05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 21

Kumbira masista kuti varonge kudya, vachitanga nekudya kwamazuva

ose kunokosha. Itai chokwadi kuti kudya kunosanganisira

chokudya chimwechete kubva muboka rezvokudya rega rega.

■ Taridza posita rinotaridza kudya kune zvokudya zvinobva mumapoka

ezvokudya. Ita kuti masista ature kuti nderipi boka rinobva

chokudya chega chega. Ita kuti vaone kana kudya kwega kwega

kune zvokudya zvakasiyana siyana kubva mumapoka.

Apo paunoronga kudya, tevedzera mutemo wekutanga wekuva

nechokwadi kuti unosanganisira zvokudya zvinobva muboka regarega

mazuva ese. Tinofanira kudya zvokudya zvakasiyana siyana

kubva mumapoka ezvokudya ese kuti tiwane manyutiriyenzi ese atinoda

kuti tive vatano.

Kudikanwa kweChokudya chega chega muHuwandu Hwakafanira

Mushure mekunge wakudziridza tsika yokusanganisira zvokudya zvinobva

muboka rega-rega mukudya kwako, funga kuti munhu wega

wega anoda huwandu hwakadii hwechokudya chega chega. Huwandu

hudiki hwechokudya chega chega pamwe hunenge husingakwane.

Munhu wega wega anoda humwe huwandu pakupakura kubva

muboka rezvokudya rega rega mazuva ose.

Tinofanira kuchenjera kusaita chikanganiso chakaitwa neboka remadzimai

gumi akabika mupunga pamwechete rimwe zuva. Madzimai

aya akashandisa makapu emupunga akati wandai, zvipunu zviviri

zvemadomasi akagayiwa nenyama shoma shoma. Apo kudya zvakwakanga

kwaibva, vakafunga, “Uku kudya kune zvokudya kubva

muboka retsanga, muboka remavhejiteburu, uye kubva kuboka

renyama. Uku kudya kunovaka uye kwakazara.” Kuipa kwazvo kwaiva

kwekuti vakanga vasina kuisa madomasi akakwana kana nyama

yakakwana kuti mudzimai wese awane huwandu hunodikanwa. Apo

pavakadzidza pamusoro pekudikanwa kwekuti munhu wega wega

awane chokudya chega chega chakakwana, vakazochenjera pamusoro

pekudya kwavaigadzirira Mhuri dzavo.

Kuti tive nechokudya chega chega chakakwana, zvingangodikanwa

kutenga zvokudya zvisingaduri kubva muboka rega-rega kuitira kuti

tishandise mari yedu zvineungwaru.

■ Tondeka kupiramidi yezvokudya iri mumufananidzo 21-b. Ndezvipi

zvokudya muboka rega-rega zvinonyanya kudhura? Ndezvipi zvokudya

muboka rega-rega zvingava zvakachipa zvokutsiva nazvo

zvokudya zvinodhura muboka rimwero?

187

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!