05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 16

pfuma, vaineutano, kana kuti vakadzidza,” kana kuti “kana vachikodzera

kukudzwa.”

Tinofanira kutevera muenzaniso “weimwe mhandara akashinga kunatsa

manzwiro ake pamusoro pevabereki vake [uye] akaenda kuna Baba

vake vari Kudenga mumunamato wechokwadi. Paakanga achinamata

akasarudza kutenda Ishe nevabereki vake kunyange akanga asina

kumbenge akambozviita. Paakataura mazwi ekutenda pfungwa yake

yakazadzwa pakarepo nezvikonzero zvaaifanira kutendera vabereki

vake. Akasimuka kubva pamabvi ake azadzwa nerudo rutsva nenzwisiso

yevanhu vaviviri vaakaona kuti chokwadi vaiva vana vaMwari

sezvaakanga ari iye” (Look Unto Me in Every Thought: Mia Maid

Course B, Young Women [1978], p. 42).

■ Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvatinofanira kukudzira nekuratidza

kutenda nevabereki vedu?

■ Kukudza vabereki vedu kunotibatsira sei kuratidza rudo kuna Baba

veKudenga?

“Vamwe vaviri vechi America kuEurope vakanga vadya kumba kwemumwe

chiremba. Vakabatwa nerukudzo nekukosha kwairatidzwa

ambuya vakanga vari chikamu chemhuri. Chiremba akaratidzika

kushamisika pavakazvitaura. Mhinduro yake yakave, ‘Mwari vakashandisa

vabereki mukutisika. Hatikwanise kusavakudza tichirega kusakudza

Mwari’ (Family Home Evening Manual, 1967, p. 172).

Tinga Kudze Vabereki Vedu Sei

■ Verengai VaEfeso 6:1–3. Pauro anoraira kuti tiite sei kuti tikudze

vabereki vedu? Pauro ano mutemo upi pakuteerera kwedu?

Zvinorevei kuti “vateererei muna muIshe?”

Pamusoro pekuteerera, tinokwanisa kukudza vabereki nedzimwe

nzira. Mumwe sista wechidiki, Estilla Ayala, akanyora pamusoro

pemadzidziro akaita kuzadzikisa murairo uyu.

“Kubva panguva yandaiva nemakore mashanu kusvika ndava gumi

nemasere, upenyu hwedu hwepamba hwakange husingafadze.

Sedangwe revana vapfumbamwe, ndainzwa kurwadziwa kana amai

vangu nehanzvadzi dzangu diki nevanin’i vachitambudzika nehosha

dzakaipa dzababa vakadhakwa. Ndaiwanzofunga, ‘Ndingaite sei kuunza

karufaro mumba medu?’

“Pandakanga ndava gumi nemana uye ndava muchikoro chesekondari,

mumwe munhu akandiudza kuti mumwe wemirairo yaMwari kukudza

vabereki vako. Nekuda kuziva kukuru, ndakabvunza, ‘Ndingakudze sei

vabereki vangu?’ Ndakaudzwa kuti ndidzidze ndive mudzidzi akanaka,

135

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!