05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 30

anobvuma kuzviita, asi zvino ndinowana zvisina kuiitwa uye ndobva

ndozviita ini pachangu.” Ini ndikati, ‘Unoita sei?’ akati, ‘Zviri nyore

kungozviita pane kumuita kuti azviite.’ Zvakanaka, ndakagara pasi

ndikamuraira kwekanguva ndikamuudza . . . kuti apo unoronga basa,

uye wogovera mvumo iyi asi zvino waita basa racho, unenge watosunungura

munhu wacho kubva pabasa iroro . . . Zvakakosha kuti uvadzidzise

kuita basa ravo pachako” (Relief Society Courses of Study,

1976–77, pp. 121–22).

■ Mutungamiri Tanner vakayeuchidza mwanasikana wavo kuitei

sechikamu chokugovera basa? Njodzi iripapi mukuita basa racho

pachako mushure mokunge waripa kune mumwe munhu?

Kukwanisa kugovera basa nokuzoswedera kure kubva mukuita zvakanyanya

kuwanda isu pachedu kwakanyanya kukosha kuna avo vedu

vari vana amai. Sevatungamiri vevana vedu tinofanira kugovera mabasa

kwavari mudzimba dzedu. Kana vana vachiziva kuti mamwe mabasa

ndeavo uye haazoitiwi nemumwe munhu, vanozoita hanya huru kuona

kuti basa ravo raitwa. Amai vasingabvumiri vana vavo kuzadzikisa

mabasa avanenge vavapa varikuvadzivirira kubva kudzidzo yakanaka

uye inofanirwa.

Kugovera kunozorerutsa basa mudzimba dzedu, sezvakunozoitawo

mumabasa edu ekukereke. Hakuna amai vanombofanira kuita basa

rose mumba mavo. Chinhu chakadaro hachina kunaka kwatiri kana

kuvana vedu. Tinotaridza rudo rwedu kuvana vedu apo patinovapa

zvinhu zvinovaka zvokuita. Kune zvinhu zvakawanda mumba zvinokwanisa

kuitwa nevana kana amai vakaronga mabasa acho emumba

maererano nekwaniso dzevana vavo. Apo pavanopiwa mabasa emazuva

ose, vana vanowana dzidziso nemikana yakanaka yokukura.

Panguva imwecheteyo, vana vanotibatsira. Apo vana pavanobatanidzirwa

mukutaridzika nekurongwa kwedzimba dzedu, vanova nechido

madziri.

Apo patinogovera mabasa kuvana vedu, tinofanira kurangarira kuchengeta

mabasa acho ari pamwero anokwaniswa kuitwa nevana kuitira

kuti vagokwanisa kuwana budiriro nokunzwa zvakanaka pamusoro

pavo. Zvakakosha kuti tidzidzise vana vedu basa, umhizha hwebasa,

uye kuti vave vanhu vanovimbwa navo.

■ Ndeapi mabasa anokwanisa kugoverwa kuvana kuvagadzirira kuva

vabereki?

Mumabasa edu emudzimba neekuKereke, tinofanira kuziva kwaniso

dzevamwe. Kana kwaniso yedu yakakura kupinda kwaniso yemumwe

munhu, tinofanira kuva nemoyo murefu nerubatsiro. Kana kwaniso

yemumwe munhu yakakura kupinda yedu, tinofanira kuva nechido

285

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!