05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

Chidzidzo 23

kurapa umwe urwere wakasiyana, mamiriro ezvhinhu anogona

kunyanya kuipiswa. Nokuti mushonga unenge wapihwa kurapa

urwere hwemumwe munhu unokwanisa kushaya basa kana kukuvadza

mumwewo munhu anenge ane urwere humwechete, mushonga

unofanirwa kutorwa chete emunhu anenge aupiwa kuti anwe.

Mishonga inokwanisawo kukuvadza zvikuru kana ikatorwa nemwero

usiwo. Zvakanyanya kukosha kuona kuti vana vatora nushonga

nemwero wakatarwa chete, uyo kazhinji unenge wakaderera zvikuru

pane uyu unotarirwa munhu mukuru.

Kukosha kwekuchengetera mishonga yese pasingasvikirwe nevana

kunotaridzwa nenyaya inotevera. Rimwe zuva apo kamukomana

kadiki kakarwara, amai nababa vake vakaenda naye kuchipatara.

Chiremba akaona mwana akamupa mushonga. Vadzoka kumba, vabereki

vemukomana uyu vakamusiya ari mumba make ari oga ivo vonoshanda

vari panze. Panguva iyi mwana uyu akawana bhotoro romushonga

waakanga apuwa ndokubva aunwa wese ipapo. Aifanira

kunwa matiisipunu maviri mushure memaawa mana oga oga.

Vabereki vake pavakauya kuzoona kuti ainzwa sei, vakamuwana achirwara

zvikuru. Hapana chaikwanisa kuitwa pachine nguva, zvisinei,

mwana akabva afa.

■ Chii chinofanira kuiitwa nenhengo dzemhuri kudzivirira njodzi

dzakadai?

Nokuda kwekuti zvinhu zvizvhinji zvinokuvadza zvine basa, tinozvichengeta

mudzimba dzedu kuitira kuzozvishandisa zvakafanira

Zvisinei, tinofanira kuita zvose zvatinokwanisa kudzivirira vanhu

kubva mukuzvidya kana kuzvinwa kana kuzvibata kwenguva yakarebesa.

Imwe nzira yokuita izvi kunyatsonyora zita rechinhu chacho

mugaba rachinochengeterwa.

■ Taridza mufananidzo 23-a, “Kunyora Zvinhu Zvinokuvadza.”

Mufananidzo wakareruka unokwanisa kuyambira pane chepfu.

Dzidzisai vana nevamwe vanhu vasingakwanisi kuverenga kuti chitaridzo

chacho kana kuti mufananidzo wacho unoreva kuti “Ngozi!”

kana “Chepfu!”

Zvinhu zvinokuvadza zvinofanira kuchengetwerwa pasherefu yepamusoro

soro kana kuti mudhirowa rinokiiwa apo pasingasvikwi

nevana. Shandisai zvinosunga magonhi epamadhirowa kuti vana vasavhura

uye zvivharo zvisingavhurike nyore nyore pamishonga uye zvimwe

zvinhu zvinogona kukuvadza. Musambofa makadaidza mushonga

kuti “chihwitsi” kuitira kuti mwana aunwe, kunyangwe kana

uchita-pira sechihwitsi.

201

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!