05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

Create successful ePaper yourself

Turn your PDF publications into a flip-book with our unique Google optimized e-Paper software.

Chidzidzo 18

■ Chii chamunoda kwegore rimwechete? Chii chiri kuitwa nemhuri

yenyu kugadzirira kudya, mbatya, nezvemoto zvinotora gore?

Chii chimwe chamungakwanise kuita?

Utano hweNyama

Miviri yedu yenyama inoera, uye zvakakosha kuti tiichengete yakachena,

yakasimba iri mitano. Tinofanira kutevera mirau chaiyo yekuva

neutano hwenyama hwakanaka. Sekuratidzwa kwazvakaitwa muIzwi

reUchenjeri, tinofanira kudya zvidyo zvinovaka uye tisatore zvinodhaka,

fodya nezvimwe zvinhu zvinokuvadza (onai D&Z 89).

Kudzivirira chirwere tinofanira kuchengeta dzimba dzedu nezvivanzi

zvakachena uye tichiwana mishonga yenhomba inokurudzirwa

munzvimbo medu. Tinofanira kuwana zororo rakanaka, tinofanira

kusimbisa miviri nguva nenguva, maererano nezvinodikanwa zvedu

nezvatiri. Patinochengeta miviri yedu iri mitano tinokwanisa zvirinani

kuriritira zvinodikanwa zvedu nekubatsira vamwe.

■ Sei tichida miviri yakasimba? Sei zvakanyanya kukosha kuti vachava

ana amai vachengete utano hwavo? Chii chatingaite kunatsa utano

hwemhuri yedu? (Onai chidzidzo 21, “Kuronga Kudya Kuzere

Utano,” nechidzidzo 22, “Kuchengetwa KwaAmai neMucheche,”

mubhuku rino.)

Utano hweMweya, Pfungwa, neMagariro

Tinofanira kuzvisimbisa pachedu nemhuri dzedu pamweya, pfungwa,

nemagariro. Patinoita izvi tinozova takagadzirira zviri nani kugadzirisa

matambudziko nekusuwa. Mukuru Boyd K. Packer vakati:

“Zvakanga zvakarongwa kuti upenyu hunozove chiedzo. Kuve tinotambudzwa

nekunetseka, kusuwa, nekugumbuka, kunyange kukundikana

kunowanikwa. ...

“Kana [ukave] . . . nezuva rakaipa neimwe nguva, kana akawanda akatevedzana,

. . . mira wakadzikama utarisane nawo. Zvinhu zvinozotwasanuka.

“Pane chinangwa chikuru mukutambudzika kwedu muupenyu” (mu

Conference Report, Kubvumbi 1978, p. 140; kana Ensign, Chivabvu

1978, p. 93).

Panouya zviedzo, tinofanira kuda, kutsigira, kuyemura, nekukurudzira

vamwe mumhuri. Mukubatsirana, tinokudziridza simba repfungwa

kukunda matambudziko azvino neachauya.

Mukuru Marvin J. Ashton vakataura nyaya inotevera yemhuri yakakudziridza

simba rerudzi urwu:

Mwanasikana mudiki akakuvara urozvi zvakanyanya pakuzvarwa uye

haana kumbokwanisa kukura kana kusvika zvaaifanirwa kunge akaita.

157

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!