushanya

nemhuri.”

Apo mumwe Mukoma akadaidzwa kuva mmishoni wekumba, akada

kushandira vanhu vake pachokwadi. Akati:

“Ndakaverenga chikamu muDzidziso neZvibvurano chinotsanangura

mabasa acho. Ndakanyanya kufadzwa nepfungwa . . . yekutarisa

mhuri dzangu, kuva navo nekuvasimbisa . . . (onai D&Z 20).

“Ndakapa kuna Ishe kuzvipira kwangu pachangu kwekuti ndaizoedza

. . . kutarisa mhuri dzangu . . . sezvavaizoita ivo. ...

“Muneimwe yedzimba dzemudunhu rangu maigara shirikadzi. Rimwe

zuva mushure medutu rechando mudzimai wangu neni takamuona

achinetseka kuenda kumusika. Ndakamisa motokari ndikamuudza

kuti ndaizofara kumuendesa. Ndakamuudza kuti ndaida kuti andifunge

seshamwari uye kuti pose paaida rubatsiro, aifanira kuita kuti

[tive] nemukana wacho.

“ ‘Ndinotenda zvikuru,’ akadaro. ‘Iyi inguva yekutanga kuti mmishoni

wekumba aite chinhu chakadaro.’

“Umwe usiku ndakayeuka kuti ndakanga ndisati ndambomuona

pamitambo yedu yose, ndikasarudza kutsvaga chikonzero, kana ndaikwanisa

ndisingamugumbure.

“Akaratidza ushamwari apo mufambidzani wangu neni takagogodza

pagonhi rake. ...

“Ndakozomubvunza nezvemitambo yedu.

“ ‘Aaa, ndinofanira kubvuma kuti ndakakokwa kuvako dzimwe

nguva. Asi hakuna kana kamwechete kandakanzwa kuva semumwe

wechikwata ichocho. Hapana akandikoka kuenda navo, handina kuda

kunzwa sekunge ndaimanikidza.’

145

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!