05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 24

Kana munhu atora chepfu nokuidya, chekutanga geza muromo

kubvisa chepfu inenge yasaririra pamuromo ipapo. Zvino chiona kuti

ichepfu ipi yatorwa uye wochaira runhare pakarepo kunzvimbo ine

vanhu vanoshanda nezvechepfu, kuchipatara, kwadhokotera, kana

kumushandi weutano wemunzvimbo menyu. Vanhu ava vachada

kuziva kuti munhu atora chepfu ane makore mangani, zita rechepfu

yaunofunga kuti amedza, amedza chepfu yakawanda zvakadii, zvaitika

nguvai, uye kana munhu wacho arutsa kana kuti kwete.

Zvichienderana noruzivo rwaunopa, mushandi wezveutano anokubatsira

kuziva rudzi rwerubatsiro rwekutanga mukurapa rwekupa

kumunhu anenge atora chepfu uyu.

Kana usingakwanisi kuwana mushandi wezveutano kana rumwe

rubatsiro pakarepo, pane zvimwe zvinhu zvaunokwanisa kuita kubatsira

munhu anenge atora chepfu.

Chepfu Dzinopisa Kana Kuparadza Nyama

Lye (inowanikwa mumishonga yekugezeza zvinhu mudzimba), peturu,

neparafini ndidzo dzimwe dzechepfu dzinopisa kana kuparadza

nyama dzomuviri apo pazinongo nwiwa. Kana munhu anwa imwe

yechepfu idzi, usamuita kuti arutse. Sezvo chepfu idzi dzichiparadza

nyama padzinomedzwa, kurutsa kunokonzera kunyanya kukuvara

kwemunhu. Panekumurutsisa, ipa munhu uyu mvura kana mukaka

wakawanda chaizvo kuti anwe, izvi zvinobatsira kuti chepfu ishaye

simba.

Chepfu Dzisingapisi Kana kuParadza Nyama Dzomuviri

Kurapa chepfu dzisingapisi kana kuparadza nyama dzomuviri kunoda

kuti munhu wacho arutse mushure mokunwa mvura kana zvimwe

zvokunwa. Kana uinechokwadi kuti kurapa kunobatanidzira kurutsa,

shandisa sirapu yeipecac kuti munhu iyeyo arutse, asi ziva kuti ingangotora

maminetsi anoita gumi nemashanu kana kupfuura kuti ishande.

Usasiya munhu atora chepfu ari ega panguva iyi. Kana usina

sirapu yeipecac kana mumwe mushonga wekurutsisa, ita kuti munhu

arutse unoisa chigunwe kana chipunu kumberi mberi kwerurimi

rwake. Ita kuti munhu wacho akotamire mberi kuitira kuti asakachidzwa

nemarutsi. Kana munhu wacho akapfizuka, mupindure arare

nedivi kuti asakachidzwa.

Mushure mekurutsa, kana munhu wacho akamuka achiziva zvirikuitika,

mupe mushonga unorapa chepfu yacho kubatsira chepfu inenge

yasara kuti ibude zvakanaka, zvisingakuvadzi mumuviri. Maratya

akatsva, kana magufu echingwa chakatsva mushonga unoita kuti aburitse

somunhu ane manyoka kana kuti mupe girasi remvura ine

220

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!