05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

Chidzidzo 22

dzinoshandiswa pamwana uye zvakakomberedza panguva yekuzvarwa

zvinofanira kunge zvisina utachiona zvachose. Avo vanobatsira

pakuzvarwa, kunyange kuzvara kwacho kukaitikira kuchipatara,

kunzvimbo yemateneti, kana kumba, vanofanira kudzidziswa kuziva

zvokuita uye kuziva apo amai kana mwana pavanenge vavakuda

kutaririrwa kweutano kwakawedzerwa.

■ Madzimai emunzvimbo mamugere kazhinji anoenda kupi kunosunungukira

vana vavo? Mzvimbo idzi dzakachena here? Vane vanhu

vakadzidziswa here kubatsira mukusunungurisa vana? Kana nzvimbo

dzacho dzisina kuchena, ndeipi nzvimbo ingavanani kuenda?

Chii chamugaita kunatsa nzvimbo dzacho dziripo?

Kuchengetwa kwaAmai Vachangobatsirwa

Zororo Rakakwana

Mushure mekubatsirwa, amai vanokwanisa kunge vakaneta uye vasinganzwi

zvakanyatsonaka. Vashandi vehutano vanokwanisa kuvabatsira

kuziva kuti vanofanira kusaita basa rinorema kwemazuva

mangani. Vanofanira kuramba vachiwana zororo rakakwana. Nhengo

dzemhuri dzinofanira kuramba dzichivabatsira kuitira kuti vagowana

zororo rakakwana.

Kudya Kwakafanira

Zvekudya zvinodyiwa naamai vachangobatsirwa zvakakosha muhutano

hwavo. Vanofanira kukwanisa kudya zvese zvekudya zvinovaka

zvavajaira. Amai vanoyamwiswa mwana wavo vanofanira kudya zvekudya

zvakawanda kubva muboka rezvekudya rega rega kuti vagoburitsa

mukaka wakakwana. Zvekudya kubva mumapoka ezvekudya ese

zvakankosha kuutano hwemawana wavo. Vanozofanirawo kunwa

zvokunwa zvakawanda apo pavanenge vachiyamwisa. Vana amai dzimwe

nguva vanowona kuti zvimwe zvekudya zvavanodya zvinokanganisa

mwana anonwa mukaka wavo wemuzamu. Vanokwanisa

kudzivirira kudya izvi, zvisinei, asi vachii ne chokwadi kuti vawana

zvekudya zvakasiyana siyana zvakafanira uye zvakakwana.

■ Chii chaungaita kubatsira amai, hama, kana muvakidzani wako ane

mwana achangozvarwa?

Kuchengetwa kweMwana aChangozvarwa

Zvekudya

Zvokudya zvakafanira zvakakosha kumwana achangozvarwa. Mukaka

wemuzamu, kunyanya pamazuva ekutanga mwana azvarwa, ndiko

kudya kwakanyanya kunaka kwemwana. Kashoma chaizvo mwana

paanotadza kuwirirana nemukaka waamai. Amai vanokwanisawo

kushandisa mukaka wemugaba, unezvese izvo zvinodikanwa kuvaka

195

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!