05.06.2013 Views

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

Mudzimai weMazuva Ekupedzisira, Chikamu Chechipiri

SHOW MORE
SHOW LESS

You also want an ePaper? Increase the reach of your titles

YUMPU automatically turns print PDFs into web optimized ePapers that Google loves.

Chidzidzo 34

■ Minamato yavo yerutendo yakazadzikisa zvidikanwi zvasista ava

sei? Kutenda Bava vedu veKudenga nemaropafadzo edu kunotibatsira

sei?

Apo tinonamata tinofanira kuyeuka kuti uchenjeri hwaBaba vedu

voKudenga avo vanoziva zvose uye vakarurama nokudzidza kutambira

chido chavo muzvinhu zvose. Dzimwe nguva, muuchenjeri

hwavo, vanopindura minamato yedu nenzira dzatanga tisingatarisire.

Izvi zvinoratidzwa nechiitiko chinotevera chakataurwa

naMutungamiri N. Eldon Tanner:

“Ndakashamiswa zvikuru nemafungiro emwanasikana wangu nemurume

wake vakanga vane mwana airwara neleukemia. Vana chiremba

vakati mwana akanga asingakwanisi kuzorarama kupinda gore kana

maviri. Ndinoyeuka kuvhunduka kukuru kwavakaita nazvo uye kuteterera

kwavakaita naIshe, vakaenda kutemberi, vakatsanya nokunamata

kuti mwana aporeswe; uye chinhu chakanyanya kundishamisa

ndechokuti vaipedzisira minamato yavo nekuti ‘kwete kuda kwedu,

asi kwenyu, ngakuitwe; uye tisimbisei zvakakwana kutambira chido

chenyu kwatiri.”

“Akararama kwenguva yakareba kupinda zvakanga zvataurwa nanachiremba

asi pakupedzisira akadaidzwa kumusha, uye zvaifadza kwandiri

kunzwa vabereki vake vachitenda Ishe kuti vakanga vawana

mukana wekumurera kwenguva yavakanga vaita uye kuti akanga

ari mwana akanaka zvikuru, zvinondokukumbira Ishe kuti vavaite

vakakodzera kusangana nokugara naye muhupenyu hunotevera”

(“Importance and Efficacy of Prayer,” Ensign, Nyamavhuvhu 1971,

p. 3).

■ Zvidikanwi zvevabereki zvakazadzikiswa sei kuburikidza nemunamato?

(Vakaropafadzwa nesimbiso yavaida kuti vambire chido

chaIshe.)

■ Sei zvakakosha kunamata kuti kuda kwaIshe kuitwe? (Ishe muuchenjeri

hwavo husingagumi vanoziva zvakatinakira.)

Pamusoro pokunamatira kuti zvidikanwi zvemhuri dzedu nezvedu

pachedu zvizadzikiswe, tinofanira kunamatira vamwe muzvidikanwi

zvavo. Senhengo dzeKereke, tinokwanisa kubatana mukunamatira

avo vane zvidikanwi zvakakosha.

Kazhinji tine mikana yokunamata mumisangano yedu yeKereke.

Nezve mikana iyi, imwe nhengo yakati: “Nguva dzose ndinozvitenda

kana ndikakwanisa kugara kumberi kwegungano ndisati ndapa munamato

ndakavamiririra. Ndinotarisa pazviso zvavo ndoyedza kuwana

nzwisiso yekuti zvidikanwi zvavo zvii uye kuti maropafadzo api avanonyanya

kutenda nawo. Ndinokumbira Ishe kundibatsira kuti ndive

325

Hooray! Your file is uploaded and ready to be published.

Saved successfully!

Ooh no, something went wrong!