05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 32

“ Ndinoda kuva ndakagadzirira kubatsira kuvaka umambo hwaMwari

pasi pano . . . ndinotenda ndichakwanisa kuzviita chokwadi. ...”

“Chinangwa chandiri kutsvaka muupenyu huno ndechokubvumidzwa

kuva muumambo hwapamusoro soro munyika mushure meino, uye

handimbofi ndakaregera kushandira chinangwa changu. Ndakapinda

kereke kubvira pandakanga ndakura zvekukwanisa kuenda. ...”

“Ndinoda kuchata nemukomana wechiMomoni akachena uyo anokwanisa

kuenda neni kutembere, uye ndinoda kuva ndakamukodzera.

Ndinotenda kuti ndichakwanisa kupa zvizvarwa zvangu muviri

nepfungwa zvakachena uye zvakarurama, ruzivo rwangu rwevhangeri,

uye chido chokurarama kuzowana umambo hwepamusoro soro.

Ndinotenda kuti ndichabvumidzwa kugara nevadikanwi vangu

muhupenyu hunotevera hwuno uye kuti ndichava nzira yokubatsira

avo vose vandinokwanisa vakandipoteredza, neavo vose vakasanoenda,

kuti basa ravo rokutembere riitwe. Ndinoda kuva nzira yokuunza

mweya mitsva munyika uye kukwanisa kuva amai vakakodzera vakanaka,

kubatsira kuvapa imba umo mavanokwanisa kunakidzwa nemaropafadzo

mamwewo andakanakidzwa nawo mumba mangu” (sekutorwa

kwazvakaitwa neJohn H. Vandenberg mu Conference Report,

Kubvumbi 1966, p. 94; kana Improvement Era, Chikumi 1966, p. 534).

■ Ndezvipi zvinangwa chaizvo zvakamiswa naSista Higginson?

(Nyora mhinduro pabhodhi.) Ndezvipi zvimwe zvezvinangwa

izvi zvaunoda kuzvimisira pachako?

Tisati tamisa zvinangwa zvedu pachedu, tinofanira kunamata nokufungisisa.

Tinofanira kukumbira Baba voKudenga kutibatsira kuziva patinenge

tine utera, zvatinofanira kunatsa, uye kuti zvinangwa zvedu zvinofanira

kuva zvipi. Maropafadzo edu ateteguru anozotibatsirawo kunzwisisa

kuti zvinangwa zvedu pachedu zvinofanira kuva zvipi. Mirairo kubva

kuvatungamiri vedu veKereke inokwanisa kutibatsira mukumisa zvinangwa

zvedu pachedu. Tinofanira kukudziridza mafungiro akataurwa

neMutungamiri Spencer W. Kimball pakuvharwa kwemusanganoweruzhinji:

“Ndasarudza mufungwa dzangu kuti ndichaenda kumba ndigonova

murume akanaka kupinda zvandati ndamboita. Ndateerera kumirairo

nemazano ese, uye ndinovimba kuti munhu wese azvinzwa aita

zvandaita.... Ndinokukurudzirai kufunga zvakare pamusoro pezvinhu

zvaunzwa kwamuri; uye kana zvichibata upenyu hwenyu nenzira ipi

zvayo, onai kana mungazvishandisa kukudzosai—tese tese—munange

kuururami uhwo hwatakakumbirwa naIshe” (mu Conference Report,

Gumiguru 1977, p. 113; kana Ensign, Mbudzi 1977, p. 75).

Kumisa Zvinangwa Zvemhuri

Pamusoro pokumisa zvinangwa zvedu pachedu tinofanira kutaura

nemhuri dzedu nokumisa zvinangwa zvemhuri yose kuti ibudirire

301

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!