05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 24

Kubvisa Munhu Akuvara Kubva Paakuvarira

Kazhinji, munhu akuvara zvikuru haafaniri kubviswa paari kusara

kokunge hupenyu hwake huri munjodzi. Kana munhu akuvara achifanira

kubviswa, anofanira kutakurwa nevanhu vakawanda kana kuti

pasitirecha. Kana uchifungidzira kuti munhu wacho akuvara mutsipa

kana musana, zvakanyanya kunaka kumubvisa nokushandisa bhodi

rimwechete guru, sezvakaita gonhi rabviswa pamukova, kana

mabhodi madiki akawanda abatanidzwa pamwechete. Chenjererai zvikuru

kusafambisa fambisa mutsipa kana musana wemunhu akuvara.

■ Taridza mifananidzo 24-e, “Shandisa mabhodi sesitirecha kubvisa

munhu akuvara musana kana mutsipa, muchiita chokwadi kuti

munhu akuvara haazungunuki zvakanyanya”; 24-f, “Munhu akuvara

munjodzi ari kusimudzwa nokutakurwa”; uye 24-g, “Ita kuti

musoro wemunhu akuvara usafamba famba kana uchifungidzira

kuti akuvara mutsipa.”

Gumbeze, saga, kana maoko evabatsiri zvinokwanisa kushandiswa

kutakura munhu akuvara zvakaipa zvikuru. Vabatsiri vanoshanda

kubva kumativi ese, nemunhu mumwechete akabata musoro wemunhu

akuvara kuti usafamba famba. Munhu mumwechete ndiye anenge

achideedzera zviratidzo, kuita chokwadi kuti vabatsiri vese vanosumudza

nokufamba pamwechete. Nokuti mukasadaro, munhu wacho

akuvara anokwanisa kukuvara zvakanyanya nokuda kwekufambiswa

fambiswa zvisina mwero uye zvisingadikanwi.

■ Taridza mufananidzo 24-h, “Dara ragadzirwa nemucheka kana

negumbeze.”

Dara rinokwanisa kugadzirwa nematanda maviri, sezvakaita mibato

ye mabhurumu, negumbeze. Mabhachi anokwanisawo kushandiswa

kugadzira dara nokuvhara mberi kwemabhachi uye wopina matanda

nemumaoko acho.

Magumo

Zvakakosha zvikuru kuti tidzidze kufunga zvakaJeka pamusoro pezvinodikanwa

nemunhu akuvara munjodzi. Zvinhu zvakanyanya kukosha

kuita kubvisa munhu akuvara kubva panzvimbo inenjodzi uye

kudaidza rubatsiro, kuita kuti munhu akwanise kufema zvakare uye

kuti mwoyo wake utage kushanda zvakare, kumisa ropa kubuda, uye

Batsirai Vanenge va rowa nehana. Rumwe rubatsiro rwekutanga

mukurapa runofanira zvino kuchipiwa kana ruchidikanwa. Rumwe

rubatsiro rwekuchipatara kana rwadhokotera rungango dikanwawo.

Kudzidzira nziro dzerubatsiro rwekutanga mukurapa dzatsanangurwa

muchidzidzo chino kunozotibatsira kuva takagadzirira zvirinani kubatsira

kana njodzi yaitika inoda rubatsiro rwekutanga mukurapa.

230

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!